Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingawana Kupi Mazano Akanakisisa?

Ndingawana Kupi Mazano Akanakisisa?

MASHOKO OKUSUMA

Ndingawana Kupi Mazano Akanakisisa?

Evasikana

Unoramba uchingofunga nezvomukomana mutsva akanaka kwazvo womukirasi mako. ‘Haatombooni kuti ndiripo,’ unodaro nechomumwoyo, ‘saka, zvakaipei kungogara ndichifunga nezvake?’ Kunze kwaizvozvo, hausi woga. Mukomana uyu anodiwa nevasikana vose. Unozviziva nokuti unonzwa vamwe vasikana vachitaura nezvake nguva dzose.

Anongoerekana atarisa kwauri. Wakayeverwa, anokutora mwoyo nokunyemwerera kwake kunotyora mapfupa. Unonyemwererawo. Anouya kuzotaura newe.

“Hesi,” anodaro achinyaririra.

“Mushe,” unopindura.

“Ini ndinonzi Brett.”

“Uchangobva kuuya kuno,” unokurumidza kudaro.

“Takatamira kuno vhiki shomanana dzapfuura.”

Hausati wazvibvuma kuti Simba zvechokwadi ari kutaura newe!

“Onaka,” Brett anoenderera mberi achidaro, “Nhasi kumba kwedu kune pati kana tapedza chikoro. Unoda kuuya here?”

Anokombamira mberi obva amuchonya neziso.

“Rega ndikurume nzeve,” anodaro. “Vabereki vangu vanenge vasipo, uye doro rinenge riripo. Pakadini apa?”

Brett anomirira kuti upindure. Chero musikana upi zvake wokuchikoro kwako angakurumidza kuti hungu!

Uchatii?

Evakomana

Vakomana vaviri vokuchikoro kwako vari kuuyawo. Unonzwa mudumbu nokuti vhiki ino vakatomboedza kaviri kose kukuita kuti usvute. Aka kachava kechitatu.

Mukomana wokutanga anoti: “Uri woga zvekare? Rega ndikuratidze shamwari.” Anosimbisa shoko rokuti “shamwari” nokuchonya ziso sezvaanobudisa chimwe chinhu muhomwe make otambanudza ruoko rwake kuti akutambidze.

Unoona chimwe chinhu chakabatwa nomukomana wacho chakafanana nomudzanga. Unonyatsoziva kuti chii uye unotonyanya kunzwa mudumbu.

“Ndine urombo,” unodaro. “Ndakagara ndakuudzai kare kuti handi . . . ”

Mukomana wechipiri anokudimburira: “Ichechi yako, handizvo here? Hamubvumidzwi kufara!”

“Kana kuti uri gwara here?” mukomana wokutanga anotsvinya achidaro.

“Aiwa kana, handisi gwara ini!” unodaro noushingi.

Mukomana wechipiri anobva akochekera ruoko rwake papfudzi rako. “Chingotora kani,” anodaro zvinyoro-nyoro.

Mukomana wokutanga anoswededza chinhu chacho chichena kumeso kwako obva azevezera kuti: “Hatimbozviti bufu. Hapana anombofa akazviziva.”

Uchaita sei?

ZVINHU zvakadai zvinoitika zuva nezuva pasi pose. Zvisinei, chokwadi ndechokuti vamwe vechiduku vakagadzirira kutarisana nenyaya idzi zviri nani kupfuura vamwe. Paanenge aomerwa, mukomana ari kuedzwa kuti asvute angafunga kuti: ‘Handidi kubvuma, asi zvakaoma kuzvitsungirira. Ndingatadza nei kuratidza vokuchikoro kwangu kuti “ndakafanana nevamwe”?’ Kana kuti musikana anenge akokwa kumbonovhakacha angati nechomumwoyo: ‘Mukomana wacho akazonaka. Kamwe chete chete—ndingatadza nei kuti hungu?’

