Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ushumiri Hwako Hwakaita Sedova Here?

Ushumiri Hwako Hwakaita Sedova Here?

USHUMIRI hwedu hunokosha uye hunobatsira. Asi havasi vese vatinoparidzira vanoona kukosha kwebasa redu. Kunyange vaya vanofarira kunzwa nezveBhaibheri vanogona kuona pasina chikonzero chekuti vadzidze Shoko raMwari nesu.

Izvi ndizvo zvaiita Gavin. Akatanga kupinda misangano, asi airamba kudzidza Bhaibheri. Gavin anoti: “Ndakanga ndisingazivi zvakawanda nezveBhaibheri, uye ndainyara kuti izvozvo zvizivikanwe nevamwe. Ndaitya kudzidziswa zvekunyepa uye ndaitya kuva nhengo yechitendero.” Unofungei nezvaGavin? Akanga asiri kuzobvuma kudzidza Bhaibheri here? Aiwa. Funga kuti zvinodzidziswa neBhaibheri zvinogona sei kubatsira munhu. Jehovha akaudza vanhu vake vekare kuti: “Shoko rangu richayerera sezvinoita dova, sezvinoita mvura inopfunha pauswa.” (Dheut. 31:19, 30; 32:2) Ngatimboongororai kuti ushumiri hwedu hwakafanana papi nedova toona kuti tinganyatsobatsira sei vanhu vemarudzi ose.​—1 Tim. 2:3, 4.

USHUMIRI HWAKAFANANA PAPI NEDOVA?

Dova rinodzika zvinyoronyoro. Dova rinovapo zvishoma nezvishoma richibva mutumvura tunenge turi mumhepo. Mashoko aJehovha ‘aiyerera sezvinoita dova’ nekuti paaitaura nevanhu vake, airatidza kuti aivafungawo, aiva neunyoro uye mutsa. Tinomutevedzera patinoremekedza maonero anoita vamwe zvinhu. Tinokurudzira vanhu kuti vazvionere vega kuti chokwadi ndechipi, vosarudza vega zvavanoda kuita. Patinoita izvi, zvinova nyore kuti vagamuchire mashoko edu, uye ushumiri hwedu hunobva hwanyatsobudirira.

Dova rinozorodza. Ushumiri hwedu hunozorodza vamwe kana tikatsvaka nzira dzekuvabatsira kuti varambe vachifarira chokwadi. Gavin watambotaura nezvake haana kumanikidzwa kuti abvume kudzidza Bhaibheri. Asi, imwe hama inonzi Chris iyo yakanga yambotanga kutaura naGavin yakafunga dzimwe nzira dzaizoita kuti afarire kukurukura nezveBhaibheri. Chris akatsanangurira Gavin kuti Bhaibheri rine dingindira raro uye kuriziva kwaizomubatsira kuti anyatsonzwisisa zvaidzidziswa kumisangano yaanga achipinda. Zvadaro, Chris akaudza Gavin kuti kudzidza nezveuprofita hweBhaibheri ndiko kwakamubatsira kuti azive kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi. Izvi zvakaita kuti vazokurukura zvakati wandei nezvekuzadziswa kweuprofita. Gavin akazorodzwa nezvavakakurukura uye akazobvuma kudzidza Bhaibheri.

Dova rinoita kuti zvirimwa zvive neupenyu. KuIsrael kune mwaka unopisa uye mumwaka uyu mvura inogona kusanaya kwemwedzi yakawanda. Kudai kusingaiti dova, zvirimwa zvaizooma, zvofa. Mazuva ano kune nzara yezvekunamata, sezvakafanotaurwa naJehovha. (Amo. 8:11) Asi akavimbisawo kuti vashumiri vake vakazodzwa vaizoita “sedova rinobva kuna Jehovha,” vachiparidza mashoko eUmambo pamwe neshamwari dzavo, “mamwe makwai.” (Mika 5:7; Joh. 10:16) Tinoona mashoko akanaka eUmambo senzira yaJehovha yekuponesa upenyu here?

Dova chikomborero chinobva kuna Jehovha. (Dheut. 33:13) Ushumiri hwedu hunogona kuita kuti vaya vanoteerera vawane makomborero. Ndizvo zvakazoitika kuna Gavin. Akawana mhinduro dzemibvunzo yose yaaiva nayo kubva pakudzidza kwaakaita Bhaibheri. Munguva pfupi akafambira mberi ndokubhabhatidzwa, uye iye zvino ava kunakidzwa nekuita zvakawanda mubasa rekuparidza mashoko eUmambo pamwe chete nemudzimai wake Joyce.

Sekunyorovesa kunoita dova nyika yose, Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza mashoko eUmambo pasi rose

KOSHESA USHUMIRI HWAKO

Kufunga nezvedova kunotibatsirawo kuti tione kuti zvatinoita muushumiri semunhu mumwe nemumwe zvinokosha. Nei tichidaro? Donhwe rimwe chete redova harina zvakawanda zvarinoita, asi madonhwe akawanda anonyorovesa nyika yose. Saizvozvowo, munhu anogona kuona sekunge kuti basa raanoita muushumiri harisi kubatsira vakawanda. Asi patinoshanda pamwe chete sevashumiri vaJehovha tinoita kuti uchapupu husvike “kumarudzi ose.” (Mat. 24:14) Ushumiri hwedu huchaita kuti vamwe vakomborerwe naJehovha here? Huchava chikomborero kana mashoko atinoparidza achiita sedova rinodzika zvinyoronyoro, achizorodza, uye achipa upenyu.