February 26–March 3
PISAREMA 11-15
Rwiyo 139 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. Zvione Uri Munyika Itsva yaMwari Ine Rugare
(10 min.)
Kusateerera ndiko kuri kuita kuti vanhu vagare vachirwisana (Pis 11:2, 3; w06 5/15 18 ¶3)
Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha ava pedyo kupedza mhirizhonga (Pis 11:5; wp16.4 11)
Kufunga nezvevimbiso yaJehovha yekuti achatiponesa kunoita kuti timirire Nyika Itsva nemwoyo murefu (Pis 13:5, 6; w17.08 7 ¶15)
EDZA IZVI: Verenga Ezekieri 34:25, uye fungidzira uchirarama munzvimbo iri kurondedzerwa pavhesi iyi.—kr 236 ¶16.
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
-
Pis 14:1—VaKristu vangakanganiswa sei nemafungiro ari kuratidzwa muvhesi iyi? (w13 9/15 20 ¶12)
-
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Pis 13:1–14:7 (th chidzidzo 2)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(2 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Koka munhu wacho kuChirangaridzo. (lmd chidzidzo 5 pfungwa 3)
5. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(1 min.) PAIMBA NEIMBA. Koka munhu wacho kuChirangaridzo. (lmd chidzidzo 3 pfungwa 4)
6. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Munhu anoratidza kufarira paanokokwa kuChirangaridzo. (lmd chidzidzo 7 pfungwa 4)
7. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
(5 min.) lff chidzidzo 13 pfupiso, kudzokorora, uye edza izvi. Shandisa nyaya iri muchikamu chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza” kuti ubatsire mudzidzi wako kuona kuti Mwari anoona sei chitendero chenhema. (th chidzidzo 12)
Rwiyo 8
8. “Uchenjeri Huri Nani Kupfuura Zvombo Zvehondo”
(10 min.) Kukurukura nevateereri.
Mhirizhonga iri kuwedzera pasi rese. Jehovha anoziva kuti mhirizhonga yatiri kuona ichiitika panyika inoita kuti tinetseke. Anozivawo kuti tinoda kudzivirirwa. Chimwe chaanoshandisa kutidzivirira iShoko rake, Bhaibheri.—Pis 12:5-7.
MuBhaibheri mune uchenjeri “huri nani kupfuura zvombo zvehondo.” (Mup 9:18) Ona kuti mazano eBhaibheri anotevera angatibatsira sei kuti tisakanganiswa nemhirizhonga.
-
Mup 4:9, 10—Ngwarira kuti usava wega mumamiriro ezvinhu kana kuti munzvimbo dzine ngozi
-
Zvi 22:3—Kana uri paruzhinji, gara uchiona kuti zvii zviri kuitika
-
Zvi 26:17—Usangopindira kana vanhu vachinetsana nenyaya dzisinei newe
-
Zvi 17:14—Kana ukaona kuti pava kuda kuitika mhirizhonga, kurumidza kubva munzvimbo yacho. Tambira kure nevanhu vanenge vakaungana vachida kuratidzira
-
Ru 12:15—Usaisa upenyu hwako pangozi uchiitira kuchengetedza zvinhu zvako
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Tevedzera Vanhu Vaiva Nekutenda, Kwete Vakanga Vasina Kutenda—Inoki, Kwete Rameki, mobvunza vateereri kuti:
Zvakaitwa naInoki zvakabatsira sei baba ava kuita chisarudzo chakanaka pavaigara munzvimbo yakazara mhirizhonga? —VaH 11:5
Dzimwe nguva, muKristu anogona kuona sekuti anofanira kuita chimwe chinhu kuti azvidzivirire kana kuti achengetedze zvinhu zvake. Mumamiriro ezvinhu akadaro, anoita zvese zvaanogona kuti asauraya munhu, ova nemhosva yeropa.—Pis. 51:14; ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaJuly 2017.
9. Tichatanga Kukoka Vanhu kuChirangaridzo Musi weMugovera 2 March
(5 min.) Hurukuro inopiwa nemukuru. Taurai urongwa hweungano yenyu hwemushandirapamwe, hurukuro inokosha, uye Chirangaridzo. Yeuchidzai vaparidzi kuti vanogona kusarudza kuita upiyona hwebetsero hwemaawa 15 mumwedzi yaMarch naApril.
10. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) bt chits. 6 ¶9-17