Bhuku Rechipiri reMadzimambo 25:1-30

  • Nebhukadhinezari anokomba Jerusarema (1-7)

  • Jerusarema netemberi yaro zvinoparadzwa; vamwe vanhu vanoendeswa kuBhabhironi (8-21)

  • Gedhariya anoitwa gavhuna (22-24)

  • Gedhariya anourayiwa; vanhu vanotizira kuIjipiti (25, 26)

  • Jehoyakini anosunungurwa kuBhabhironi (27-30)

25  Mugore rechi9 rekutonga kwaZedhekiya, mumwedzi wechi10, pazuva rechi10 remwedzi wacho, Mambo Nebhukadhinezari+ weBhabhironi akauya neuto rake rese kuzorwisa Jerusarema.+ Akadzika musasa kuti arirwise, akavaka rusvingo rwairipoteredza rwekurikomba,+  uye guta racho rakakombwa kusvika mugore rechi11 raMambo Zedhekiya.  Pazuva rechi9 remwedzi wechina, nzara yakanga yanyanya+ muguta, uye vanhu vemunyika yacho vakanga vasisina zvekudya.+  Rusvingo rweguta rwakaputswa,+ uye varwi vese vakatiza usiku nepagedhi raiva pakati pemasvingo maviri pedyo nemunda wamambo, vaKadheya pavakanga vakakomba guta; uye mambo akaenda nenzira yekuArabha.+  Asi uto revaKadheya rakatevera mambo, rikamubatira murenje riri pedyo neJeriko, uye uto rake rese rakapararira richimusiya.  Vakabva vabata mambo,+ vakaenda naye kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra, uye vakamupa mutongo wake.  Vakauraya vanakomana vaZedhekiya iye akatarisa. Nebhukadhinezari akabva apofumadza maziso aZedhekiya, akamusunga nezvisungo zvemumakumbo zvemhangura, akaenda naye kuBhabhironi.+  Mumwedzi wechishanu, pazuva rechi7 remwedzi wacho, kureva gore rechi19 raMambo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani+ mukuru wevarindi, mushandi wamambo weBhabhironi, akasvika kuJerusarema.+  Akapisa imba yaJehovha,+ neimba yamambo,*+ nedzimba dzese dzemuJerusarema;+ akapisawo dzimba dzevarume vese vaikudzwa.+ 10  Rusvingo rwainge rwakapoteredza Jerusarema rwakaputswa neuto rese revaKadheya raiva nemukuru wevarindi.+ 11  Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akatapa vamwe vanhu vese vakanga vasara muguta, nevakanga vatiza vakaenda kuna mambo weBhabhironi, nevamwe vanhu vese.+ 12  Asi mukuru wevarindi akasiya vamwe vanhu vaiva varombo vekupedzisira munyika yacho kuti vashande muminda yemizambiringa uye kuti vaite basa rekumanikidzwa.+ 13  VaKadheya vakaputsa-putsa mbiru dzemhangura+ dzeimba yaJehovha, nezvingoro+ neDziva remhangura+ zvaiva muimba yaJehovha, uye vakaenda nemhangura yacho kuBhabhironi.+ 14  Vakatorawo makeni, mafoshoro, zvekudzimisa moto, makapu, nemidziyo yese yemhangura yaishandiswa pabasa repatemberi. 15  Mukuru wevarindi akatora midziyo yekuisira moto nendiro izvo zvaiva zvegoridhe rakanatswa+ nesirivha yakanatswa.+ 16  Kana dziri mbiru mbiri, Dziva, nezvingoro zvakanga zvagadzirirwa imba yaJehovha naSoromoni, uremu hwemhangura yakagadziriswa zvinhu izvi hwakanga husingayereki.+ 17  Mbiru imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti* 18,+ uye musoro wayo waiva wemhangura; musoro wacho wakanga wakareba makubhiti matatu, uye mambure nemapomegraneti* izvo zvakanga zvakapoteredza musoro wacho, zvese zvakanga zvakagadzirwa nemhangura.+ Mbiru yechipiri nemambure ayo zvakanga zvakafanana neyekutanga. 18  Mukuru wevarindi akatorawo Seraya+ mutungamiriri wevapristi, nemupristi wechipiri Zefaniya+ nevachengeti vemasuo vatatu.+ 19  Uye akatora mumwe mukuru wemumuzinda muguta racho uyo aiva nechinzvimbo chepamusoro muuto, nevanhu vashanu vaiva shamwari dzepedyo dzamambo vakawanikwa muguta, nemunyori wemukuru weuto, uya aiunganidza vanhu vemunyika yacho, nevarume 60 pavanhu vemunyika yacho vakanga vachiri muguta. 20  Nebhuzaradhani+ mukuru wevarindi akavatora, akaenda navo kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra.+ 21  Mambo weBhabhironi akavabaya akavauraya kuRibra munyika yeHamati.+ Saka vaJudha vakatapwa kubva munyika yavo.+ 22  Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi akagadza Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu+ mwanakomana waShafani+ kuti atungamirire vanhu vaakanga asiya munyika yeJudha.+ 23  Vakuru vese vemauto nevarume vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedhariya, vakabva vangoenda kwaiva naGedhariya kuMizpa. Paiva naIshmaeri mwanakomana waNetaniya, Johanani mwanakomana waKareya, Seraya mwanakomana waTanhumeti wekuNetofa, naJaazaniya mwanakomana wemuMaakati, pamwe chete nevarume vavo.+ 24  Gedhariya akaita mhiko kwavari nevarume vavo akati kwavari: “Musatya kuva varanda vevaKadheya. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi, uye zvichakufambirai zvakanaka.”+ 25  Mumwedzi wechi7, Ishmaeri+ mwanakomana waNetaniya mwanakomana waErishama, uyo aiva wemuimba yeumambo* akauya aine varume gumi vakabaya Gedhariya akafa, pamwe chete nevaJudha nevaKadheya vaaiva navo muMizpa.+ 26  Pashure paizvozvo, vanhu vese kubvira kumudiki kusvikira kumukuru, kusanganisira vakuru vemauto, vakasimuka vakaenda kuIjipiti,+ nekuti vaitya vaKadheya.+ 27  Mugore rechi37 rekutapwa kwaMambo Jehoyakini+ weJudha, mumwedzi wechi12, pazuva rechi27 remwedzi wacho, Mambo Evhiri-merodhaki weBhabhironi, akabudisa Mambo* Jehoyakini weJudha mujeri.+ Izvi akazviita mugore iroro raakava mambo. 28  Akataura naye zvakanaka, akasimudzira chigaro chake cheumambo kuti chive pamusoro pezvigaro zveumambo zvemamwe madzimambo aaiva nawo muBhabhironi. 29  Saka Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzemujeri, uye nguva dzese aidya pamberi pamambo mazuva ese eupenyu hwake. 30  Aigara achipiwa zvekudya namambo zuva nezuva, mazuva ese eupenyu hwake.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nemuzinda wamambo.”
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.
ChiHeb., “wekumbeu yeumambo.”
ChiHeb., “akasimudza musoro waMambo.”