Unofungei?
Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti uve shamwari yaMwari here?
VAMWE VANOTI . . .
hazviiti kuti vave shamwari dzaMwari nekuti vanotadza. Vamwe vanoti Mwari haana hanya nesu. Iwe unofungei?
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
Mwari “anoshamwaridzana nevakarurama.” (Zvirevo 3:32) Kana tikamuteerera, tinogona kuva shamwari dzake.
NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?
Mwari anoda kuva Shamwari yedu.—Jakobho 4:8.
SeShamwari yedu, Mwari akagadzirira kutibatsira uye kutikanganwira.—Pisarema 86:5.
Shamwari dzaMwari dzinoda zvaanoda uye dzinovenga zvaanovenga.—VaRoma 12:9.