Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Paunoona Sekuti Kufa Kuri Nani

Paunoona Sekuti Kufa Kuri Nani

Adriana, wekuBrazil anoti: “Ndairamba ndichishungurudzika zvekuti ndaiona sekuti kufa kuri nani.”

UNOMBOSHUNGURUDZIKA here zvekuti unoona sekuti kufa kuri nani? Ndizvo zvaiitikawo kuna Adriana. Aiva nedambudziko rekuzvidya mwoyo zvakanyanya uye ainzwa kusurukirwa, achizviona seasingabatsiri. Akazoonekwa kuti aiva nechirwere chedepression.

Fungawo zvakaitika kune mumwe murume wekuJapan anonzi Kaoru, uyo aichengeta vabereki vake vairwara uye vainge vakura. Anoti: “Panguva iyoyo ndainge ndakawandirwa nezvekuita kubasa. Ndakatanga kunzwa kusada kudya, uye kurara kwakanga kwava kunetsa. Ndakapindwa nepfungwa yekuti kana ndikafa hangu ndinenge ndazorora.”

Mumwe murume wekuNigeria anonzi Ojebode anoti, “Ndaigara ndichishungurudzika zvekusvika pakubuda misodzi, saka ndakatsvaga nzira yekuzviuraya nayo.” Chinofadza ndechekuti Ojebode, Kaoru, naAdriana havana kuzozviuraya. Asi gore negore vanhu vanosvika zviuru vanozviuraya.

UNGAWANEPI RUBATSIRO?

Varume ndivo vanonyanya kuzviuraya, uye kazhinji kacho zvinokonzerwa nekunyara kukumbira rubatsiro. Jesu akati munhu anorwara anofanira kunoona chiremba. (Ruka 5:31) Saka kana uchimbovawo nepfungwa dzekuzviuraya, usanyara kukumbira rubatsiro. Vanhu vakawanda vane chirwere chedepression vakaona zvichibatsira kunoona chiremba. Ojebode, Kaoru, naAdriana vakarapwa uye iye zvino vava kunzwa zviri nani.

Vanachiremba vanogona kupa vanhu vane depression mishonga kana kuita zvekukurukura navo kana kuita zvese zviri zviviri. Vaya vane dambudziko iri vanodawo hama neshamwari dzinovanzwisisa, dzine mwoyo murefu uye dzine hanya navo. Jehovha Mwari ndiye shamwari inopfuura dzese; anotibatsira achishandisa Shoko rake, Bhaibheri.

DAMBUDZIKO IRI RINOGONA KUPERA HERE?

Kazhinji vaya vane depression vanotora nguva refu vachirapwa uye vanofanira kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwavo. Kana uinewo chirwere ichi, unogona kuva netariro yakajeka yeramangwana seina Ojebode. Anoti, “Ndinotarisira kuona Isaya 33:24 ichizadzika, iyo inotaura kuti panyika hapana achati ‘Ndiri kurwara.’” Sezvakaitwa naOjebode, unogona kunyaradzwa nevimbiso yaMwari ‘yenyika itsva,’ umo munenge musisina “kurwadziwa.” (Zvakazarurwa 21:1, 4) Vimbiso iyoyo inosanganisira kubviswa kwezvese zvinotishungurudza, uye Bhaibheri rinoti, “Hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo [mako].”​—Isaya 65:17.