Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YOUPENYU

Vakambopikira Usista Asi Iye Zvino Vava Hanzvadzi dzechiKristu

Vakambopikira Usista Asi Iye Zvino Vava Hanzvadzi dzechiKristu

“USATAURA neni,” munin’ina wangu Araceli akapopota achidaro. “Handichatombodi kunzwa nezvechitendero chako. Zvava kundisvota. Handichina kana basa newe!” Kunyange zvazvo ndava nemakore 91, ndichiri kuyeuka kurwadziwa kwandakaitwa nemashoko iwayo. Asi zvakazoitika kwatiri zvinoenderana nemashoko ari pana Muparidzi 7:8 ekuti: “Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo.”—Felisa.

Felisa: Ndakaberekwa mumhuri yevanhu vaida zvechitendero. Dzimwe hama dzedu 13 dzaitova nezvinzvimbo muchechi yeRoma zvaisanganisira kuva vapristi. Imwe hama yaamai vangu yaiva mupristi uye yaidzidzisa pane chimwe chikoro cheRoma. Payakafa, Pope John Paul II akatozotaura kuti yaizova musande. Taiva varombo mumhuri medu. Baba vangu vaiita basa rekupfura simba uye amai vangu vaiita zvemaricho. Ndini ndaiva dangwe pavana 8.

Pandakanga ndava nemakore 12, vagari vomuSpain vakatanga kurwisana. Pakapera hondo, baba vangu vakasungwa nekuti zvavaitaura zvaipesana nezvaiitwa nehurumende, iyo yaiva neudzvinyiriri. Amai vangu vaitamburira kuti tiwane zvokudya, saka imwe shamwari yavo yakavakurudzira kuti vaendese vanin’ina vangu vatatu, Araceli, Lauri, naRamoni kuti vanogara pamusha wemasista kuBilbao, Spain. Vaisazoshaya chekudya vari ikoko.

Araceli: Panguva iyoyo taiva nemakore aiti 14, 12, ne10, uye kuparadzana nemhuri yedu kwairwadza chaizvo. Tava kuBilbao taiita basa rekuchenesa. Papera makore maviri, masista akatiendesa mumusha wakakura wemasista waichengetwa vakwegura uyo waiva kuZaragoza. Taiita basa rekuchenesa mukicheni, uye rakanga rakaoma chaizvo nekuti takanga tichiri vadiki.

Felisa: Vanin’ina vangu pavakaendeswa kuZaragoza, amai nehanzvadzi yavo iyo yaiva mupristi, vakasarudza kuti ndinoshandawo kwaiva nevanin’ina vangu. Vaida kuti ndigare kure nemumwe mukomana uyo aindida. Sezvo ndaifarira zvechitendero, ndakabvuma kuti ndimbonogara ikoko. Ndaienda kuMisa mazuva ese, uye ndaiva neshungu dzekuzoita mumishinari wechechi yeRoma kuAfrica, sezvakanga zvaita mumwe mukoma wangu.

Kuruboshwe: Imba yemasista kuZaragoza, Spain; kurudyi: Shanduro yeBhaibheri yeNácar-Colunga

Masista haana kumbondikurudzirawo kunoshumira Mwari ndiri kune dzimwe nyika, uye ndainzwa sekuti ndiri musungwa pamusha iwoyo wataigara. Saka pashure pegore, ndakasarudza kudzokera kumba kuti ndinochengeta hanzvadzi yaamai vangu, iya yaiva mupristi. Ndaiita mabasa epamba uye manheru ega ega taiita minamato yeRozari nasekuru. Ndaifarirawo kuronga maruva muchechi uye kushongedza chifananidzo chaMariya uye zvifananidzo ‘zvevasande.’

Araceli: Panguva iyi, upenyu hwedu hwakachinja. Pandakaita mhiko dzangu dzekutanga dzekuva sista, masista akafunga zvekutiparadzanisa. Ramoni akasara muZaragoza, Lauri akaendeswa kuValencia, uye ini ndakaendeswa kuMadrid kwandakanoita mhiko dzangu dzechipiri dzekuva sista. Pamusha wemasista waiva kuMadrid paigarawo vana vechikoro, vakwegura uye paiuyawo vanhu vaishanya, saka paiva nebasa rakawanda chaizvo rekuita. Ndaishanda muchipatara chaivapo.

Kutaura chokwadi ndaifunga kuti ndikava sista ndaizofara chaizvo muupenyu. Ndaifunga kuti ndaizoverenga Bhaibheri ndorinzwisisa. Asi hapana kana aimbotaura nezvaMwari kana Jesu, uye takanga tisingashandisi Bhaibheri. Takangodzidza zvishoma chiLatin, uye taidzidza nezveupenyu hwevasande, tichinamata Mariya. Ndingatoti chikuru chataiita kwaiva kufondoka nebasa.

