Bhaibheri Rinotii?
Zvekunamata zvakatangwa nevanhu here?
VAMWE VANOTI zvekunamata zvakatangwa nevanhu; asi vamwe vanoti Mwari anoshandisa zvitendero kuti abatsire vanhu kuswedera pedyo naye. Unotiwo chii?
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
Pane “kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu.” (Jakobho 1:27) Kunamata kwakachena kana kuti kwechokwadi kunobva kuna Mwari.
NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?
Chechi inofadza Mwari inotaura zvinoenderana nezvinodzidziswa neBhaibheri.—Johani 4:23, 24.
Kana chechi ichidzidzisa pfungwa dzevanhu haibatsiri. —Mako 7:7, 8.
Zvine basa here kuti munhu ave nechechi yaanopinda?
UNGATI KUDII?
Ehe
Aiwa
Zvinosiyana nemunhu
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
“Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu.” (VaHebheru 10:24, 25) Mwari anoda kuti vanhu vanomunamata vaungane vachiita zvinhu zvakarongeka.
NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?
Vanhu vanonamata Mwari pamwe chete vanofanira kuva nedzidziso imwe chete.—1 VaKorinde 1:10, 11.
Vanhu vanonamata zvinotenderwa naMwari vanobatana sehama nehama pasi rose.—1 Petro 2:17.