Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinofara uye Ndinoonga Kunyange Zvazvo Ndakarasikirwa Zvinorwadza

Ndinofara uye Ndinoonga Kunyange Zvazvo Ndakarasikirwa Zvinorwadza

Nyaya Youpenyu

Ndinofara uye Ndinoonga Kunyange Zvazvo Ndakarasikirwa Zvinorwadza

YAKATAURWA NANANCY E. PORTER

Waiva musi waJune 5, 1947, ari manheru aidziya muBahamas, zvitsuwa zviri kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweUnited States. Mukuru mukuru anoona nezvokupinda kwevanhu munyika akashanyira ini nomurume wangu, George, tisingatarisiri. Akatipa tsamba yaiti takanga tisingachabvumirwi kugara muzvitsuwa zvacho uye kuti taifanira “kubva munzvimbo yacho pakarepo!”

INI naGeorge taiva mamishinari eZvapupu zvaJehovha akatanga kuuya kuNassau, guta guru muBahamas. Takanzi tiuye kuno patakapedza kudzidza mukirasi yechisere yeGiriyedhi, chikoro chemamishinari chaiva nechokuchamhembe kweNew York. Chii chatakanga taita kuti tibva tavengwa kudaro, tangogara mwedzi mitatu chete? Uye sei ndichiri kuno, nepo kwatopfuura makore anodarika 50 nokure?

Kudzidzira Ushumiri

Baba vangu, Harry Kilner, ndivo vakanyanyoita kuti upenyu hwangu huve sezvahwava. Vakandigadzira muenzaniso wakaisvonaka, vachirega zvinhu zvakawanda kuti vave mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo utano hwavo hwakanga husina kunaka, vaienda kunoparidza kunenge kupera kwevhiki kwose, vachishingaira kuisa zvinhu zvoUmambo pakutanga. (Mateu 6:33) Takanga tisina mari yakawanda, asi chitoro chavo chebhutsu chaiva musimboti webasa rezvokunamata muLethbridge, Alberta, muCanada, kuma1930. Zvandinotanga-tanga kuyeuka ndezvevashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha, vanonzi mapiyona, vaishanyira musha wedu vachitiudza zvavaisangana nazvo.

Muna 1943, ndakatanga basa rangu rokupayona pedyo neFort Macleod uye Claresholm, Alberta. Panguva iyoyo basa redu rokuparidza rakamiswa muCanada nemhaka yemashoko enhema aiparadzirwa nevashori muHondo Yenyika II. Ndima yedu yaiva yakareba makiromita 50 kumativi ose, asi nokuti taiva vaduku uye takasimba, zvakanga zvisingambotinetsi kuti tichovhe mabhasikoro kana kufamba netsoka kunosvika kumisha miduku nemapurazi zvaiva munharaunda yacho. Panguva iyi, ndaiva nomukana wokushanyira vakanga vadzidza kuGiriyedhi, uye zvavaiita zvakaita kuti ndinzwe ndichida kuva mumishinari.

Muna 1945, ndakaroorwa naGeorge Porter, aibva kuSaskatchewan, kuCanada. Vabereki vake vaiva vari Zvapupu zvinoshingaira kubvira muna 1916, uyewo iye akanga asarudza ushumiri hwenguva yakazara kuti rive basa rake. Mugove wedu wokutanga waiva musha wakaisvonaka weLynn Valley muNorth Vancouver, kuCanada. Pasati papera nguva refu takadanwa kuGiriyedhi.

Kwemakore ose aya ndakataura nevakadzidza muzvikoro zvechitendero zvakasiyana-siyana uye ndakaona kuti kudzidzira kwavo zvechitendero kwakaderedza sei kutenda kwavo muna Mwari uye muShoko rake, Bhaibheri. Kusiyana neizvi, zvatakadzidza kuGiriyedhi zvakarodza mano edu okufunga uye kupfuura zvose zvakasimbisa kutenda kwatinoita Jehovha Mwari neShoko rake. Vatakadzidza navo vakaendeswa kuChina, Singapore, India, nyika dziri muAfrica, South America, nokumwewo. Ndichiri kuyeuka mufaro wacho patakaziva kuti mugove wedu waiva muzvitsuwa zvinopisa zveBahamas.

