Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bata Nguva!

Bata Nguva!

Bata Nguva!

“KUNONOKA itsika inotonetsa pakati pevakuru vakuru vokumabasa,” rinodaro pepanhau rinonzi USA Today. “Pamisangano gumi yoga yoga yavanoenda, mitanhatu yacho vanonoka,” rinowedzera kudaro, richitaura nezvevakuru vakuru vokumabasa 2 700 vakaongororwa.

Mubhizimisi, kunonoka hakungoonekwi setsika dzakaipa chete. Kuongororwa kwakaitwa vashandi 81 000 kwakaratidza kuti: “Maawa anopambadzwa nokunonoka uye kumbobva pabasa pasina mvumo ndechimwe chinhu chikuru chinokonzera kurasika kwemari yakawanda.” Zvechokwadi, kunonoka hakungokonzeri zvinetso mumabhizimisi chete. Kumwe kuongorora kwakaitwa vakuru vezvikoro zvesekondari kwakaratidza kuti “kunonoka kunoitwa nevadzidzi chinetso chinoita kuti vagare vachirangwa nguva nenguva.”

Musiki wedu anoda kuti tichengete nguva. Akaisa “zviedza zvikuru zviviri”—zuva nomwedzi—kuti zvitibatsire kuyera nguva. (Genesi 1:14-16) Mazuva ano, zviringazuva zvazvino zvinotigonesa kuyera nguva yedu mumaminitsi nemasekonzi. Zvisinei, pasinei zvapo noruzivo rwokugadzira zvinhu vakawanda vedu tichiri kunetseka kubata nguva—kubasa, kuchikoro, kana kuti pane zvimwe zvinokosha zvatinenge tarangana.

Chinetso chacho imhaka yokushayiwa nguva here? Zvechokwadi, zvinodiwa kubasa nezvinodiwa nemhuri zvinogona kuva mutoro unorema. Kunyange zvakadaro, vamwe amai vanoshanda vanonzi Wanda Rosseland vanoti: “Pandakaona kuti tose tine maawa 24 pazuva ndakabva ndarega zvokungogunun’una pamusoro pokushaya nguva. Ndakazvifunga ndikaona kuti munyika yedu yanhasi hakusi kuti tine nguva shoma, asi kuti tine zvinhu zvakawanda kwazvo zvinovhiringidza nezvinotsausa.”

Fungawo nezvaRenee, * amai vane vana vashanu avo vari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Anoyeuka kuti: “Vana vangu pavakanga vachiri vaduku, zvaiva zvakaoma kuvagadzirira kuti vaende kuchikoro nokumisangano yechiKristu. Kunyange zvakadaro, zvakanga zvisingandinetsi kubata nguva. Asi iye zvino vose zvavakura, ndava netsika yakaipa yokunonoka.” Iwe unayowo here tsika yakaipa iyi? Kana zvakadaro, zvinobvira kuchinja! Hezvino zvimwe zvinhu zvaunogona kuita.

FUNGA KUTI ZVINOGUMA NEI. Tsika yokunonoka ingaita sechinhu chiduku. Asi funga mashoko eBhaibheri anoti: “Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa chizoro chomuvhenganiswa unonhuwira; saizvozvo upenzi ushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.” (Muparidzi 10:1) Hungu, “upenzi ushoma” chete hwokutadza kufunga vamwe hunogona kukanganisa zita rako nomudzidzisi kana kuti nowaunoshandira.

Mumwe mukadzi anonzi Marie paaidzidza pane imwe koreji yomunzvimbo yaaigara, akaona kuti vamwe vaaidzidza navo “vakanga vasingakoshesi nguva,” vachiwanzononoka kusvika kuchidzidzo. “Asi hazvina kutora nguva refu vasati vaona kuti vaifanira kuchinja,” anoyeuka kudaro. “Mapurofesa maviri ndiwo ainyanya kukoshesa nguva. Saka kana vadzidzi vaingononoka nemaminitsi mashomanana vaiverengwa sevasipo. Uye kuverengwa sousipo kanoverengeka kwaifoirisa.”

