Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaunofanira Kuziva Nezvouroyi

Zvaunofanira Kuziva Nezvouroyi

Zvaunofanira Kuziva Nezvouroyi

UROYI hwamazuva ano hwakaoma kurondedzera. Izvi imhaka yokuti vaya vanohuita vakasiyana-siyana kwazvo. Havana chiremera chinodzora kana dzidziso kana bhuku dzvene zvinobatanidza chinotendwa. Vanosiyanawo mutsika, musangano, mitambo yechitendero, uyewo mumafungiro pakuti ndivanamwari vapi vanofanira kukudzwa. Mumwe munyori anoti: “Nyika yezvemashiripiti inopa munhu ‘musika wemadiro’ epfungwa.” Mumwe anoti: “Vakawanda vevanonamata Chihedheni Chekare havabvumirani pachinenge chinhu chiri chose.”

Nokuda kwevakawanda, kupokana hakusi chinetso. Rimwe bhuku rinotungamirira vanoda kuva varoyi rinoti: “Kana wanangana nemashoko anoita seanopokana, ongorora mashoko acho uye sarudza zvaunoda kusarudza. Teerera mwoyo wako. Nemamwe mashoko, inzwa wakasununguka kusarudza zvaunonzwa kuti zvakarurama pakati pemabhuku etsika anobudiswa.”

Kune vaya vanoziva chiri chokwadi, kupokana kwakadaro chinetso. Ichi ichokwadi, icho chiri chinhu chaicho. Zvinhu hazvisi zvechokwadi chete nokuti munhu anonzwa kana kuti anotarisira kana kutenda kuti ndezvechokwadi. Somuenzaniso, pane imwe nguva vanachiremba vaitenda kuti vaigona kurapa mabayo nokucheka huku mhenyu kuva mativi maviri voisa nhindi dzacho pachipfuva chomurwere. Hapana mubvunzo kuti, varwere vakawanda chokwadi vaitenda izvozvo kuti mushonga uyu waizovarapa. Zvisinei, zvavaitenda nezvavaitarisira, zvakanga zvisingatsinhirani nechokwadi—kuita izvozvo hakurapi mabayo. Vanhu havaumbi chokwadi; vanovavarira kuchinzwisisa.

Bhaibheri rinoti rine chokwadi nezvezvinhu zvomudzimu. Jesu Kristu, paaiva pasi pano, mumunyengetero kuna Baba vake akati: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Vakawanda vanoroya havabvumirani nazvo. Asi, vanotsvaka kufuridzirwa uye kutungamirirwa nengano, zvitendero zvekare, uye kunyange nesayenzi yokunyepera. Zvisinei, hazvina musoro here kumbocherechedza zvinotaura Bhaibheri? Pashure pezvose, rinozivikanwa kunenge kwose kwose sebhuku dzvene. Rimwewo remabhuku echitendero ekare kwazvo rakapukunyuka. Bhaibheri rakanyorwa munguva yemakore anopfuura 1 600, asi rinotsinhirana mudzidziso dzaro dzose. Ngatienzanisei dzidziso dzeBhaibheri nezvimwe zvinotendwa zvakajairika zviri kutaurwa panguva ino nevaya vanosimudzira uroyi.

Ndivanaani Vanogara Munyika yoMudzimu?

Mubvunzo unokosha pakutsvaka kunzwisisa zvomudzimu ndowokuti, Ndiani anogara munyika yomudzimu? Kunyange zvazvo varoyi vakawanda vamazuva ano vari vateveri vechitendero chakangogara chiripo, chevanonamata vanamwari vakawanda, vamwe vanonamata mwarikadzi mukuru, anoonekwa mumativi matatu oumhandara, amai, uye chembere, anomiririra nguva dzinokosha dzoupenyu. Mudiwa wake ndimwari ane nyanga. Vamwe varoyi vanonamata mwari namwarikadzi pamwe chete. Mumwe munyori anoti: “Mwarikadzi naMwari vanoonekwa sevanoratidza simba rechikadzi nerechirume romusikirwo. Mumwe nomumwe [ane] zvinhu zvakasiyana nezvomumwe zvokuti pazvinobatanidzwa zvinoguma netsinhirano yokusikwa kwoupenyu.” Mumwe munyori anonyora kuti: “Chimwe chinhu chinokosha kwazvo pazvisarudzo muUroyi kusarudza kwako vanamwari (Vanamwari/Vanamwarikadzi) vauchashanda navo. . . . Sangano rinokupa rusununguko rwokusarudza uye zvadaro kukudza Vanamwari vako pachako.”