Zvakaita Kuti Tirambe Tiriko

Rwendo rwedu rwokuBahamas rwaiva rupfupi kana ruchienzaniswa nenzendo dzakaitwa nevamwe vatakadzidza navo. Pasina nguva refu takanga tava kunakidzwa nemamiriro okunze anodziya, matenga ebhuruu, mvura yakasvibira, zvivako zvine ruvara rwakacheneruka, uye mabhasikoro asingaverengeki. Zvisinei, chokutanga-tanga chandinoyeuka zvikuru iboka duku revaimbi reZvapupu zvishanu zvakanga zvakatimirira pakasvika chikepe chedu. Takakurumidza kuziva kuti tsika dzokuno dzakanga dzakasiyana zvikuru nedzatakanga takajaira. Somuenzaniso, murume wangu akakumbirwa kuti arege kunditi mudiwa pane vanhu, sezvo shoko iroro richiwanzoshandiswa nevanodanana vasina kuroorana.

Kwapera nguva pfupi mufundisi akatipomera zvenhema kuti taiva vaKomonisiti, sezviri pachena achirwadziwa nokusonganirana kwataiita nevanhu takasununguka. Somugumisiro, takanzi tibude munyika yacho. Asi Zvapupu—zvaiva zvisingasviki 20 muzvitsuwa zvacho mazuva iwayo—zvakakurumidza kuwana zviuru zvevanhu zvakasayina chikumbiro chokuti tibvumirwe kugara. Saka, murayiro uya wokuti tibude wakachinjwa.

Kundima Itsva

Chokwadi cheBhaibheri chakakurumidza kumera mumwoyo yaida Mwari, saka mamwe mamishinari eGiriyedhi akatumirwa kuBahamas. Ipapo muna 1950, hofisi yebazi yakatangwa. Pashure pemakore gumi, Milton Henschel, nhengo yevashandi vepadzimbahwe reBrooklyn, New York, akashanyira Bahamas ndokubvunza mamishinari kana paiva neaida kuenda kundotanga basa rokuparidza pane chimwe chitsuwa cheBahamas. Ini naGeorge takazvipira, ndokubva tatanga kugara paLongIsland tikazopedza makore 11 tiripo.

Chitsuwa ichi, chimwe chezvakawanda zvinoumba Bahamas, chakareba makiromita 140 uye chakafara makiromita 6, uye mumazuva iwayo, chakanga chisina madhorobha chaiwoiwo. Guta guru racho, Clarence Town, raiva nemisha inenge 50. Upenyu hwaiva hwakasaririra zvikuru—pasina magetsi, mvura yomupombi, kana pokubikira mumba kana kuti pombi dzinopinza mvura mumba. Saka taifanira kuchinjira kune hunonzi upenyu hwepachitsuwa chiri kure. Kuno vanhu vainyanya kufarira kukurukura nyaya youtano. Takadzidza kuti kana tichimhoresa hatifaniri kubvunza kuti, “Muri kunzwa sei nhasi?” nokuti munhu aizoguma ava kutorondedzera marwarire ake ose aakaita.

Tainyanyopupurira mumakicheni nokuti kakawanda vanhu vaigona kuwanikwa mukicheni yavo iri kunze kwemba, inenge yakapfirirwa nouswa uye iine choto chehuni. Misha yacho yaiva yevarimi kana varedzi varombo asi vane mutsa zvikuru. Vakawanda vavo vaiva vechitendero asizve vachitenda mashura zvikuru. Zviitiko zvisina kujairika zvaiwanzodudzirwa sezviratidzo.

Vafundisi vacho vaisambonyara kupinda mumisha yevanhu vasina kukokwa vachibvarura mabhuku eBhaibheri atakanga tasiya imomo. Saka vaityisidzira vakanga vasina kushinga, asi havasi vose vakavatya. Somuenzaniso, mumwe mukadzi akashinga ane makore 70 akaramba kutyisidzirwa. Aida kunzwisisa Bhaibheri pachake, uye akazova Chapupu pamwe chete nevamwe vanoverengeka. Sezvo takawana vanhu vakawanda vakafarira zvikuru, George aifanira kutyaira makiromita 300 mimwe misi yeSvondo, achibatsira vakadaro kupinda misangano yedu.

