DOMINICAN REPUBLIC
Jehovha Akavhura Mwoyo Yevakawanda
Leonardo Amor
-
AKABEREKWA MUNA 1943
-
AKABHABHATIDZWA MUNA 1961
-
NHOROONDO YOUPENYU Akadzidza chokwadi achiri kuyaruka uye ashumira Jehovha mubasa renguva yakazara kwemakore anopfuura 50.
NDAKABHABHATIDZWA muna 1961 panguva yandaidzidza nezvemutemo pane imwe yunivhesiti, uye painge pava neunenge mwedzi mumwe chete Trujillo aurayiwa. Baba vangu vaida kuti ndiite basa rine chekuita nemutemo, asi ndaiona kuti dzidzo inobva kuna Mwari ndiyo inopfuura dzese. Saka, pasinei nekuti ndizvo zvavaida, ndakamira kuenda kuyunivhesiti. Pasina nguva refu, ndakagadzwa sapiyona chaiye.
Pane imwe nguva ndakatumirwa kuLa Vega, guta rava nenguva refu richizivikanwa kuti rine vanhu vakawanda vanopinda chechi yeRoma. Panguva yese yandaiva ikoko, hapana kana mumwe chete akava Chapupu chaJehovha. Wandaipayona naye ndiye ega aiva muvateereri pandaipa hurukuro dzavose. Asi, ndaiwana simba kubva kuna Jehovha pandaidzidza Bhaibheri ndiri ndega, pandaipinda magungano, uye pandainyengetera nemwoyo wese. Ndaimbonyengetera ndichibvunza
Jehovha kana muLa Vega maizombofa makavawo neungano. Ndinofara kutaura kuti iye zvino mava neDzimba dzeUmambo 6, ungano 14, uye vaparidzi veUmambo vanopfuura 800.Ndakachata naÁngela muna 1965, uye muna 1981 takashevedzwa kuti tinoshanda paBheteri. Pandakabhabhatidzwa, muDominican Republic maingova nevaparidzi 681 chete. Iye zvino mava nevaparidzi vanopfuura 36 000, uye vanhu vakawanda kupfuura ipapo vanopinda magungano edu. Ndikafunga kwatakabva, zvinoshamisa kuona kuti Jehovha akavhura mwoyo yevakawanda kuti vade chokwadi cheBhaibheri.