Zvokukurukura Semhuri
Zvokukurukura Semhuri
Zvakaitikira Kupi?
1. Izvi zvakaitikira pedyo neguta ripi?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mabasa 6:7-9; 7:54-60. Tenderedza mhinduro yako pamepu.
Dhamasiko
Jerusarema
Bhetrehema
2. Stefani ari kutemerwei nematombo?
․․․․․
3. Stefani anokumbira Mwari kuti aitei kuvanhu vari kumutema?
․․․․․
ZVOKUKURUKURIRANA:
Iwe unoona sei zvakaitwa naStefani kuvanhu vaimutema? Kudai waiva Stefani, ungadai wakaitei, uye nei?
UNOZIVEI NEZVAMAMBO HEZEKIYA?
4. Baba vaHezekiya vaiva ani?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 2 Madzimambo 18:1.
․․․․․
5. Kunyange zvazvo baba vaHezekiya vakanga vakaipa chaizvo, Hezekiya akava nemukurumbira wakaita sei?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 2 Madzimambo 18:5.
․․․․․
ZVOKUKURUKURIRANA:
Chii chakabatsira Hezekiya kuti arambe akasimba?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 2 Madzimambo 18:6.
Kana mumwe womumhuri yenyu akarega kushumira Mwari, ungatevedzera sei Hezekiya?
ZVIRI MUMAGAZINI INO
Pindura mibvunzo iyi, wonyora ndima dzeBhaibheri dzisipo.
PEJI 4 Tinofanira kuzvichenesa pachii? 2 VaKorinde 7:․․․
PEJI 5 Vaviri vangaitei pamwe chete? Muparidzi 4:․․․
PEJI 15 Mwari anoda munhu anoita sei? 2 VaKorinde 9:․․․
PEJI 20 Tinofanira kurega chii? 1 VaTesaronika 4:․․․
PEJI 20 Munhu anoita ufeve anotadzira chii? 1 VaKorinde 6:․․․
● Mhinduro dziri papeji 23
Mhinduro Dzemibvunzo Iri Papeji 10
1. Jerusarema.
2. Stefani ari kupomerwa kuti amhura Mwari.
3. Kuti akanganwire vaimutema.
4. Mambo Ahazi.
5. Panyaya yokushingairira kunamata, hapana mumwe mambo akanga akaita saiye.