Mumwedzi yokutanga pakwaiva kusina zvimwe Zvapupu, ini naGeorge takachengetedza utano hwedu hwokumudzimu nokuita misangano yechiKristu yose nguva dzose. Uyezve, taitevera purogiramu yokushingaira kudzidza chidzidzo mumagazini yeNharireyomurindi uye kuverenga Bhaibheri manheru oMuvhuro woga woga. Taiverengawo magazini ose eNharireyomurindi neMukai! pataingoagamuchira.

Baba vangu vakafa pataiva paLong Island. Zhizha rakatevera, muna 1963, takaronga kuti Amai vauye kuzogara pedyo nesu. Kunyange zvazvo vakanga vachembera, vakachinja zvinonzwisisika ndokugara paLong Island kusvikira pavakafa muna 1971. Nhasi, Long Island ine ungano ine Horo yoUmambo itsva.

Muedzo Unorwadza Zvikuru

Muna 1980, George akaona kuti utano hwake hwakanga hwava kutanga kuipa. Naizvozvo ndipo pakatanga chimwe chezviitiko zvinorwadza zvikuru zvoupenyu hwangu—kuona murume wangu wandaida, wandaishanda naye, uye shamwari achiva nehosha yeAlzheimer. Unhu hwake hwose hwakachinja. Nguva yokupedzisira neyaishungurudza zvikuru yakatora makore mana asati afa muna 1987. Aindiperekedza kuushumiri nokumisangano pose paaikwanisa, kunyange zvazvo mazuva akawanda kutamburira kwake kwaindichemedza. Kuratidza kwaiita hama dzechiKristu rudo rukuru kwave kuchinyaradza zvechokwadi, asi ndichiri kumusuwa zvikuru.

Chimwe chinhu chaikosha zvikuru pakuroorana kwandanga ndakaita naGeorge kwaiva kukurukurirana kwakanaka kwataigara tichiita. Zvino George zvaasisipo, ndinoonga zvikuru kupfuura zvandaiita kare kuti Jehovha anoudza vashumiri vake kuti ‘varambe vachinyengetera,’ kuti ‘vapfuurire kunyengetera,’ uye vashandise “kunyengetera kworudzi rwose.” (1 VaTesaronika 5:17; VaRoma 12:12; VaEfeso 6:18) Zvinonyaradza kwazvo kuziva kuti Jehovha ane hanya nokugara kwedu zvakanaka. Ndinonyatsonzwa somunyori wepisarema akaimba kuti: “Ishe ngaaongwe, iye unotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe.” (Pisarema 68:19) Kufunga nezvezuva rimwe panguva, kubvuma kuti ndine zvandisingakwanisi kuita, uye kuonga zvikomborero zvandinowana zuva rimwe nerimwe, sezano rakapiwa naJesu, zvechokwadi ndiyo nzira yakanakisisa yokurarama.—Mateu 6:34.

Mibayiro Inofadza Youshumiri

Kuramba ndakabatikana muushumiri hwechiKristu kwakandibatsira kuti ndisaramba ndichifunga zvakanyanya nezvenguva yakapfuura. Saka ndinokwanisa kukurira mafungiro anogona kukonzera kuora mwoyo. Kudzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri kwave kuri chikonzero chaicho chokufara. Kunoita kuti ndigare ndichiita zvinhu zvokumudzimu nenzira yakarongeka, zvakaita kuti upenyu hwangu hutaridzike sezvahuri uye hudzikame.—VaFiripi 3:16.

Imwe nguva ndakaridzirwa runhare nomumwe mukadzi wandakaudza shoko roUmambo makore 47 akanga apfuura. Aiva mwanasikana wevamwe vatakatanga kudzidza navo Bhaibheri patakasvika muBahamas muna 1947. Amai vake, baba, uye hanzvadzi dzake dzose uye mukoma nomunun’una vose vakava Zvapupu zvaJehovha sezvakaita vakawanda vevana vavo nevazukuru. Kutaura zvazviri, nhengo dzinopfuura 60 dzemhuri yomukadzi uyu Zvapupu. Asi iye pachake haana kumbobvuma chokwadi cheBhaibheri. Zvisinei, iye zvino akanga azogadzirira kuva mushumiri waJehovha Mwari. Wazova mufaro kuona Zvapupu zvishomanana zvaiva muBahamas patakasvika ini naGeorge zvichiwedzera kupfuura 1 400!