Bhaibheri haritsigiri pfungwa chero ipi zvayo pane idzi. Jesu Kristu akapedzera ushumiri hwake hwose achidzidzisa vamwe nezvaJehovha, “Mwari wechokwadi bedzi.” (Johani 17:3) Bhaibheri rinoti: “Jehovha mukuru, unofanira kurumbidzwa kwazvo; iye unofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo.”—1 Makoronike 16:25, 26.

Zvakadini naDhiyabhorosi? Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary rinorondedzera uroyi so“kukurukurirana nadhiyabhorosi.” Zvaizova zvakaoma nhasi kuwana muroyi anobvumirana nerondedzero iyi, nokuti vakawanda havabvumi kunyange kuvapo kwaSatani Dhiyabhorosi. Mumwe mukadzi muduku, akatsanangurwa muThe Irish Times so“muroyi mukuru uye mutungamiriri wechimwe chikwata chevaroyi chinozivikanwa kwazvo muIreland,” anotaura nenzira iyi: “Kutenda muna Dhiyabhorosi kunoreva kubvuma chiKristu . . . [Dhiyabhorosi] haangagari muchadenga musina Mwari.”

Bhaibheri rinosimbisa kuvapo kwaDhiyabhorosi uye rinomupomera sehonzeri yokutambura nokusagadzikana kwakawanda kwazvo panyika. (Zvakazarurwa 12:12) Jesu haana kungodzidzisa kuti Dhiyabhorosi aripo asiwo akaratidza kuti zvinobvira kuita kuda kwaDhiyabhorosi tisingazivi. Somuenzaniso, vatungamiriri vezvitendero vanozviruramisa vomuzana remakore rokutanga vakazivisa kuti vaiva, munzira yakati, vanakomana vaMwari uye vaitenda kuti vaiita kuda kwaMwari. Jesu, aigona kunzwisisa zvaiva mumwoyo yavo, aiziva nenzira yakasiyana. Akavaudza zvakananga kuti: “Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi, uye munoda kuita kuda kwababa venyu.” (Johani 8:44) Uyezve, bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinoti Dhiyabhorosi “ari kutsausa pasi rose rinogarwa.”—Zvakazarurwa 12:9.

Mamwe Mashiripiti Akanaka Here?

Zvechokwadi, mashiripiti ave achiwanzofambidzana nezvinhu zvouroyi. * Vanhu vakawanda munguva yekare neyazvino vanotenda kuti mashiripiti anoitwa nevaroyi anoitirwa kukuvadza vamwe. Varoyi vanokudzwa nesimba ravo rokukonzera marwadzo makuru uye kunyange kuuraya nenzira yemashiripiti. Kubvira kare, varoyi vave vachipomerwa sehonzeri yezvinhu zvinenge zvenguva dzose zvomunyama, zvinosanganisira kurwara, rufu, uye kusakura zvakanaka kwezvirimwa.

Nhasi varoyi vanonyatsoramba kupomerwa kwakadaro. Nepo vachibvuma kuvapo kwepanguva nenguva kwomuroyi anokonzera zvakaipa, vakawanda vanoti mashiripiti avo anoitirwa kubatsira, kwete kukuvadza. VaWiccan vanodzidzisa kuti migumisiro yemashiripiti anozodzokera nekatatu kumunhu anoaita uye vanoti ichi chinhu chikuru chinoita kuti vasatuke. Mienzaniso yeanonzi mashiripiti anobatsira anosanganisira zvitsinga zvokuzvidzivirira, zvokuchenesa musha wako pamweya inokuvadza yakasiiwa nevaichimbogara ipapo, zvinoita kuti munhu adanane newe, zvinosimudzira kuporesa uye utano, zvinodzivisa kupererwa nebasa rako, uye kuwanisa mari. Nemhaka yesimba rakadaro rinotaurwa mune zvouroyi, hazvishamisi kuti hwazokurumbira kwazvo.

Zvisinei, Bhaibheri harisiyanisi pakati pemashiripiti akanaka nemashiripiti akaipa. Mumutemo wakapiwa Mosesi, Mwari akanyatsojekesa zvaanoda. Akati: “Hamufaniri kuita zvemashiripiti.” (Revhitiko 19:26, NW) Tinoravawo kuti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu . . . [“anoita zvemashiripiti,” NW] kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana n’anga, kana unobvunza masvikiro.”—Dheuteronomio 18:10, 11.

