Mapisarema 36:1-12
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi, mushumiri waJehovha.
36 Kudarika kunotaura nemunhu akaipa nechemukatikati memwoyo wake;Kutya Mwari hakusi pamberi pake.+
2 Nekuti anonyanya kuzvirumbidza achizvinyengeraZvekuti haatombooni zvaanotadza kana kuzvivenga.+
3 Mashoko emuromo wake anorwadza uye anonyengera;Haaratidzi njere pakuita zvakanaka.
4 Anoronga mazano ekuita zvakaipa kunyange ari pamubhedha wake.
Ari munzira isina kunaka;Haarambi zvakaipa.
5 Haiwa Jehovha, rudo rwenyu rusingachinji runosvika kumatenga,+Kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.
6 Kururama kwenyu kwakaita semakomo makuru;*+Mitongo yenyu yakaita semvura zhinji yakadzika.+
Haiwa Jehovha, munochengetedza* vanhu uye mhuka.+
7 Rudo rwenyu rusingachinji runokosha kwazvo, haiwa Mwari.+
Mumumvuri wemapapiro enyu, vanakomana vevanhu vanopotera.+
8 Vanonwa zvinhu zvakawanda* zvemumba menyu kusvikira vaguta,+Uye munoita kuti vanwe murukova rwezvinhu zvenyu zvinofadza.+
9 Kwamuri ndiko kunobva upenyu;*+Chiedza chenyu chinoita kuti tione chiedza.+
10 Rambai muchiratidza vaya vanokuzivai rudo rwenyu rusingachinji,+Uye muchiratidza kururama kwenyu vaya vakarurama mumwoyo.+
11 Musaita kuti tsoka yevanozvikudza inditsikeKana kuti ruoko rwevakaipa rundidzinge.
12 Ikoko ndiko kwakawira vanoita zvakaipa;Vakawisirwa pasi, uye havakwanisi kumuka.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “semakomo aMwari.”
^ Kana kuti “munoponesa.”
^ ChiHeb., “zvakakora.”
^ Kana kuti “kune tsime reupenyu.”