Dzimwe nguva vanhu vanondibvunza kana ndisiri kusurukirwa nokusava nevana vangu pachangu. Chokwadi, kuva nevana kunogona kuva chikomborero. Asi, rudo rwandinoramba ndichiratidzwa nevana vangu vokumudzimu, vazukuru, uye vazukuru chibvi zvimwe ndechimwe chinhu chisiri kuwanikwa nevabereki vokubereka. Chokwadi, vaya vano“shandir[a] zvakanaka” uye vaka“pfum[a] pamabasa akanaka kwazvo” ndivo vanhu vanofara kudarika vamwe vose. (1 Timoti 6:18) Ndokusaka ndichiramba ndakabatikana muushumiri sezvinobvumirwa noutano hwangu.

Rimwe zuva ndiri muhofisi yachiremba wemazino, mumwe mukadzi wechiduku akauya pandaiva ndokuti, “Hamundizivi, asi ini ndinokuzivai, uye ndinongoda kukuudzai kuti ndinokudai.” Ipapo akapfuurira kurondedzera maziviro aakanga aita chokwadi cheBhaibheri uye kuonga kwaaiita kuti isu mamishinari takanga tauya kuBahamas.

Pane imwe nguva pandakadzoka kuzororo, ndakaona ruva riri pamukova kwandava kugara iye zvino pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muNassau. Raiva netsamba yakanzi, “Zvinofadza kuti madzoka kumusha.” Mwoyo wangu unofashukira nokuonga, uye unondiita kuti ndide Jehovha zvikuru pandinoona vanhu vakachinjwa neShoko, sangano uye mudzimu wake! Chokwadi, ruoko rwaJehovha runotsigira runowanzoratidzwa achishandisa vaya vakatipoteredza.

Kufashukira Nokuonga

Upenyu hwangu hwave husiri nyore nguva dzose, uyewo mativi ahwo haasi nyore iye zvino. Asi ndine zvakawanda zvokuonga—mufaro womuushumiri, rudo nechidakadaka zvehama nehanzvadzi dzechiKristu dzakawanda zvikuru, kutarisira kune rudo kwesangano raJehovha, chokwadi chakaisvonaka chiri muBhaibheri, tariro yokuva nevadiwa pavachamutswa, uye kuyeuka makore 42 okuroorana nomushumiri akatendeka waJehovha. Tisati taroorana, ndakanga ndanyengetera kuti nguva dzose ndizobatsira murume wangu kurambira muushumiri hwenguva yakazara, hwaaida zvikuru. Jehovha akapindura nomutsa munyengetero iwoyo. Saka ndinoda kuratidza kuonga kwangu Jehovha nokugarova akatendeka kwaari.

Bahamas inzvimbo yakakurumbira inosvikira vashanyi, vanopedza zviuru zvemadhora kuti vauye kuzofara vari munzvimbo dzinopisa. Zvandakaita chisarudzo chokunoshumira Jehovha chero kwandinenge ndaiswa nesangano rake, ndakafadzwa nokufamba kubva kumagumo ezvitsuwa izvi kusvika kune mamwe, ndichizivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Asi chinokosha zvikuru, ndasvika pakuziva uye kukoshesa rudo rwevanhu vokuBahamas vane ushamwari hwakaisvonaka.

Ndinoonga zvikuru vaya vakaunzira vabereki vangu chokwadi, avowo vakazodyara mupfungwa dzangu duku nomwoyo chido chakakura chokutanga kutsvaka Umambo hwaMwari. Nhasi vashumiri vaduku vaJehovha vangagamuchirawo zvikomborero zvakawanda kana vakapinda pa“musuo muhombe” unotungamirira kumikana yakaisvonaka youshumiri hwakawedzerwa. (1 VaKorinde 16:9) Iwewo uchafashukira nokuonga kana ukashandisa upenyu hwako kukudza “Mwari wavamwari,” Jehovha.—Dheuteronomio 10:17; Dhanieri 2:47.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Mubasa romumugwagwa muVictoria, B.C., muna 1944

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ini naGeorge takapinda Chikoro cheGiriyedhi muna 1946

[Mufananidzo uri papeji 25]

NaGeorge mberi kwomusha wemamishinari muNassau, Bahamas, muna 1955

[Mufananidzo uri papeji 26]

Musha wemamishinari muDeadman’s Cay, kwatakashanda kubva muna 1961 kusvika 1972