Tsamba Yechipiri Kuna Timoti 3:1-17
3 Asi ziva kuti mumazuva ekupedzisira,+ nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika.
2 Nekuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika,
3 vasina rudo runongobva rwega mumwoyo, vasingatombodi kubvumirana, vanotaura zvenhema nezvevamwe,* vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka,
4 vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza, vanoda mafaro panzvimbo pekuda Mwari,
5 vanoita sekunge vanonamata Mwari asi vasingaiti zvinoenderana nekunamata kwacho;+ usiyane naivava.
6 Pakati paivava panobva varume vanoverevedza vachipinda mudzimba, vokwezva vakadzi vasina simba, vakaremerwa nezvivi, vanokurirwa nekuchiva zvinhu zvakasiyana-siyana,
7 vanogara vachidzidza, asi vasingambosviki pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.
8 Vanhu ava vanoshora chokwadi sezvakaitwa naJanesi naJambresi vaipikisa Mozisi. Varume vakadaro vane pfungwa dzakakanganisika zvachose, uye havafarirwi naMwari nekuti havaiti zvinoenderana nekutenda.
9 Kunyange zvakadaro, havana kwavanosvika, nekuti kupusa kwavo kuchava pachena kuvanhu vese, sezvakangoita kwevarume vaviri ivavo.+
10 Asi iwe wakanyatsotevera kudzidzisa kwangu, mararamiro angu,+ chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, rudo rwangu, kutsungirira kwangu,
11 kutambudzwa kwandakaitwa uye nhamo yandakaona kuAndiyoki,+ kuIkoniyumu,+ nekuRistra.+ Ndakatsungirira matambudziko aya, uye Ishe akandinunura maari ese.+
12 Ndingatoti, vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.+
13 Asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa vamwe uye ivo vachitsauswawo.+
14 Asi iwe ramba uchiita zvinhu zvawakadzidza uye zvawakabatsirwa kuti utende,+ uchiziva kuti wakazvidzidza kunaani
15 uye kuti kubvira paucheche+ wakaziva zvinyorwa zvitsvene,+ zvinokwanisa kukubatsira kuti uve akachenjera kuti uwane ruponeso nekutenda muna Kristu Jesu.+
16 Magwaro ese akafemerwa naMwari+ uye anobatsira pakudzidzisa,+ pakutsiura, pakururamisa zvinhu,* pakurayira* zvakarurama,+
17 kuti munhu waMwari ave nyanzvi, aine zvese zvaanoda pakuita mabasa ese akanaka.
Mashoko Emuzasi
^ Kureva, kutaura mashoko ekusvibisa mazita evamwe.
^ Kana kuti “pakugadziridza zvinhu.”
^ Kana kuti “pakuranga.”