Nei Mwari akataura izvozvo? Hakusi kuti anoda kutinyima zvinobatsira. Jehovha akapa mitemo iyi kuvanhu vake nokuti aivada uye akanga asingadi kuti vave varanda vokutya uye vemashura. Asi, anokoka vashumiri vake kuti vamukumbire zvinhu zvavanoda. Ndiye Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Muapostora Johani akavimbisa vaaitenda navo kuti: “Zvinhu zvose zvatinokumbira tinogamuchira kuna [Mwari], nokuti tiri kuchengeta mirayiro yake uye tiri kuita zvinhu zvinofadza mumaziso ake.”—1 Johani 3:22.

Zvakadini Nemidzimu Yakaipa?

Varoyi vakawanda vanobvumirana neBhaibheri pashoko rino: Midzimu yakaipa iriko. Mune imwe rondedzero mutsigiri wouroyi anonyevera kuti: “Mimvuri iripo muchadenga: Iripo, munyika isingaoneki yakasiyana neyedu, ine zvisikwa zvipenyu. . . . Mashoko okuti ‘Dhimoni Duku’, ‘Mudzimu Wakaipa’ uye ‘Dhimoni’ akarurama chaizvo. Ine simba kwazvo. . . . Yakangwara kwazvo ndiyo inogona (kana mumwe munhu akabatsira zvakaringana kuivhurira musuo) kupinda munyika yedu. . . . Inogona kupinda mumuviri wako . . . , kunyange kutokudzora kusvika pamwero wakati. Hungu, izvi zvakangofanana chaizvoizvo nenyaya dzekare dzokubatwa nemaDhimoni.”

Munguva inotaurwa muBhaibheri, kubatwa nemadhimoni kwaitambudza vanhu munzira dzakasiyana-siyana. Vamwe vevaya vaibatwa nawo vaitadza kutaura, vamwe vaiva mapofu, vamwe vaipenga, uye vamwe vaiva nesimba rinopfuura revanhu. (Mateu 9:32; 12:22; 17:15, 18; Mako 5:2-5; Ruka 8:29; 9:42; 11:14; Mabasa 19:16) Pane dzimwe nguva marwadzo acho aiwedzerwa munhu paaibatwa nemadhimoni akawanda panguva imwe chete. (Ruka 8:2, 30) Saka, zvechokwadi pane chikonzero chakanaka nei Jehovha achinyevera vanhu vake kuti vasabatanidzwe mune zvouroyi nemimwe miitiro yezvinhu zvemashiripiti.

Chitendero Chiri Pachokwadi

Nhasi vakawanda vanoita zvouroyi nokuti hunoita sechitendero chisingakuvadzi, chine mutsa, chakagara chiripo. Mune dzimwe nzanga hwava kugamuchirwa. Hahutyiwi. Asi, kazhinji hwakaitwa chinhu chiduku. Munzvimbo umo kushivirira chitendero kunoita kuti vakawanda vagamuchire kunyange zvinotyisa kwazvo, uroyi hwava kuremekedzwa mupfungwa yakati.

Zvechokwadi, nyika yezvitendero yazova musika wemadiro apo vanhu vakasununguka kusarudza zvavanoona zvichizadzisa zvavanoda, kungofanana nokutenga kwaizoita munhu shangu. Kusiyana neizvozvo, Jesu akataura zvisarudzo zviviri chete. Akati: “Pindai nepasuo rakatetepa; nokuti mugwagwa unoenda mukuparadzwa wakafara uye wakapamhama, vakawanda ndivo vanopinda nawo; asi suo rakatetepa uye mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu,uye vashomanana ndivo vanouwana.” (Mateu 7:13, 14) Sezvingatarisirwa, takasununguka kusarudza nzira yokutevera. Asi sezvo nhau yedu yokurarama nokusingaperi iri mungozi, chisarudzo ichocho chinokosha kwazvo. Kuti tijekerwe mumudzimu, tinofanira kutevera nzira yechokwadi—nzira inowanwa muShoko raMwari chete, Bhaibheri.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 MuchiNgezi, vamwe vanoshandisa chiperengo chokuti “magick” kusiyanisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvouroyi uye zvinoitirwa pachikuva. Ona Mukai!, yaSeptember 8, 1993, peji 26, nyaya inoti “Mune Ngozi Here Mukushandisa Mashiripiti?”

[Mufananidzo uri papeji 5]

Nhasi vakawanda vanoona uroyi sechitendero chakagara chiripo chisingakuvadzi

[Mufananidzo uri papeji 6]

Mashiripiti ave achiwanzofambidzana nezvinhu zvouroyi

[Mufananidzo uri papeji 6]

Vanoita zvouroyi vari kuita kuda kwaDhiyabhorosi vasingazivi here?

[Mifananidzo iri papeji 7]

Bhaibheri rinoratidza nzira yechokwadi