Ndakatanga kuzvidya mwoyo saka ndakataura nemukuru wemasista aivapo. Ndakamuudza kuti zvakanga zvisina musoro kuti ndirambe ndichishanda ndichipfumisa vamwe vanhu asi vanhu vekumba kwedu vachitambura. Sista wacho akabva andivharira mune kamwe kamba achitarisira kuti ndaizochinja pfungwa ndoramba ndichigara ipapo.

Masista acho akambondibudisa mukaimba aka katatu achida kuona kuti ndakanga ndichiri kuda kuenda here. Sezvo ndainge ndatsunga kuenda, vakandiudza kuti ndinyore kuti, “Ndava kubva pano nekuti ndinoda kushumira Satani pane kushumira Mwari.” Izvi zvakandishamisa uye kunyange zvazvo ndaida chaizvo kubva ipapo, handina kumboda kunyora mashoko iwayo. Ndakazokumbira kuona mupristi uye ndakamuudza zvakanga zvaitika. Akakumbira mvumo kuna bhishopi kuti ndidzorerwe kuZaragoza. Pashure pemwedzi mishoma ndava kuZaragoza, ndakazobvumirwa kubva. Izvi zvichangoitika, Lauri naRamoni vakabvawo pamusha wemasista.

BHUKU RAIRAMBIDZWA RAKATIPARADZANISA

Felisa

Felisa: Nekufamba kwenguva, ndakaroorwa uye takanogara kuCantabria. Ndakanga ndichiri kuenda kuMisa nguva dzose uye rimwe zuva uri musi weSvondo, mupristi akapa chiziviso chakandishamisa. Achinongedzera bhuku rakanzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, akataura nehasha achiti, “Muri kuona bhuku iri! Kana paine munhu akakupai bhuku iri, ndipei kuno kana kuti rirasei!”

Ndakanga ndisina bhuku racho, asi ndakabva ndatoridawo. Pashure pemazuva mashoma, zvimwe Zvapupu zviviri zvakauya pamba pangu uye zvakandipa bhuku riya rairambidzwa. Ndakariverenga usiku ihwohwo uye pakazodzoka vakadzi vacho, ndakabvuma kudzidza Bhaibheri navo.

Bhuku rairambidzwa

Chokwadi cheBhaibheri chakandibaya mwoyo. Kuzvipira kwandakanga ndakaita kuchechi yeRoma kwakapera, ndikatanga kuda Jehovha zvakadzama uye ndakatanga kushingaira muushumiri. Ndakabhabhatidzwa muna 1973. Kunyange zvazvo ndakanga ndisingawani mikana yakawanda yekuudza hama dzangu chokwadi, pese pandaiwana mukana ndaivaudza. Sezvandataura patangira nyaya ino, vakapikisa chaizvo zvandaitenda, kunyanya munin’ina wangu Araceli.

Araceli: Zvaiitika pandaigara mumusha wemasista zvaindirwadza chaizvo uye ndaisafara nechitendero changu. Asi kunyange zvazvo ndakanga ndabvako, ndakaramba ndichienda kuMisa misi yeSvondo, uye zuva nezuva ndaiita minamato yeRozari. Ndakanga ndichine chido chakakura chokuziva Bhaibheri uye ndakakumbira Mwari kuti andibatsire. Asi sisi vangu Felisa pavakandiudza nezvechitendero chavo chitsva, vakanyatsotaura nechido zvokuti ndaiona sekuti vava kupengeswa nechechi yavo. Handina kana kumbobvumirana nezvavaitaura.

Araceli

Pashure pemakore mashoma, ndakadzokera kuMadrid nekuti ndakanga ndawana basa ikoko uye ndakabva ndaroorwa. Nekufamba kwenguva, ndakatanga kusava nechokwadi nezvandaitenda. Ndakaona kuti vanhu vaigara vachipinda Misa vakanga vasingaiti zvaidzidziswa neEvhangeri. Saka ndakarega kuenda kuchechi. Ndakanga ndisingachatendi muvasande, kuti mupristi ndiye anoregerera zvivi kana kuti vakaipa vachanotsva mumoto. Uye ndakatorasawo zvifananidzo zvose zvandaishandisa pakunamata. Ndakanga ndisingazivi kana zvandaiita zvainge zvakanaka. Ndakaora mwoyo, asi ndairamba ndichinyengetera kuna Mwari ndichiti: “Ndinoda kukuzivai. Ndibatsirei!” Ndinoyeuka kuti Zvapupu zvaJehovha zvaimbouya pamba pangu, asi ndairamba kutaura nazvo. Ndakanga ndisingachavimbi nezvitendero zvose.

Kuma1980, Lauri naRamoni, vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Lauri aigara kuFrance uye Ramoni aigara kuSpain. Ndaiona sekuti vainge vatsauswa sezvainge zvaitika kuna Felisa. Nekufamba kwenguva, ndakazozivana nemumwe mukadzi ainzi Angelines uyo aiva muvakidzani wangu uye akazova shamwari yangu yepedyo. Aivawo Chapupu chaJehovha. Iye nemurume wake vaigara vachindibvunza kana ndaida kudzidza Bhaibheri. Vakaona kuti kunyange zvazvo ndaiita sekuti handina basa nechitendero, ndaiva nenyota yeShoko raMwari. Ndakazovaudza kuti: “Horaiti. Tinogona kudzidza kana mukabvuma kuti ndishandise Bhaibheri rangu,” ndichireva shanduro yeNácar-Colunga.