Ukuwo, vechiduku vakawanda vakadzidziswa kudzivirira nechivimbo zvavanotenda. Pamusana peizvi—kunyange zvazvo zvingaita sezvinoshamisa—havanyanyi kunzwa vachida kuita zvakaipa. Ungada kuva wechiduku akadaro here? Mashoko anofadza ndeokuti unogona! Sei?

Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti utarisane nematambudziko ouduku uine chivimbo. Rine mazano akanaka kwazvo nokuti iShoko raMwari rakafuridzirwa. (2 Timoti 3:16, 17) Bhaibheri rinogona kukubatsira mumatambudziko api? Ona zvakanyorwa pasi apa, uye isa pedyo nemisoro inonyanya kukufadza.

Kuwirirana kwandingaita nevakomana kana kuti vasikana

Kunzwisisa kuchinja kunoitika mumuviri wangu

Kuita shamwari

Kukurira matambudziko okuchikoro

Kushandisa mari yangu zvakanaka

Kukurukura nevabereki vangu

Kudzora manzwiro angu

Kusarudza zvingandivaraidza

Kuvandudza ukama hwangu naMwari

Sezvauchaona pamapeji 4 ne5, misoro yakarongwa pamusoro apa inoenderana nezvikamu zvipfumbamwe zvebhuku rino. Wamaka ipi? Ungada kutanga waverenga zvikamu izvozvo. Mirayiro yeBhaibheri ingakubatsira muzvinhu zvose zvoupenyu. Bhuku rauri kuverenga iye zvino richakuratidza kuti unozviita sei. *

Bhuku rino richakupawo mikana yokuti utaure zvaunofunga. Somuenzaniso, chitsauko chimwe nechimwe chava kunopera, uchaona bhokisi rakanzi “Zvandinoronga Kuita!” Mubhokisi iri uchakumbirwa kuti unyore zvaunofunga nezvemashandisiro aungaita zvaunenge waverenga. Mapepa okushandira—akadai serakanzi “Zvandingaita Kuti Ndisafurirwe” ari pamapeji 132 ne133—achakubatsira kuti ufungisise miedzo yaunotarisana nayo uye zvaungaita kuti uikurire. Uyezve, chikamu chimwe nechimwe chebhuku rino chinoguma nepeji yakanzi “Zvoupenyu Hwangu,” paunganyora kuti zvimwe zviri muchikamu chacho zvinoshanda sei muupenyu hwako. Mubhuku racho rose uchaonawo mapeji mapfumbamwe akanzi “Muenzaniso Wokutevedzera.” Mumapeji aya, vanhu vakasiyana-siyana vomuBhaibheri vanotaurwa sevakakodzera kutevedzera.

Bhaibheri rinokukurudzira kuti: “Wana uchenjeri, wana kunzwisisa.” (Zvirevo 4:5) Mashoko okuti “uchenjeri” uye “kunzwisisa” anoreva zvinopfuura kungoziva kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. Unofanira kuona zvose zvinobatanidzwa. Somuenzaniso, kuziva migumisiro yokuita zvakaipa uyewo mibayiro yokuita zvakanaka kuchakubatsira kuti utarisane nokufurirwa nevezera rako uine chivimbo uye ushingi.

Iva nechokwadi cheizvi: Kunyange zvazvo uchifunga kuti matambudziko ako akanyanya kuoma, hausi woga unawo. Vamwe vakasangana nematambudziko akaita seako vakabudirira kuakunda. Iwe unogonawo kuakunda! Shandisa zvakanaka bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2. Richaita kuti ubvume kuti Bhaibheri rine mazano akanaka kwazvo kupfuura aungawana chero kupi zvako!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 40 Zvakawanda zviri mubhuku rino zvakatorwa kubva munyaya dzakabuda muchikamu chinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti,” chinogara chichibuda mumagazini inonzi Mukai!, inobudiswa neZvapupu zvaJehovha.