Bhuku Rekutanga reMadzimambo 19:1-21
19 Zvino Ahabhi+ akaudza Jezebheri+ zvese zvakanga zvaitwa naEriya uye kuuraya kwaakanga aita vaprofita vese nebakatwa.+
2 Jezebheri akabva atuma nhume kuna Eriya, achiti: “Vanamwari ngavandiitire saizvozvo, uye ngavawedzere pazviri, kana mangwana panguva ino ndikasaita kuti uve semumwe nemumwe* wavo!”
3 Saka akatya, achibva asimuka, akatiza kuti aponese upenyu hwake.*+ Akasvika kuBheeri-shebha+ yeJudha+ akasiya mushandi wake ikoko.
4 Akafamba rwendo rwezuva rimwe chete achipinda murenje, akasvika akagara pasi pegwenzi, uye akakumbira kuti afe.* Akati: “Zvakwana! Haiwa Jehovha, chindiurayai henyu,*+ nekuti hapana pandinopfuura madzitateguru angu.”
5 Akabva arara pasi akabatwa nehope ari pasi pegwenzi. Asi ngirozi yakangoerekana yamubata,+ ikati kwaari: “Muka udye.”+
6 Paakatarisa, akaona kumusoro kwake kuine chingwa cheraundi pamatombo aipisa nechirongo chemvura. Akadya nekunwa, akarara zvakare.
7 Gare gare ngirozi yaJehovha yakadzoka kechipiri ikamubata, ikati: “Muka udye, nekuti rwendo rwacho ruchanyanya kukurebera.”
8 Saka akamuka akadya nekunwa, uye nesimba rezvekudya izvozvo akaramba achienda kwemazuva 40 neusiku 40 kusvikira asvika kuHorebhi, gomo raMwari wechokwadi.+
9 Ava ikoko, akapinda mubako+ akarara imomo usiku hwese; uye shoko raJehovha rakauya kwaari, richiti: “Eriya, uri kuitei pano?”
10 Iye akabva ati: “Ndanga ndichishingaira chaizvo ndichiitira Jehovha Mwari wemauto;+ nekuti vaIsraeri vakasiya sungano yenyu,+ vakaputsa atari dzenyu, vakauraya vaprofita venyu nebakatwa,+ uye ini ndini ndega ndasara. Iye zvino vava kuda kundiuraya.”*+
11 Asi iye akati: “Buda umire pagomo pamberi paJehovha.” Zvino Jehovha akanga achipfuura nepo,+ uye mhepo huru yaiva nesimba yakanga ichitsemura makomo nekuputsa matombo pamberi paJehovha,+ asi Jehovha akanga asiri mumhepo yacho. Pashure pemhepo, pasi pakadengenyeka,+ asi Jehovha akanga asiri mukudengenyeka kwacho.
12 Pashure pekudengenyeka, pakava nemoto,+ asi Jehovha akanga asiri mumoto wacho. Pashure pemoto, pakanzwika inzwi rakanga rakadzikama, raiva pasi pasi.+
13 Eriya paakangorinzwa, akabva avhara chiso chake nenguo yake yebasa,+ akabuda, akamira pamuromo webako. Inzwi rakabva ramubvunza kuti: “Eriya, uri kuitei pano?”
14 Iye akabva ati: “Ndanga ndichishingaira chaizvo ndichiitira Jehovha Mwari wemauto; nekuti vaIsraeri vakasiya sungano yenyu,+ vakaputsa atari dzenyu, vakauraya vaprofita venyu nebakatwa, uye ini ndini ndega ndasara. Iye zvino vava kuda kundiuraya.”*+
15 Jehovha akati kwaari: “Dzokera, uende kurenje reDhamasiko. Kana wasvika ikoko, zodza Hazaeri+ kuti ave mambo weSiriya.
16 Uye unofanira kuzodza Jehu+ muzukuru waNimshi kuti ave mambo weIsraeri, uye unofanira kuzodza Erisha* mwanakomana waShafati wekuAbheri-mehora kuti ave muprofita panzvimbo yako.+
17 Anenge apukunyuka bakatwa raHazaeri,+ achaurayiwa naJehu;+ uye anenge apukunyuka bakatwa raJehu, achaurayiwa naErisha.+
18 Uye ndichiine vanhu 7 000 muIsraeri+ vane mabvi asina kupfugamira Bhaari+ uye vane miromo isina kumutsvoda.”+
19 Saka akabva ipapo, akawana Erisha mwanakomana waShafati achirima, zvipani 12 zvemombe zviri pamberi pake, uye iye aiva nechipani chechi12. Saka Eriya akaenda paaiva, akakanda nguo yake yebasa+ paari.
20 Akabva asiya mombe dzacho, akamhanya achitevera Eriya akati: “Ndapota, ndiregei nditsvode baba vangu naamai vangu. Ndichabva ndakuteverai.” Iye akati kwaari: “Enda hako, ndambokurambidza here?”
21 Saka akadzokera akatora mombe mbiri, akadzibayira, uye akashandisa zvaairimisa pakubika nyama yemombe dzacho akaipa vanhu, vakadya. Pashure paizvozvo akasimuka akatevera Eriya, akatanga kumushumira.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mweya wako uve semweya wemumwe nemumwe.”
^ Kana kuti “mweya wake.”
^ Kana kuti “chiurayai henyu mweya wangu.”
^ Kana kuti “mweya wake ufe.”
^ Kana kuti “kuuraya mweya wangu.”
^ Kana kuti “kuuraya mweya wangu.”
^ Kureva kuti “Mwari Ruponeso.”