Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Murayiro wekuti “usatsvaga kudeurisa ropa remumwe wako” uri pana Revhitiko 19:16 unorevei uye tinodzidzei pauri?

Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vave vanhu vatsvene. Kuti avabatsire kuva vatsvene akavaudza kuti: “Usafamba-famba pakati pevanhu vako uchitaura zvenhema nezvevamwe. Usatsvaga kudeurisa ropa remumwe wako. Ndini Jehovha.”—Revh. 19:2, 16.

Mashoko ekuti “usatsvaga kudeurisa ropa remumwe wako,” mune dzimwe shanduro anoshandurwa achinzi haufaniri kungosiya mumwe wako achifa wakatarisa. Izvozvo zvinorevei? Rimwe bhuku rechiJudha rinotaura nezvaRevhitiko rinoti: “Chikamu chevhesi iyi chakaoma kududzira nemhaka yedimikira rechiHebheru rakashandiswa ipapo.”

Vamwe vaongorori vanoti dimikira iri rinoenderana nevhesi 15 iyo inoti: “Musatonga zvisina kururama. Usasarura murombo kana kuitira tsvete mupfumi. Unofanira kutonga mumwe wako zvakarurama.” (Revh. 19:15) Saka murayiro uri pavhesi 16 ‘wekusatsvaga kudeurisa ropa’ remumwe waigona kureva kuti vanhu vaMwari vaisafanira kuita chinhu chinokuvadza mumwe, mungava munyaya dzematare, dzebhizinesi kana dzemhuri uye vaisafanira kuita chinhu chekusatendeseka nechinangwa chekuti zvivafambire zvakanaka. Ichokwadi kuti hatifaniri kuita zvinhu izvozvo, asi pane imwezve nzira yatinogona kunzwisisa nayo mashoko aya ari muvhesi 16.

Funga nezvemashoko ari pekutanga pevhesi iyoyo. Mwari anorayira vanhu vake kuti vasafamba-famba vachitaura zvenhema nezvevamwe. Ichokwadi kuti kana munhu achiita makuhwa, anogonawo kukonzera matambudziko. (Zvir. 10:19; Mup. 10:12-14; 1 Tim. 5:11-15; Jak. 3:6) Asi kutaura nhema nezvevamwe vanhu kwakaipa kupfuura makuhwa. Kakawanda munhu anotaura nhema nezvemumwe munhu, anenge achida kusvibisa zita remunhu iyeye. Angatopupura nhema nezvemumwe munhu kunyange zvazvo zvichiita kuti munhu wacho afe. Yeuka kuti vamwe varume vakapupura nhema pamusoro paNabhoti zvikaita kuti atemwe nematombo iye asina mhosva. (1 Madz. 21:8-13) Munhu anotaura nhema pamusoro pemumwe anogona kudeurisa ropa remunhu wacho sezvinotaurwa muchikamu chechipiri chaRevhitiko 19:16.

Uyewo munhu anogona kutaura nhema nezvemumwe nekuti anenge achimuvenga. Pana 1 Johani 3:15, panoti: “Munhu wese anovenga hama yake muurayi, uye munoziva kuti hapana muurayi anoramba aine upenyu husingaperi.” Uyewo pashure pekunge Mwari ataura mashoko ari muvhesi 16 akati: “Usavenga hama yako mumwoyo mako.”—Revh. 19:17.

Murayiro uri pana Revhitiko 19:16 unopa zano rakasimba kuvaKristu. Tinofanira kuramba mafungiro akaipa uye hatitombofaniri kutaura nhema nezvemumwe munhu. Kana tikataura zvenhema nezvemumwe munhu nemhaka yekuti hatimufariri kana kuti tinomuitira shanje, chinogona kunge chiri chiratidzo chekuti tinomuvenga. VaKristu havatombofaniri kuvenga mumwe munhu.—Mat. 12:36, 37.