Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 3

Rakabhi Aitenda Muna Jehovha

Rakabhi Aitenda Muna Jehovha

Ngatiitei setiri mutaundi reJeriko. Taundi iri riri munyika yeKenani, mune vanhu vasingatendi muna Jehovha. Mukadzi anonzi Rakabhi anogara muno.

Rakabhi paaiva musikana mudiki, akanzwa nyaya dzekuti Mosesi akavhura sei nzira muGungwa Dzvuku ndokutungamirira vaIsraeri vachibuda muIjipiti. Akanzwawo kuti Jehovha akavabatsira sei kukunda muhondo dzavakarwa nevavengi vavo. Iye zvino anonzwa kuti vaIsraeri vari pedyo neJeriko!

Rakabhi akahwandisa varume vechiIsraeri nokuti aitenda muna Jehovha

Rimwe zuva ari manheru, varume vaviri vechiIsraeri vanoenda kuJeriko kunoongorora taundi racho. Vanosvika pamba paRakabhi. Anovati vapinde vagare. Usiku hwacho, mambo weJeriko anoudzwa kuti vavengi vari mutaundi racho uye kuti vaenda kumba kwaRakabhi. Saka mambo wacho anotuma vanhu kuti vanovatora. Rakabhi anohwandisa vavengi vacho padenga reimba yake ndokuudza vanhu vamambo kuti: ‘Varume vacho vanga vari pano, asi vatobuda mutaundi. Kana mukaenda izvozvi, munogona kuvabata!’ Unoziva here kuti nei Rakabhi ari kuhwandisa varume ava?— Nokuti anotenda muna Jehovha uye anoziva kuti achapa vaIsraeri nyika yeKenani.

Varume vacho vasati vabva pamba paRakabhi, vanovimbisa kuti iye nehama dzake vachapona pachaparadzwa Jeriko. Unoziva here kuti vanomuudza kuti aitei?— Vanoti: ‘Tora tambo tsvuku iyi, uirembedze panze pehwindo rako. Kana ukadaro, munhu wose ari mumba mako achapona.’ Rakabhi anoita izvozvo chaizvo zvaanoudzwa nevarume vacho kuti aite. Unoziva here kuti chii chinozoitika?—

Jehovha akaponesa Rakabhi nehama dzake

Papera mazuva mashomanana, vaIsraeri vanofamba vachitenderera taundi racho vakanyarara. Kwemazuva 6 vanofamba vachitenderera taundi, kamwe chete pazuva. Asi pazuva rechi7, vanofamba vachitenderera taundi ka7. Vose vanobva vadanidzira zvine ruzha. Jehovha anoita kuti masvingo etaundi racho apunzikire pasi. Asi imba ine tambo tsvuku yakarembera panze pehwindo haina kupunzika! Uri kuiona here pamufananidzo?— Rakabhi nehama dzake vaponeswa!

Ungadzidzei pana Rakabhi?— Rakabhi aitenda muna Jehovha nemhaka yezvinhu zvose zvinoshamisa zvaakadzidza nezvaJehovha. Newewo uri kudzidza zvinhu zvakawanda zvinoshamisa nezvaJehovha. Unotenda here maari sezvaiita Rakabhi?— Tinoziva kuti unodaro!