Kushumira Nomweya Wose Pasinei Nemiedzo
Nyaya Youpenyu
Kushumira Nomweya Wose Pasinei Nemiedzo
YAKATAURWA NARODOLFO LOZANO
Ndakazvarirwa muMexico, muguta reGómez Palacio, kuDurango State, musi waSeptember 17, 1917. Kuchinja Kwezvematongerwe Enyika muMexico kwakanga kuri pakati chaipo. Kunyange zvazvo kuchinja kwezvematongerwe enyika uku kwakaguma muna 1920, kuvhiringidzika munzvimbo yataigara kwakapfuurira kwemakore akawanda pashure pacho, kuchiita kuti upenyu huome zvikuru.
IMWE nguva, Amai pavakaziva kuti kwaizova nokurwisana pakati pemauto evapanduki nevarwi, vakatipfigira mumba kwemazuva akawanda ini navakoma vangu vatatu nehanzvadzi dzangu mbiri. Taiva nezvokudya zvishoma, uye ndinoyeuka ndichihwanda pasi pomubhedha nehanzvadzi yangu duku. Pashure peizvozvo, Amai vakasarudza kuendesa isu vana kuUnited States, uko baba vangu vaizobatana nesu gare gare.
Takasvika muCalifornia muna 1926, nguva pfupi Kuderera Kukuru Kwemari kusati kwatanga muUnited States. Takafamba kwose kwose kwataigona tichitsvaka basa, kunzvimbo dzakadai seSan Joaquin Valley, Santa Clara, Salinas, uye King City. Takadzidza kushanda muminda uye kutanha marudzi ose emichero nemiriwo. Kunyange zvazvo uduku hwangu hwaiva huya hwokushanda zvakaoma, hwaiva nguva inofadza kwazvo muupenyu hwangu.
Kuwana Chokwadi cheBhaibheri
Muna March 1928, mumwe Mudzidzi weBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha, akatishanyira. Aiva murume ati kurei, anotaura chiSpanish ainzi Esteban Rivera. Musoro wekabhuku kaakasiya waiti, “Where Are the
Dead?,” wakandiorora, sezvakaitawo zvaiva mukati. Kunyange zvazvo ndaiva muduku, ndakatsvaka kudzidza Bhaibheri uye kusonganirana neVadzidzi veBhaibheri. Nokufamba kwenguva, amai nehanzvadzi yangu Aurora vakavawo varumbidzi vaJehovha vanoshingaira.Pakati pema1930, Horo yoUmambo yakavakwa muSan Jose kuitira ungano yomutauro wechiRungu. Sezvo vanhu vakawanda vaitaura chiHispanic vaishanda mumapurazi omunharaunda yacho, takatanga kuvaparidzira uye kuita navo Chidzidzo cheNharireyomurindi. Taiita izvi nokubatsira kweZvapupu zvaitaura chiHispanic zvokuSan Francisco, zvaiva kure nemakiromita 80. Nokufamba kwenguva, takanga tava ne60 vaipinda misangano yomutauro wechiSpanish muHoro yoUmambo yaiva muSan Jose.
Pakupedzisira, musi waFebruary 28, 1940, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura pagungano muSan Jose. Gore rakatevera racho, ndakagadzwa sapiyona, mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Zvadaro muna April 1943, ndakakumbirwa kutamira kuStockton, guta raiva kure nemakiromita 130, kuti ndiumbe ungano yomutauro wechiSpanish. Panguva iyoyo, ndaishumira somutariri anotungamirira weungano yechiRungu muSan Jose, uye ndaitarisirawo Zvapupu zvinotaura chiSpanish ikoko. Ndaronga kuti vamwe vatarisire mitoro iyi, ndakatamira kuStockton.
Kutendeseka Kunoedzwa
Kutanga muna 1940, ndaingoshevedzwa neboka rinosarudza vokushandira muchiuto, asi nguva yoga yoga zvandaisarudza nemhaka yehana zvairemekedzwa. United States ichangopinda muhondo yenyika yechipiri muna December 1941, kumanikidza kwaibva kuboka rinosarudza vokushandira muchiuto kwakawedzera. Pakupedzisira, muna 1944, ndakaiswa mujeri. Ndichimirira kutongwa, ndakaiswa muimba yaiva pasi pevhu inochengeterwa vapari vedzimhosva. Vaziva kuti ndaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, vakawanda vavo vakandibvunza mibvunzo yokuti mhosva dzavainge vapara dzaizoitei paukama hwavo naMwari.