BHAIBHERI RAKAZOTIBATANIDZA

Felisa: Pandakabhabhatidzwa muna 1973, muSantander, guta guru redunhu reCantabria, kuSpain, maingova neZvapupu zvinenge 70. Taiva nendima yakakura, saka taifamba nemabhazi uye takazotanga kushandisawo mota kuti tikwanise kuparidza mudunhu racho rese. Taibva pamusha mumwe tichienda pane mumwe kusvikira tashanyira mazana emisha yaivamo.

Mumakore ose aya andashumira Mwari, ndakava neropafadzo yekudzidzisa vanhu vakawanda Bhaibheri uye 11 vavo vakabhabhatidzwa. Vakawanda vacho vaipinda chechi yeRoma. Sezvo ndainge ndakambonyurawo muchechi iyi, ndaiziva kuti ndaifanira kuvaitira mwoyo murefu uye kuvanzwisisa. Ndakaona kuti vaida nguva kuti vazosiya tsika dzavainge vakanyura madziri uye kuti Bhaibheri nemudzimu mutsvene waJehovha ndizvo zvaizovabatsira kuti vazive chokwadi. (VaH. 4:12) Murume wangu Bienvenido uyo aimbova mupurisa, akabhabhatidzwa muna 1979, uye amai vangu vakanga vatanga kudzidza Bhaibheri pavakazofa.

Araceli: Pandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu, ndaityira kuti vangangondinyepera. Asi nekufamba kwenguva, maonero angu akachinja. Chakanyanya kundibaya mwoyo paZvapupu ndechekuti vanoita zvavanoparidza. Ndakazotanga kuva nechokwadi nezvandaidzidza uye mufaro wangu wakawedzera. Kunyange vamwe vavakidzani vangu vakatondiudza kuti, “Araceli, ramba uchidzidza nevanhu ava!”

Ndichiri kuyeuka ndichinyengetera ndichiti, “Makaita henyu Jehovha, makaramba muchindiratidza mwoyo murefu uye makaramba muchindibatsira kusvikira ndawana zivo yechokwadi yeBhaibheri yandaitsvaga.” Ndakakumbira sisi vangu Felisa kuti vandiregerere pamashoko anorwadza andakanga ndambotaura. Nharo dzataimboitisana dzakanga dzapera uye takanga tava kunakidzwa nekukurukura nezveBhaibheri. Ndakabhabhatidzwa muna 1989 ndava nemakore 61.

Felisa: Iye zvino ndava nemakore 91, uye ndava chirikadzi. Handisisina simba serandaimbova naro. Asi ndinoverenga Bhaibheri zuva nezuva, ndinopinda misangano pandinenge ndichinzwa zviri nani, uye ndinonakidzwa nekubuda muushumiri pose pandinokwanisa.

Araceli: Sezvo ndaiva sista weRoma, ndinofarira kuparidzira vapristi nemasista andinosangana nawo muushumiri. Vakawanda vavo ndakavapa mabhuku nemagazini uye taitombokurukura. Ndichiri kuyeuka mumwe mupristi wandaishanyira tichikurukura. Akandiudza kuti: “Araceli, ndinonyatsobvumirana nezvamunodzidzisa, asi ndichaendepi nezera rangu iri? Vamwe vemuchechi uye vekumhuri kwangu vanozoti chii nazvo?” Ndakamupindura kuti: “Ko Mwari achatii?” Akagutsurira musoro akasuruvara, asi akanga asina ushingi hwekuramba achitsvaka chokwadi.

Ndinoyeuka chimwe chinhu chakaitika chakandifadza chaizvo muupenyu hwangu. Raiva zuva iro murume wangu akandiudza kuti aida kuenda neni kumusangano. Kubvira ipapo, haana kana musangano mumwe chete waakapotsa, kunyange zvazvo akanga apfuura makore 80. Akadzidza Bhaibheri, akava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Ndinogara ndichiyeuka kunakidzwa kwataiitwa muushumiri. Pasara mwedzi miviri kuti abhabhatidzwe, akabva afa.

Felisa: Chimwe chinhu chakanyanya kundifadza muupenyu hwangu kuona vanin’ina vangu vatatu avo vaimbondipikisa, vachiva hanzvadzi dzechiKristu. Takanga tava kunakidzwa nekuva pamwe chete tichitaura nezvaMwari wedu ane rudo Jehovha uye tichitaura nezveShoko rake. Ndinofara kuti ini nevanin’ina vangu takazobatana pakunamata Mwari. *

^ ndima 29 Araceli ane makore 87, Felisa ane 91, Ramoni ane 83, uye vachiri kushingaira kushumira Jehovha. Lauri akafa muna 1990, akatendeka kuna Jehovha.