Mapisarema 77:1-20
Kumutungamiriri; paJedhutuni.* Rwiyo rwaAsafi.+
77 Ndichashevedzera kuna Mwari nenzwi rangu;Ndichashevedzera kuna Mwari, uye achandinzwa.+
2 Ndinotsvaga Jehovha pazuva rekutambudzika kwangu.+
Usiku maoko angu anotambanudzirwa kwaari asinganeti.*
Handinganyaradzwi.*
3 Pandinoyeuka Mwari, ndinogomera;+Ndinotambudzika uye simba rangu rinopera.+ (Sera)
4 Munoita kuti maziso angu arambe akavhurika;Ndiri kunetseka uye handigoni kutaura.
5 Pfungwa dzangu dzinodzokera kumazuva ekare,+Kumakore ekare kare.
6 Usiku ndinoyeuka rwiyo rwangu;*+Ndinofungisisa mumwoyo mangu;+Ndinonyatsotsvaga kuti ndinzwisise.
7 Jehovha acharamba achitirasa nekusingaperi here?+
Haazomboratidzi zvakare nyasha dzake here?+
8 Rudo rwake rusingachinji rwakatopera zvachose here?
Zvizvarwa zvese zvichatadza kuona zvaakavimbisa zvichizadziswa here?
9 Mwari akanganwa kuratidza nyasha dzake here?+
Kana kuti kutsamwa kwake kwaita kuti tsitsi dzake dzipere here? (Sera)
10 Ndinofanira here kuramba ndichiti: “Izvi ndizvo zvinondishungurudza:*+
Wekumusorosoro achinja mabatiro aaitiita”?*
11 Ndichayeuka mabasa aJah;Ndichayeuka mabasa enyu anoshamisa ekare kare.
12 Uye ndichafungisisa nezvemabasa enyu eseUye ndichadzamisa pfungwa ndichifunga zvamakaita.+
13 Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene.
Ndeupi mumwe mwari mukuru semi, haiwa Mwari?+
14 Ndimi Mwari wechokwadi, anoita zvinhu zvinoshamisa.+
Makaita kuti marudzi aone simba renyu.+
15 Makanunura* vanhu venyu nesimba renyu,*+Ivo vanakomana vaJakobho nevaJosefa. (Sera)
16 Mvura yakakuonai, haiwa Mwari;Mvura yakakuonai ikanetseka.+
Uye mvura yakadzika yakatanga kudedera.
17 Makore akadurura mvura.
Denga rine makore rakatinhira,Uye miseve yenyu yakaenda kuno nekoko.+
18 Ruzha rwemabhanan’ana enyu+ rwakaita semavhiri engoro;Mheni dzakavhenekera nyika;*+Nyika yakadedera, ikadengenyeka.+
19 Nzira yenyu yakapinda nemugungwa,+Gwara renyu rakapinda nemumvura zhinji;Asi pakatsika tsoka dzenyu pakanga pasingaoneki.
20 Makatungamirira vanhu venyu semakwai,+Vari mumaoko aMozisi naAroni.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “asingaiti chiveve.”
^ Kana kuti “Mweya wangu haunganyaradzwi.”
^ Kana kuti “nziyo dzezviridzwa zvine tambo.”
^ ChiHeb., “ruoko rwake rwerudyi.”
^ Kana kuti “zvinondibaya.”
^ ChiHeb., “Makadzikinura.”
^ ChiHeb., “neruoko rwenyu.”
^ Kana kuti “nyika inobereka.”