Zvapupu zvomuSan Jose zvakandibhadharira bheroauti kuitira kuti ndisunungurwe, ndichimirira mutongo waiva mberi. Gweta romuLos Angeles raimirira kudzivirira vanenge vapomerwa mhosva dzine chokuita nekodzero dzevanhu rakabvuma nyaya yangu pasina mubhadharo. Mutongi wacho akasarudza kundisunungura zvichitsamira pakuti ndarega kupayona, ndashanda basa rokunyika, uye ndichinozviratidza kuzviremera zvehurumende mwedzi woga woga. Handina kubvuma chisarudzo ichocho, saka ndakatongerwa
makore maviri mutorongo rokuMcNeil Island muWashington State. Ikoko ndakashandisa nguva yangu kunyatsodzidza Bhaibheri. Ndakadzidzawo kutaipa. Makore maviri asati apera, ndakasunungurwa nemhaka younhu hwakanaka. Nokukurumidza ndakabva ndangoita gadziriro dzokupfuurira muushumiri hwoupiyona.Basa Rakawedzerwa
Muchando cha1947, ndakagoverwa kunoshanda nevanhu vaitaura chiSpanish muColorado City, Texas, nomumwe piyona. Asi kwaitonhora kwazvo zvokuti takaenda kuSan Antonio kwataikwanisa kuwana mamiriro okunze anodziya. Zvisinei, ikoko kwakanaya zvikuru zvokuti ushumiri hwedu hwepasuo nesuo hwakavhiringidzwa. Mari yedu yakapera nokukurumidza. Kwevhiki dzakawanda taidya masangweji emakabheji mambishi netii yealfalfa. Mumwe wangu akadzokera kumusha, asi ini ndakagarako. Zvapupu zvaitaura chiRungu pazvakaziva kuti ndakanga ndichishayiwa zvokurarama nazvo, zvakatanga kundibatsira.
Chirimo chakatevera, ndakadzokera kubasa rangu muColorado City, uye pakupedzisira ungano duku yomutauro wechiSpanish yakaumbwa. Zvadaro ndakatamira kuSweetwater, muTexas, kwandakabatsira kuumba imwe ungano yomutauro wechiSpanish. Ndiri kuSweetwater, ndakatambira tsamba yaindikoka kupinda kirasi yechi15 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi chokurovedza mamishinari chakatanga musi waFebruary 22, 1950. Ndapedza kudzidza chirimo ichocho pakokorodzano yemarudzi ose muYankee Stadium yokuNew York City, ndakaramba ndiri padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn kwemwedzi mitatu. Ikoko ndakarovedzwa basa randaizoita kuhofisi yebazi reMexico.
Basa muMexico
Ndakasvika muMexico City musi waOctober 20, 1950. Dzinenge vhiki mbiri gare gare, ndakagadzwa kuva mutariri webazi, basa randakaita kwemakore mana nehafu. Ruzivo rwandakanga ndawana muushumiri hwoupiyona, mutorongo, kuGiriyedhi, uye kuBrooklyn rwakabatsira chaizvo. Pandakasvika muMexico, ndakakurumidza kuona kudiwa kwokuvaka mumudzimu hama nehanzvadzi dzedu dzomuMexico. Paiva nokudiwa kukuru kwokudzibatsira kuti dzirambire pazvinodiwa zvakakwirira zveShoko raMwari.
Munyika dzokuLatin-America, kusanganisira Mexico, yaiva tsika kuti vaviri vagare pamwe chete vasina kuroorana zvepamutemo. Zvitendero zvechiKristudhomu, kunyanya Chechi yeRoma Katurike, zvakanga zvabvumira tsika iyi isiri yepamagwaro kupararira. (VaHebheru 13:4) Saka, vamwe vakanga vava nhengo dzeungano dzeZvapupu zvaJehovha, kunyange zvazvo vakanga vasina kuroorana zvepamutemo. Gadziriro zvino yakaitwa nokuda kwevakadaro kuti vapiwe mwedzi mitanhatu yokugadzirisa zvinhu. Dai vairega kudaro vaisazoonekwa seZvapupu zvaJehovha.
Kune vakawanda, kugadzirisa upenyu hwavo kwaiva nyore. Vaingoda kuita kuti ukama hwavaiva nahwo huve hwepamutemo nokuroorana. Vamwe vaiva nemamiriro ezvinhu akanga akaoma kwazvo. Somuenzaniso, vamwe vakanga varoora kana kuroorwa kaviri, kunyange katatu, vasina kumbodimbura muchato zvepamutemo. Mamiriro ezvinhu omuchato evanhu vaJehovha paakaenderana nedzidziso dzeShoko raMwari pakupedzisira, zvikomborero zvomudzimu zvakaisvonaka zvakavapo muungano.—1 VaKorinde 6:9-11.