Tsika yokunonoka inogonawo kukanganisa mukurumbira wako neshamwari dzako nevamwe vezera rako. Mumwe murume wezera repakati nepakati anonzi Joseph anoyeuka nezveimwe hama yake yechiKristu yaaizivana nayo makumi emakore akapfuura. Kunyange zvazvo murume uyu airemekedzwa pamusoro pokugona kwake kudzidzisa, aiva noutera hunonyadzisa. “Aingogara achinonoka,” anoyeuka kudaro. “Kunonoka pazvose! Uye aisamboratidzika seaiva nehanya nazvo. Vanhu vaiita musere nokunonoka kwake.” Vanhu vave kutokuziva somunhu anongogara achinonoka here? Kana zvakadaro, vangagona kusamboona zvakanaka pauri.

FUNGA VAMWE. Kunonoka kunoratidza kusindimara uye kunovhiringidza vamwe. Uye kunoita kuti uratidzike somunhu anozvikudza. Achitsanangura kuti nei vakuru vakuru vokumabasa vakawanda vachigara vachinonoka kumisangano, mumwe muzvinabhizimisi akabvuma kuti: “Vakawanda vedu kunongova kuzvikudza.” Kusiyana neizvi, vaKristu vanobata vamwe sevakuru kwavari. (VaFiripi 2:3) Vanoitirawo vamwe sezvavanoda kuti vavaitire. (Mateu 7:12) Iwe haunzwi kunetseka here paunomirira vamwe? Saka usaita kuti vamwe vakumirire.

DZIDZA MAZANO OKUCHENGETA NGUVA. Unoverengera wozomhanyanya-mhanya nguva yapera here? Unozviwanzira zvokuita, uchiedza kuita zvinhu zvakawandisa munguva shomanana here? Nhungamiro iri pana Muparidzi 3:1 inogona kubatsira: “Chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho.” Kuva no“musi” wokuita zvinhu kunokugonesa kuzviita nenzira yakarongeka.

Kutanga, nyora zvinhu zvose zvaunofanira kuita. Wozotevedzera nhungamiro iri pana VaFiripi 1:10 inoti: “Muve nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” Hungu, tanga nezvinokosha. Chii chaicho chinofanira kuitwa? Zvinhu zvipi zvingarega kumboitwa zvozoitwa gare gare? Pakupedzisira, edza kuona kuti unoda nguva yakawanda zvakadini kuti uite zvinhu uye kuti ungazviita rini. Ona zvinhu sezvazviri, uye edza kusaronga kuita zvakawandisa munguva shoma.

Mumwe mukadzi anonzi Dorothy anoti vabereki vake ndivo vakamudzidzisa kuchengeta nguva. Anorondedzera kuti: “Kana taifanira kuva pamisangano yeungano na7:30 manheru, amai vangu vaitanga kuita kuti tigadzirire pachine awa imwe nemaminitsi 45. Taifanira kusiya nguva yokudya kwemanheru, kugeza, kupfeka, uye kufamba kuenda kunzvimbo yemisangano. Akangozova mararamire edu enguva dzose kubata nguva.” Dzimwe nguva zvinobatsira kuva nenguva yezvisingatarisirwi. Dorothy anoyeuka kuti: “Nguva pfupi yapfuura ndaifanira kutakura vanhu vanoverengeka kuenda navo kumisangano. Ndiri munzira ndakaponjerwa nevhiri. Ndakarigadzirisa asi ndakasvika nenguva kuti ndivatore. Saka nguva dzose ndinobvumira nguva yokuti ndikafirwa nemotokari kana kuti chero dzikawandisa mumugwagwa ndisanonoka.”

PIWA MAZANO NEVAMWE. Bhaibheri rinotaura pana Zvirevo 27:17 kuti: “Simbi inorodza simbi; saizvozvo munhu unorodza chiso cheshamwari yake.” Maererano nenhungamiro iyoyo, taura nevamwe vane mamiriro ezvinhu akafanana neako—asi vanokwanisa kuita zvinhu nenguva. Kazhinji vachava nemazano anoverengeka anoshanda.

Renee, ambotaurwa nezvake, akatsunga kuchinja tsika yake yokunonoka. Anoti: “Munguva pfupi yapfuura ndakatsunga kuti ndiite zviri nani. Kunyange zvazvo zvave zvisiri nyore, ndiri kufambira mberi.” Newewo unogona kudaro. Nemafungiro akarurama nokushanda nesimba, unogona kudzidza kubata nguva!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 16]

Tsika yokunonoka inogona kuita kuti uve nomukurumbira wakaipa newaunoshandira uye inoratidza kusafunga vamwe

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kurongeka kwako pachako kunogona kukubatsira kuti usapambadza nguva