Isaya 54:1-17
54 “Pembera nemufaro, iwe mukadzi ngomwa, asina kubereka!+
Fara uye shevedzera nemufaro,+ iwe asati ambova nemarwadzo ekusununguka,+Nekuti vanakomana* veuya akasiyiwa vazhinjiKupfuura vanakomana vemukadzi ane murume,”*+ anodaro Jehovha.
2 “Ita kuti nzvimbo yetende rako iwedzere kukura.+
Tambanudza machira etende etebhenekeri yako huru.
Usarega, rebesa tambo dzako dzetende,Uye simbisa hoko dzako dzetende.+
3 Nekuti uchawedzera uchienda kurudyi uye kuruboshwe.
Vana vako vachaita kuti marudzi ave avo,Uye vachagara mumaguta akasiyiwa ava matongo.+
4 Usatya,+ nekuti hauzonyadziswi;+Uye usanyara, nekuti hauzoodzwi mwoyo.
Nekuti uchakanganwa nyadzi dzeudiki hwako,Uye hauzoyeukizve kuzvidzwa kweuchirikadzi hwako.”
5 “Nekuti Muiti wako Mukuru+ akaita semurume* wako,+Jehovha wemauto ndiro zita rake,Uye Mutsvene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako.+
Achanzi Mwari wenyika yese.+
6 Nekuti Jehovha akakushevedza sekunge kuti waiva mudzimai akasiyiwa uye ari kushungurudzika,*+Semudzimai akaroorwa achiri mudiki achibva azorambwa,” anodaro Mwari wako.
7 “Ndakakusiya kwenguva diki,Asi ndichakudzosa netsitsi huru.+
8 Ndakakuvanzira chiso changu kwenguva pfupi ndakatsamwa kwazvo,+Asi nerudo rusingachinji uye rusingaperi, ndichakunzwira tsitsi,”+ anodaro Mudzikinuri wako,+ Jehovha.
9 “Izvi zvakaita semazuva aNoa kwandiri.+
Sezvandakapika kuti mvura yaNoa haichazofukidzizve nyika,+Ndinopikawo kuti handichazokutsamwirizve kana kukutuka.+
10 Nekuti makomo angabviswaUye zvikomo zvingazununguswa,Asi rudo rwangu rusingachinji haruzobviswi pauri,+Uyewo sungano yangu yerugare haizozununguswi,”+ anodaro Jehovha, iye anokunzwira tsitsi.+
11 “Haiwa iwe mukadzi anotambudzika,+ anokandwa-kandwa nedutu, asina kunyaradzwa,+Ndiri kuvaka matombo ako nedhaka rakasimba,Uye faundesheni yako nematombo anonzi safaya.+
12 Ndichagadzira shongwe dzako nematombo anonzi rubhi,Magedhi ako nematombo anopenya,*Uye miganhu yako yese nematombo anokosha.
13 Vanakomana* vako vese vachadzidziswa naJehovha,+Uye rugare rwevanakomana* vako ruchava rukuru.+
14 Uchasimbiswa mukururama.+
Uchava kure chaizvo nekudzvinyirirwa,+Hapana chauchatya uye hapana chichakuvhundutsa,Nekuti hapana chichaswedera pedyo newe.+
15 Kana pakava neanokurwisa,Handisi ini ndinenge ndamurayira.
Munhu wese anokurwisa achakundwa.”+
16 “Inzwa! Ndini ndakasika mhizha,Iyo inopfutidza moto wemarasha,Yogadzira chombo pabasa rayo.
Ndiniwo ndakasika munhu anoparadza kuti aparadze.+
17 Hapana chombo chakagadzirirwa kukurwisa chichabudirira,+Uye uchapa mhosva rurimi chero rupi zvarwo runokupomera pakutongwa.
Iyi inhaka yevashumiri vaJehovha,Uye kururama kwavo kunobva kwandiri,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “ana tenzi.”
^ Kana kuti “vana.”
^ Kana kuti “satenzi.”
^ ChiHeb., “ane mweya wakarwadziswa.”
^ Kana kuti “nematombo akaita semoto.”
^ Kana kuti “Vana.”
^ Kana kuti “rwevana.”