Zvirevo 5:1-23
5 Mwanakomana wangu, teerera uchenjeri hwangu.
Nyatsoteerera* unzwe ungwaru hwangu,+
2 Kuti uchengetedze mafungiro akoUye kuti muromo wako uchengetedze ruzivo.+
3 Nekuti muromo wemukadzi asingazvibati* unodonha uchi semazinga,+Uye mukanwa make munotsvedzerera kupfuura mafuta.+
4 Asi pakupedzisira anoita sekamuti kanovava+Uye akapinza sebakatwa rinocheka nekwese.+
5 Tsoka dzake dzinodzika kurufu.
Nhanho dzake dzinotungamirira kuGuva* chaiko.
6 Haafungi nezvegwara reupenyu.
Nzira yake inongotenderera, asi haazivi kuti yakananga kupi.
7 Saka chinditeererai imi vanakomana vanguUye regai kutsauka pane zvandiri kutaura.
8 Tambira kure naye;Usaswedera pedyo nemusuo wemba yake,+
9 Kuti urege kupa vamwe kukudzwa kwako+Kana kukohwa makore ezvinhu zvinorwadza;+
10 Kuti vanhu vausingazivi varege kudya pfuma yako*+Uye kuti zvinhu zvawakashandira zvirege kuenda kuimba yemutorwa.
11 Ukasadaro, unozogomera panopera upenyu hwakoPanoparara nyama yako nemuviri wako+
12 Wava kuti: “Chokwadi ndaivenga kurayirwa!*
Mwoyo wangu waizvidza kutsiurwa!
13 Handina kuteerera inzwi revarayiridzi vanguKana kunzwa zvaitaurwa nevadzidzisi vangu.
14 Iye zvino ndasara padiki diki kuti ndiparare zvachosePakati peungano yese.”*+
15 Inwa mvura yemumugodhi wako pachakoNemvura yakachena* yemutsime rako pachako.+
16 Ungadirei kuti zvitubu zvako zviparadzirwe kunze,Uye kuti hova dzako dzemvura dziparadzirwe mumisika?+
17 Ngazvive zvako wega,Kwete zvevamwe vanhu vauinavo.+
18 Tsime rako pachako ngarikomborerwe,Uye fara nemudzimai weudiki hwako,+
19 Sheshe yenondo ine rudo, mbudzi yemumakomo inofadza kwazvo.+
Mazamu ake ngaakugutse nguva dzese.
Gara uchitorwa mwoyo nerudo rwake nguva dzese.+
20 Saka mwanakomana wangu, ungadirei kutorwa mwoyo nemukadzi asingazvibati*Kana kuti kumbundira chipfuva chemukadzi nzenza?*+
21 Nekuti nzira dzemunhu dziri mumaziso aJehovha;Anoongorora makwara ake ese.+
22 Munhu akaipa achabatwa nekukanganisa kwake,Uye achabatwa netambo dzechivi chake.+
23 Achafa nekuti airamba kurayirwa,*Uye achatsauka nemhaka yeupenzi hwake hwakanyanya.
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “Rerekera nzeve yako.”
^ Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “kupedza simba rako.”
^ Kana kuti “kurangwa.”
^ ChiHeb., “Pakati pegungano neungano.”
^ Kana kuti “inoyerera.”
^ Kana kuti “kurangwa.”