Mumazuva iwayo mwero wedzidzo muMexico wakanga wakaderera. Kunyange pandakanga ndisati ndasvika muna 1950, hofisi yebazi yakanga yatanga kuronga makirasi okuverenga nokunyora muungano. Zvino makirasi iwaya akarongwazve, uye gadziriro dzakaitwa kuti anyoreswe kuhurumende. Kubvira muna 1946, pakatanga kuchengetwa zvinyorwa, vanhu vomuMexico vanodarika 143 000 vakadzidziswa kuverenga nokunyora mumakirasi aiitiswa neZvapupu!
Mitemo muMexico yakanga yakanyanya kuoma pane zvine chokuita nechitendero. Zvisinei, mumakore achangopfuura, pave pane kuchinja kunokosha munyaya iyi. Muna 1992 mutemo mutsva wakadzikwa panyaya dzechitendero, zvokuti muna 1993, Zvapupu zvaJehovha muMexico zvakanyoreswa sesangano rechitendero.
Kana ndirini kuchinja ikoku kwave kuchindiita kuti ndifare zvikuru, chimwe chinhu chandingadai ndakafunga kuti hachiitiki munguva yekare. Kwemakore akawanda, ndaingoramba ndichishanyira mahofisi ehurumende uye ndakatarisana nokunyumwirwa kwakati. Zvisinei, zvakanaka kwazvo kuona kuti mamiriro ezvinhu akadai akagadziriswa sei neDhipatimendi reMitemo riri pahofisi yedu yebazi, zvokuti iye zvino hatichanyanyi kuvhiringidzwa mubasa redu rokuparidza.
Kushumira Nomumishinari Wandakaroorana Naye
Pandakasvika muMexico, paitova nevakawanda vakapedza kudzidza mumakirasi okutanga eGiriyedhi munyika yacho. Mumwe waivava aiva Esther Vartanian, Chapupu chechiArmenia chakanga chatanga kupayona muVallejo, California, muna 1942. Takaroorana musi waJuly 30, 1955, uye tadaro takapfuurira tiri mubasa redu muMexico. Esther akaramba ari mubasa roumishinari muMexico City, uye takagara pabazi, pandakapfuurira kushanda.
Muna 1947, Esther akanga asvika pabasa rake rokutanga roumishinari muMonterrey, Nuevo León, kuMexico. MuMonterrey maingova neungano imwe yaiva neZvapupu 40, asi nenguva yaakazochinjirwa kuMexico City muna 1950, makanga mava neungano ina. Pabazi redu riri pedyo neMexico City, nhasi pane vazukuru vaviri vechiduku vemhuri dzakadzidza Bhaibheri naEsther paaishumira muMonterrey.
Kare muma1950 ndima yemamishinari yokuparidza muMexico City yaisanganisira chikamu chikuru cheguta racho. Vaifamba ndima yavo netsoka kana kuti nemabhazi akare vanhu mavaiita zvokutsvikinyidzana. Pandakasvika nzvimbo iyoyi 1950 ava kunopera, maiva neungano nomwe. Zvino idzodzi dzawedzera kusvika padzinenge 1 600, nevaparidzi voUmambo vanopfuura 90 000 nokure muMexico City, uye gore rapera, vanhu vanopfuura 250 000 vakapinda Chirangaridzo
Chorufu rwaKristu ikoko! Mumakore ose iwaya, ini naEsther takava neropafadzo yokushumira mune dzakawanda dzeungano idzodzi.Ini naEsther patinotanga chidzidzo cheBhaibheri, tinowanzoedza kuti baba vemhuri yacho vafarire kuitira kuti mhuri yose ibatanidzwe. Saka, takaona mhuri dzakawanda huru dzichiuya kuzoshumira Jehovha. Ndinodavira kuti chimwe chezvikonzero nei kunamata kwechokwadi kuchikurumidza kukura muMexico ndechokuti mhuri dzose zvadzo dzinowanzobatana pamwe chete mukunamata kwechokwadi.
Jehovha Akomborera Basa
Kubvira muna 1950 kubudirira kwebasa muMexico kwave kuchinyatsooneka, mune zvine chokuita nokuwedzera kwenhamba nokuchinja kwesangano. Ndinofara zvechokwadi kuti ndakabatanidzwawo munzira duku mukuwedzera uku, kushanda nevanhu vakadaro vanopa uye vanofara.
