Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 1

Chakavanzika Chinotifadza Kuziva Nezvacho

Chakavanzika Chinotifadza Kuziva Nezvacho

Pane akambokuudza chakavanzika here?— * Bhaibheri rinotaura nezvechakavanzika chinokosha chinonzi “chakavanzika chitsvene.” Chitsvene nokuti chinobva kuna Mwari. Uye chinonzi chakavanzika nokuti vanhu vaisaziva nezvacho. Kunyange ngirozi dzaida kuziva zvakawanda nezvacho. Ungada here kuziva kuti chakavanzika chacho chii?—

Unofunga kuti ngirozi dzaida kuziva nezvechii?

Kare kare Mwari akasika murume nemukadzi vekutanga. Vainzi Adhamu naEvha. Mwari akavapa musha wakanaka wainzi munda weEdheni. Dai Adhamu naEvha vakateerera Mwari, ivo nevana vavo vangadai vakaita kuti nyika yose ive paradhiso kufanana nemunda iwoyo. Uye vangadai vakagara muParadhiso nokusingaperi. Asi unoyeuka here kuti Adhamu naEvha vakaitei?—

Adhamu naEvha havana kuteerera Mwari, uye ndicho chikonzero nei tisiri kugara muparadhiso nhasi. Asi Mwari akati aizoita kuti nyika yose ive yakanaka, uye munhu wose aizorarama nokusingaperi achifara. Aizozviita sei? Kwenguva yakareba, vanhu vaisazviziva. Chaiva chinhu chakavanzika.

Jesu paakauya panyika, akadzidzisa vanhu zvakawanda nezvechakavanzika ichi. Akati chaiva nechokuita neUmambo hwaMwari. Jesu akaudza vanhu kuti vanyengeterere kuti Umambo uhwu huuye. Huchaita kuti nyika ive paradhiso yakanaka.

Unoda here kuziva nezvechakavanzika ichi?— Yeuka kuti vaya chete vanoteerera Jehovha ndivo vachagara muParadhiso. Bhaibheri rinotiudza nyaya dzakawanda dzevarume nevakadzi vaiteerera Jehovha. Ungada here kudzidza nezvavo?— Ngationei kuti vamwe vavo vaiva vanaani uye kuti tingavatevedzera sei.

^ ndima 3 Munyaya idzi, muchaona chiratidzo chakaita seichi (—) pamberi pemimwe mibvunzo. Iyi inguva yakanaka yokuti mumbomira morega mwana wenyu achipindura.