Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sezvinoita mukuru webasa anotuma mushandi wake kuti anyore tsamba, Mwari akashandisa varume vakatendeka kuti vanyore Bhaibheri

Musiki Anoita Sei Kuti Tizive Zvaari Kutivimbisa?

Musiki Anoita Sei Kuti Tizive Zvaari Kutivimbisa?

Kubvira pakasikwa vanhu, Musiki aitaura navo achishandisa ngirozi nevaprofita. Akaitawo kuti Shoko rake nezvaanotivimbisa zvinyorwe. Mwari anotivimbisa ramangwana rakanaka. Zvaanotivimbisa zvakanyorwa pai?

Mwari akaita kuti zvaanotivimbisa zvinyorwe muBhaibheri. (2 Timoti 3:16) Mwari akaita sei kuti vaprofita vakwanise kunyora Shoko rake? Akaisa pfungwa dzake muvanhu vaakasarudza vachibva vadzinyora pasi. (2 Petro 1:21) Kana mukuru webasa akatuma mushandi wake kuti anyore tsamba, tsamba yacho inenge iri yemukuru webasa kwete yemushandi. Ndizvo zvakaitwawo naMwari. Kunyange zvazvo akashandisa vanhu, iye pachake ndiye Munyori weBhaibheri.

BHAIBHERI RINOWANIKA MUMITAURO YAKAWANDA

Mwari anoda kuti vanhu vese vaverenge uye vanzwisise Shoko rake nekuti rinokosha. Mazuva ano ‘mashoko ake akanaka’ anogona kuwanikwa nemarudzi ese uye mumitauro yakasiyana-siyana. (Zvakazarurwa 14:6) Mwari akaita kuti Bhaibheri riwanikwe mumitauro inopfuura 3 000. Hakuna rimwe bhuku rinowanikwa mumitauro yakawanda kudaro.