Karl Klein, anoshanda senhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, nomudzimai wake, Margaret, vakatishanyira pavaiva pazororo makore anoverengeka apfuura. Hama Klein vaida kuzvinzwira kuti basa racho mundima yedu yomuMexico raifadza sei, saka ivo naMargaret vakashanyira Ungano yeSan Juan Tezontla, iri pedyo neMexico City, kwataipindira panguva iyoyo. Horo yedu yaiva duku, ine upamhi hwemamita 4, 5 uye urefu hwemamita 5, 5. Patakasvika, vanenge 70 vakanga vatovapo, uye pakanga pasina kana nenzvimbo yokumira. Vakura vakanga vakagara pazvigaro, vechiduku pamabhenji, uye vana vaduku pazvidhinha kana kuti pasi.
Hama Klein vakaororwa kwazvo nokuti vana vose vaitova nemaBhaibheri avo, vachitarirawo magwaro omuBhaibheri pamwe nomukurukuri. Hurukuro yavose yapera, Hama Klein vakataura Mateu 13:19-23 ndokubva vati muMexico makanga mune i“vhu rakanaka kwazvo” rakataurwa naJesu. Iye zvino, vana vanomwe pane vaivapo musi iwoyo vari kushanda muchirongwa chikuru chokukudza zvivako zvebazi redu riri pedyo neMexico City. Mumwezve anoshanda paBheteri, uye vamwe vakawanda mapiyona!
Pandakasvika muMexico City, paingova nenhengo 11 pabazi redu. Iye zvino tava nevanenge 1 350 vari kushanda panzvimbo yacho, vanenge 250 vavo vari kuvaka zvivako zvitsva zvebazi. Kana basa rose iri rapera, zvichida muna 2002, tichakwanisa kuwanira vamwezve vanenge 1 300 pokugara muzvivako zvedu zvakawedzerwa. Kufunga kuti muna 1950 taiva nevaparidzi voUmambo vashoma zvokusapfuura 7 000 munyika yose, asi iye zvino tava nevanopfuura 500 000! Mwoyo wangu unopfachukira nomufaro kuona nzira iyo Jehovha akomborera nayo zviri kuitwa nehama dzedu dzinozvininipisa dzomuMexico, dzinoshanda zvakaoma kumurumbidza.
Kutarisana Nechinetso Chikuru
Chimwe chezvinetso zvangu zvikuru chakazouya gare gare urwere. Kungotaurawo, ndaiva munhu ane utano hwakanaka. Asi muna November 1988, ndakava nesitiroko yakakanganisa simba rangu romuviri zvikuru. Ndinoonga Jehovha nokuti nokurovedza muviri uye nedzimwe nzira dzokurapwa, ndava noutano hwakanaka kusvika pamwero wakati, asi dzimwe nhengo dzomuviri wangu hadzinyatsoiti zvandinoda kuti dziite. Ndinopfuurira kurapwa uye kutarisirwa nemishonga kuti ndisanyanye kubandwa nomusoro uye zvimwe zvinetso zvichiripo.
Kunyange zvazvo ndisingachaiti zvakawanda sezvandaizoda kuita, ndinogutsikana nokuziva kuti ndave ndichikwanisa kubatsira vakawanda kudzidza nezvezvinangwa zvaJehovha uye kuti vave vashumiri vake vakazvitsaurira. Ndinofarirawo kutaura nehama nehanzvadzi dzangu dzechiKristu dzakawanda sezvinobvira padzinoshanyira bazi redu; ndinonzwa kuti tose tinokurudzirwa.
Kuziva kuti Jehovha anoonga basa ratinomuitira uye kuti zvatakaita hazvisi pasina kwave kuchindikurudzira zvikuru. (1 VaKorinde 15:58) Pasinei zvapo nezvandisingachagoni kuita uye urwere, ndakaisa pamwoyo mashoko aVakKorose 3:23, 24 anoti: “Zvose zvamunoita, zvishandei nemweya wose sokuna Jehovha, kwete kuvanhu, nokuti munoziva kuti muchawana mubayiro wakafanira wenhaka kubva kuna Jehovha.” Ndichichengeta zano iri, ndakadzidza kushumira Jehovha nomweya wose pasinei nemiedzo.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Muna 1942 pandaiva piyona
[Mufananidzo uri papeji 24]
Mudzimai wangu akatanga basa rake roumishinari muMexico muna 1947
[Mufananidzo uri papeji 24]
NaEsther nhasi
[Mifananidzo iri papeji 26]
Kumusoro nechokuruboshwe: Mhuri yedu yeBheteri muMexico muna 1952, ini ndiri pamberi
Pamusoro: Vanopfuura 109 000 vakaungana munhandare iyi yomuMexico City nokuda kwekokorodzano yoruwa muna 1999
Pasi nechokuruboshwe: Zvivako zvedu zvitsva zvebazi zvava kuda kupera zvino