Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuronga Zvakanaka Nguva Yako

Kuronga Zvakanaka Nguva Yako

Kuronga Zvakanaka Nguva Yako

“Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa.”—Muparidzi 3:1.

KUTI uwane nguva yekuita zvinhu zvinokosha, unofanira kuziva kuti zvinhu zvacho ndezvipi. Izvi zvichava nyore kana uchinyatsonzwisisa zvaunokoshesa, zvaunovavarira, uye zvimwe zvinhu chaizvo zvinoita kuti ubudirire.

Saka, tanga nokuziva kuti zvii zvinokosha kwauri. Ungaedza kunyora pasi zvinhu zvose zvinokosha kwauri zvinenge zvangouya mumusoro mako, zvakadai semhuri, ushamwari, kushanda nesimba, dzidzo, zvaunoda kubudirira pazviri, kutarisika zvakanaka, mari, mufaro, wanano, kuva nemutsa, utano, chitendero. Wadaro, zvibvunze kuti ‘Pazvinhu izvi zvose, ndezvipi zvinonyanya kukosha kwandiri?’

Waita izvozvo, funga nezvezvaunovavarira kuzoita muupenyu. Zvaunokoshesa zvakasiyana papi nezvaunovavarira? Pane zviri kutaurwa munyaya ino, tingatoti zvinhu zvaunokoshesa zvinoramba zvichingovapo, asi zvaunovavarira kuita, pane imwe nguva zvinozoguma zvonzi zvapera.

Ndezvipi zvaungavavarira kuita? Unoda kupedza nguva yakawanda uine mhuri yako here? Kuwana basa riri nani here? Kuva nevana here? Kuva nemusha wako here? Kuva nounhu hwakanaka here? Kuenda kuzororo here? Kuverenga bhuku here? Kunyora bhuku here?

Wadaro, sarudza kuti pane zvaunovavarira, ndezvipi zvinonyanya kukosha kwauri. Iva nechokwadi chekuti zvaunovavarira nezvaunokoshesa zvinopindirana. Somuenzaniso kana uri kuvavarira kuva shoroma, asi uchikoshesa mhuri yako, ungangove uri kuita zvinhu zvisingapindirani.

Saka iye zvino, pane zvaunovavarira kuita zvawasarudza, chifunga nezvezvinhu zvinoverengeka zvingakubatsira kuti ubudirire kuita chaunovavarira chimwe nechimwe. Somuenzaniso, kana kuri kuti chimwe chezvinhu zvaunovavarira kuita kuti muviri wako uti dzikirei, kurovedza muviri ndicho chinhu chinogona kukubatsira kuita izvozvo.

Kuzvinyora Pasi Kungakubatsira Sei?

Kana zvaunovavarira zvichipindirana nezvaunokoshesa uye ukaita zvinhu zvichakubatsira kuzviita, upenyu hwako huchava nechinangwa chimwe chete. Uchaona kuti uchapedzera nguva yako yakawanda pazvinhu zvinokosha kwauri. Ichokwadi kuti izvozvo hazvirevi kuti haufaniri kuva nehanya nezvinhu zvinodiwa nevamwe. (VaFiripi 2:4) Asi zvinoreva kuti uchakwanisa kuziva uye kudzivisa mikana isinei nechokuita nezvaunokoshesa.

Zviri pachena kuti pachava nezvipingamupinyi. Mamwe mabasa angadaro asinganyanyi kukosha asi achifanira kuitwa. Iwayo anogona kukupedzera zuva rose zvichikusiya une nguva shomanana yokuita zvinhu zvinokosha. Pangamuka zvinhu zvinoda kuitwa pakarepo. Kuchinja kunoitika muupenyu hwako kungakanganisa zvawakaronga. Asi kana ukatora matanho anobatsira okuti upedzere nguva yako yakawanda pazvinhu zvinokosha, uchakwanisa kuronga zvakanaka nguva yako uye mararamiro aunoita.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 28]

TUMICHINA TWEMAGETSI TWEKURONGA ZVAUNODA TUNOCHENGETEDZA NGUVA HERE?

Kune vamwe tunochengetedza nguva, asi kune vamwewo tunovapedzera nguva. Somuenzaniso kamuchina kanonzi PDA [personal digital assistant] kangava nekarenda, nhamba dzefoni nekero, zvinhu zvaunoda kuzoita, word processor, kamera, Indaneti uye kangakwanisa kutumira e-mail. Unogona kushandisa kamuchina kakadaro kuchengetedza nguva ndokana ukaramba uchiita kuti kagare kaine mashoko anoenderana nenguva uye ukagara uinako. Zvisinei, unogona kutambisa nguva zviri nyore kana uchigara uchingokatokonya-tokonya pose pose, uchiedza kuchinja-chinja mashandiro akanoita, kana kuti ukatenga tumwe twunhu tunoshandiswa pamwe nekamuchina kacho asi tusinganyanyi kukosha, kana kuti ukabvumira kushandiswa kwekamuchina kacho kuti kukanganise ukama hunokosha nevamwe kana mamwe mabasa.

Zano: Tsvakurudza nezvekamuchina kaunoda usati wakatenga. Kana kamuchina kemagetsi kachingofa-ifa, nguva yakawanda inozodiwa kukagadzirisa. Uyezve michina yemagetsi yose yakangonaka chete kana muridzi achigona kuishandisa zvakanaka. Saka kana uine kako, kashandise kuchengetedza nguva, kwete kuitambisa.

[Mufananidzo uri papeji 27, 28]

Ungakwanisa kuwana nguva yezvinhu zvinokosha here?