Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 3:1-17
3 Mumazuva iwayo Johani+ Mubhabhatidzi akauya achiparidza+ murenje* reJudhiya,
2 achiti: “Pfidzai zvivi zvenyu, nekuti Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.”+
3 Uyu ndiye wacho akataurwa nezvake nekumuprofita Isaya+ zvichinzi: “Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti: ‘Gadzirai nzira yaJehovha!* Itai kuti migwagwa yake iti twasu.’”+
4 Johani aipfeka chipfeko chemvere dzengamera uye aisunga bhandi reganda muchiuno.+ Zvekudya zvake zvakanga zviri mhashu neuchi hwemusango.+
5 Vanhu vemuJerusarema neJudhiya yese nenyika yese yakapoteredza Jodhani vaibuda, vachienda kwaaiva,+
6 uye vaibhabhatidzwa* naye muRwizi rwaJodhani,+ vachireurura zvivi zvavo pamberi pevanhu vese.
7 Paakaona vaFarisi nevaSadhusi+ vazhinji vachiuya kwaaibhabhatidzira, akati kwavari: “Imi vana venyoka,+ ndiani akakunyeverai kuti mutize hasha dziri kuuya?+
8 Saka berekai zvibereko zvinoratidza kuti muri kupfidza zvivi zvenyu.
9 Musazvifurira muchiti, ‘Abrahamu ndiye baba vedu.’+ Nekuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kuita kuti matombo aya ave vana vaAbrahamu.
10 Demo ratova pamidzi yemiti. Muti wese usingabereki zvibereko zvakanaka unofanira kutemerwa pasi wokandwa mumoto.+
11 Kana ndiri ini, ndinokubhabhatidzai nemvura nekuda kwekupfidza zvivi zvenyu,+ asi uyo ari kuuya pashure pangu akasimba kundipfuura, uye ane shangu dzandisina kukodzera kubvisa.+ Iyeye achakubhabhatidzai nemweya mutsvene+ uye nemoto.+
12 Mudziyo wake wekuurutsisa uri* muruoko rwake, uye achanyatsochenesa buriro* rake, ounganidza gorosi rake achiisa mudura, asi achapisa hundi nemoto+ usingagoni kudzimwa.”
13 Jesu akabva kuGarireya akaenda kuJodhani kuna Johani, kuti anobhabhatidzwa naye.+
14 Asi iye akaedza kumurambidza, achiti: “Ini ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, nei mava kuuya kwandiri?”
15 Jesu akamupindura achiti: “Panguva ino rega zviitike, nekuti nenzira iyi zvakakodzera kuti tiite zvese zvakarurama.” Haana kuzomurambidza.
16 Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akabuda mumvura; uye denga rakabva ravhurika,+ akaona mweya waMwari uchidzika wakaita senjiva uchiuya paari.+
17 Ona! Inzwi rakabvawo kudenga+ rikati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu,+ anodiwa, wandafarira.”+
Mashoko Emuzasi
^ Pano shoko iri riri kureva nzvimbo isingagari vanhu vakawanda.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Foshoro yake yekuurutsisa iri.”