Mapisarema 132:1-18
Rwiyo Rwekukwidza.
132 Haiwa Jehovha, yeukai DhavhidhiNekutambura kwake kwese;+
2 Kupika kwaakaita kuna Jehovha,Mhiko yaakaita kune Ane Simba waJakobho achiti:+
3 “Handizopindi mutende rangu, mumba mangu.+
Handizorari panzvimbo yandinorara, pamubhedha wangu;
4 Handizobvumiri maziso angu kubatwa nehope,Kana kubvumira maziso angu kutsimwaira,
5 Kusvikira ndawanira Jehovha nzvimbo,Pekugara pakanaka peAne Simba waJakobho.”*+
6 Onai! Takanzwa nezvayo tiri muEfrata;+Takaiwana musango.+
7 Ngatipindei maanogara;*+Ngatikotamei pachitsiko chetsoka dzake.+
8 Simukai, haiwa Jehovha, muuye kunzvimbo yenyu yekuzororera,+Imi neAreka yesimba renyu.+
9 Vapristi venyu ngavapfeke kururama,Uye vanhu venyu vakavimbika ngavapembere nemufaro.
10 Nekuda kwemushumiri wenyu Dhavhidhi,Musaramba muzodziwa wenyu.+
11 Jehovha akapika kuna Dhavhidhi;Haazoregi kuita zvaakataura paakati:
“Mumwe wevana vako,Ndichamuisa pachigaro chako cheumambo.+
12 Kana vanakomana vako vakachengeta sungano yanguNezviyeuchidzo zvangu zvandinovadzidzisa,+Vanakomana vavowoVachagara pachigaro chako cheumambo nekusingaperi.”+
13 Nekuti Jehovha akasarudza Ziyoni;+Akarida kuti ariite nzvimbo yake yekugara achiti:+
14 “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yekuzororera nekusingaperi;Ndichagara pano,+ nekuti ndizvo zvandinoda.
15 Ndicharikomborera nezvekudya zvakawanda;Ndichagutsa varombo varo nechingwa.+
16 Ndichapfekedza vapristi varo ruponeso,+Uye vanhu varo vakavimbika vachapembera nemufaro.+
17 Ndichaita kuti simba* raDhavhidhi riwedzere imomo.
Ndakagadzirira muzodziwa wangu rambi.+
18 Ndichapfekedza vavengi vake nyadzi,Asi korona iri mumusoro wake ichabudirira.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Tebhenekeri huru yeAne Simba waJakobho.”
^ Kana kuti “mutebhenekeri yake huru.”
^ ChiHeb., “nyanga.”