Mapisarema 85:1-13
Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora.+
85 Haiwa Jehovha, makafarira nyika yenyu;+Makadzosa vanhu vaJakobho vakanga vatapwa.+
2 Makaregerera kukanganisa kwevanhu venyu;Makakanganwira* zvivi zvavo zvese.+ (Sera)
3 Makadzora hasha dzenyu dzese;Makazvidzora pakushatirwa kwenyu kukuru.+
4 Tidzorerei pataimbova,* haiwa Mwari weruponeso rwedu,Uye isai kure nemi kutitsamwira kwamakaita.+
5 Mucharamba makatitsamwira nekusingaperi here?+
Muchaita kuti hasha dzenyu dzisvike kuzvizvarwa nezvizvarwa here?
6 Hamusi kuzotimutsidzira zvakare hereKuti vanhu venyu vakufarirei?+
7 Haiwa Jehovha, tiratidzei rudo rwenyu rusingachinji,+Uye tipei ruponeso rwenyu.
8 Ndichateerera zvinotaurwa naMwari wechokwadi Jehovha,Nekuti achataura nezverugare kuvanhu vake+ vakavimbika,Asi ngavarege kudzokerazve pakuzvivimba.+
9 Chokwadi ruponeso rwake ruri pedyo nevaya vanomutya,+Kuti kukudzwa kwake kugare munyika yedu.
10 Rudo rusingachinji nekutendeka zvichasangana;Kururama nerugare zvichatsvodana.+
11 Kutendeka kuchamera panyika,Uye kururama kuchatarisa pasi kuri kudenga.+
12 Jehovha achapa vanhu zvakanaka,*+Uye nyika yedu ichabudisa goho rayo.+
13 Kururama kuchafamba pamberi pake+Uye kuchagadzirira tsoka dzake nzira.
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “Makafukidza.”
^ Kana kuti “Tiunganidzei zvakare.”
^ Kana kuti “achaita kuti vanhu vabudirire.”