Bhuku Rechipiri reMakoronike 5:1-14

  • Kugadzirira kukumikidzwa kwetemberi (1-14)

    • Areka inopinzwa mutemberi (2-10)

5  Saka Soromoni akapedza basa rese raaifanira kuita reimba yaJehovha.+ Soromoni akabva aunza zvinhu zvakanga zvatsveneswa+ nababa vake Dhavhidhi; uye akaisa sirivha, goridhe, nemidziyo yese maichengeterwa pfuma yeimba yaMwari wechokwadi.+  Panguva iyoyo Soromoni akaunganidza vakuru vaIsraeri, vakuru vese vemadzinza, machinda edzimba dzemadzibaba evaIsraeri. Vakauya kuJerusarema kuti vakwidze neareka yesungano yaJehovha kubva muGuta raDhavhidhi,+ kureva Ziyoni.+  Varume vese veIsraeri vakaungana pamberi pamambo pamutambo* unoitwa mumwedzi wechi7.+  Saka vakuru vese vaIsraeri vakauya, uye vaRevhi vakasimudza Areka.+  Vakakwidza neAreka yacho, netende rekusanganira,+ nemidziyo yese mitsvene yaiva mutende racho. Vapristi nevaRevhi* vakakwidza nazvo.  Mambo Soromoni neungano yese yevaIsraeri, avo vainge vashevedzwa kuti vauye kwaari vaiva pamberi peAreka. Pakanga pachibayirwa makwai nemombe+ zvakawanda chaizvo zvekusagona kuverengwa kana kuzivikanwa kuti zvingani.  Vapristi vakabva vaisa areka yesungano yaJehovha munzvimbo yayo, muimba yemukati yeimba yacho, iyo Nzvimbo Tsvenetsvene, pasi pemapapiro emakerubhi.+  Saka mapapiro emakerubhi acho aiva akatambanudzwa pamusoro penzvimbo yaiva neAreka, zvekuti makerubhi acho akanga akavhara Areka yacho nemapango+ ayo nechepamusoro.  Mapango acho akanga akareba zvekuti kunoperera mapango acho kwaioneka uri muNzvimbo Tsvene pamberi peimba yemukati, asi akanga asingaoneki uri kunze. Uye nanhasi achiri imomo. 10  MuAreka yacho makanga musina chinhu kunze kwemahwendefa maviri akaiswa imomo naMozisi kuHorebhi,+ Jehovha paakaita sungano+ nevaIsraeri pavaibuda muIjipiti.+ 11  Pakabuda vapristi munzvimbo tsvene (nekuti vapristi vese vaivapo vakanga vazvitsvenesa+ pasinei nekuti vaiva veboka ripi),+ 12  panguva iyoyo vaRevhi vese vaiva vaimbi+ vekwaAsafi,+ kwaHemani,+ kwaJedhutuni+ nevekuvanakomana vavo nehama dzavo, vainge vakapfeka nguo dzemachira akanaka chaizvo, vakabata zviridzwa zvesimbi dzinorovaniswa, nezviridzwa zvine tambo neudimbwa. Vakanga vakamira kumabvazuva kweatari, vaine vapristi 120 vairidza mabhosvo.+ 13  Varidzi vemabhosvo nevaimbi pavakanga vachirumbidza uye vachitenda Jehovha pamwe chete, mabhosvo, nesimbi dzinorovaniswa, nezvimwe zviridzwa zvichirira, vachirumbidza Jehovha, “nekuti akanaka; rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi,”+ imba yacho, iyo imba yaJehovha yakazadzwa negore.+ 14  Vapristi havana kukwanisa kumira kuti vashumire nemhaka yegore racho, nekuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza imba yaMwari wechokwadi.+

Mashoko Emuzasi

Kureva, Mutambo Wematumba.
Kana kuti “Vapristi vedzinza raRevhi.”