Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu vachapona pamazuva ekupedzisira vachagara muparadhiso pasi pano

Bhaibheri Rinotii?

Bhaibheri Rinotii?

Tiri kurarama “mumazuva okupedzisira” here?

Ungati kudii?

  • Ehe

  • Aiwa

  • Pamwe

Zvinotaurwa neBhaibheri

“Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.” (2 Timoti 3:1) Kana tikatarisa zvakataurwa neBhaibheri nezviri kuitika munyika, tinonyatsoona kuti tatova “mumazuva okupedzisira.”

Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?

  • Mazuva okupedzisira aizova nehondo, nzara, kudengenyeka kwenyika uye zvirwere zvinouraya.Mateu 24:3, 7; Ruka 21:11.

  • Mumazuva okupedzisira, vanhu vaizowedzera kuita zvinhu zvakashata uye vasingachadi zvekunamata.2 Timoti 3:2-5.

Ramangwana rakamira sei?

Vamwe vanoti . . . nyika ichaparara uye vanhu vose vachapararawo, asi vamwe vanoti zvinhu zvichanaka. Unotiwo kudii?

Zvinotaurwa neBhaibheri

“Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”Pisarema 37:29.

Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?