Obhadhiya 1:1-21
1 Izvi ndizvo zvakaonekwa naObhadhiya:*
Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha pamusoro paEdhomu:+
“Pane shoko ratanzwa kuna Jehovha,Pane nhume yatumwa kumarudzi kuti inoti:
‘Simukai, ngatigadzirirei kumurwisa.’”+
2 “Inzwa! Ndaita kuti usave chinhu pakati pemarudzi;Uri kuzvidzwa chaizvo.+
3 Wanyengerwa nemwoyo wako unozvikudza,+Iwe anogara mumikaha yedombo,Iwe anogara pakakwirira, uchiti nechemumwoyo,‘Ndiani angandiburutsa pasi?’
4 Kunyange kana ukagara pakakwirira* segondo,Kana kuti ukavaka dendere rako pakati penyeredzi,Ndinongokuburutsa kubva ikoko,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
5 “Kudai mbavha dzaizouya kwauri, iwo makororo anouya usiku,(Waizoparadzwa wosara usisina chinhu!)*
Dzaisazongoba zvadzinoda chete here?
Kana kuti kudai waizovingwa nevanhu vanotanha mazambiringa,Vaisazosiya mamwe kuti azonhongwa here?+
6 Isau aongororwa kwazvo!
Pfuma yake yakavanzwa yatsvagwa yese!
7 Vaenda newe vakakusiyira kumuganhu.
Vese vawakabatana navo* vakunyengedza.
Varume vawaiva nerugare navo vakukunda.
Vaya vaunodya navo chingwa vachakuteya nemambure,Asi hauzozvizivi.
8 Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Handizoparadzi vakachenjera muEdhomu here+Kana vaya vane ungwaru munyika ine makomo yaIsau?
9 Varwi vako vane simba vachavhundutswa,+ iwe Temani,+Nekuti munhu wese ari munyika ine makomo yaIsau achaparadzwa.+
10 Uchanyara kusvika pekupedzisira+Nekuti wakarwisa munin’ina wako Jakobho,+Uye uchaparadzwa.+
11 Pazuva rawakamira parutivi wakatarisa,Pazuva rakatapwa uto rake nevatorwa,+Vanhu vekune imwe nyika pavakapinda pagedhi rake, vachibva vakanda mijenya+ pamusoro peJerusarema,Iwe wakatevedzerawo zvavaiita.
12 Haufaniri kufarira dambudziko remunin’ina wako,+Haufaniri kufarira kuparara kwevanhu veJudha,+Uye haufaniri kutaura mashoko ekuzvikudza pazuva rekutambudzika kwavo.
13 Haufaniri kupinda pagedhi revanhu vangu pazuva ravanowirwa nenjodzi,+Haufaniri kufarira dambudziko rake,Uye haufaniri kutora pfuma yake pazuva raanowirwa nenjodzi.+
14 Haufaniri kumira pamharadzano dzenzira kuti uuraye vanhu vake vanenge vachitiza,+Uye pazuva redambudziko rake haufaniri kutora vanenge vapona uchivaisa mumaoko emuvengi.+
15 Nekuti zuva raJehovha rekurwisa marudzi ese rava pedyo.+
Zvawakaitira vamwe ndizvo zvauchaitirwawo.+
Mabatiro awakaita vamwe ndiwo mabatirwo auchaitwa.
16 Marudzi ese acharamba achinwa wainiSemanwiro amakaita muri mugomo rangu dzvene.+
Achainwa oipedza yese,Uye zvichaita sekuti haana kumbobvira avapo.
17 Asi muGomo reZiyoni ndimo muchava nevachapukunyuka,+Uye richava dzvene;+Uye imba yaJakobho ichatora zvinhu zvayo.+
18 Imba yaJakobho ichava moto,Imba yaJosefa ichava rimi remoto,Uye imba yaIsau ichaita semashanga;Vachavapisa vovaparadza,Uye muimba yaIsau hamuzovi neanopona,+Nekuti Jehovha pachake ataura.
19 Vachatora Negebhu nenyika ine makomo yaIsau,+NeShefera, nenyika yevaFiristiya.+
Vachatora nyika yaEfremu nenyika yeSamariya,+Uye Bhenjamini achatora Giriyedhi.
20 Nhapwa dzemurusvingo urwu runodzivirira,+Ivo vaIsraeri, dzichatora nyika yese yevaKenani kusvika kuZarefati.+
Uye nhapwa dzekuJerusarema, dzaiva muSefaradhi, dzichatora maguta ekuNegebhu.+
21 Vaponesi vachakwira muGomo reZiyoniKuti vatonge nyika ine makomo yaIsau,+Uye umambo huchava hwaJehovha.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kureva kuti “Mushumiri waJehovha.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “ukabhururuka uri mudengadenga.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Dzaizoparadza zvakawanda sei?”
^ Kana kuti “vawakaita sungano navo.”