Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoda Hana Yakarovedzwa

Unoda Hana Yakarovedzwa

Unoda Hana Yakarovedzwa

Rairatidzika kuzova zuva raizogara richiyeukwa nevanhu vaiva vakatakurwa uye vashandi vomundege yeAir New Zealand Flight 901 yaienda kuAntarctica. Makamera akanga akatogadzirira kutora, uye vanhu vaiita kunge vari pamabiko sezvo DC-10 yakanga yoswedera pedyo nekondinendi chena iyi kuti isvike pazasi zasi panonyatsooneka kunaka kwayakaita nepamusoro.

KAPUTENI wacho, aiva achityaira ndege kwemakore 15, akanga ashanda maawa anopfuura 11 000 achityaira kubvira paakatanga basa rake. Asati asimuka nendege, akanga anyatsoisa mashoko ose emafambiro aaizoita mukombiyuta yomundege, asingazivi kuti manhamba aakanga apiwa anoratidza mafambiro aiva asina kururama. Ichibhururuka nomumakore pasi pemamita 600, ndege yacho yeDC-10 yakarovera nechomuzasi meGomo reErebus, ikauraya vanhu vose 257 vaivamo.

Sezvinongoitawo ndege mazuva ano kuti dzinotsamira pamakombiyuta kuti adzitungamirire dziri mudenga, vanhu vakapiwa hana kuti dzivatungamirire panzira yavo youpenyu. Uye tsaona yakaipisisa zvikuru yeFlight 901 inogona kutidzidzisa zvidzidzo zvine simba nezvehana yedu. Somuenzaniso, kubhururuka kwakanaka zvakunongotsamirawo pamichina inoshanda zvakanaka inobatsira kufamba kwendege uye kuchitungamirirwa nezvinyorwa zvakarurama, saizvozvowo utano hwedu mune zvokunamata, mutsika, uye kunyange hwemiviri yedu hunotsamira pakushanda kwakanaka kwehana inotungamirirwa nezvinyorwa zvakarurama mutsika.

Zvinosuruvarisa kuti zvinyorwa zvakadaro nhasi zviri kukurumidza kutsakatika kana kuti zviri kufuratirwa. “Nhasi uno tinonzwa zvakawanda nezvokusagona kuverenga nokunyora kwomukomana wechikoro muUnited States, uye kunetseka kwaanoita kuwana France pamepu,” anodaro mumwe mudzidzisi wokuAmerica. “Ichokwadiwo kuti ane chinetso chokusiyanisa chakarurama nechisina kururama. Pane kusagona kuverenga nokunyora masvomhu, panewo kuvhiringidzika kukuru mune zvetsika.” Akatiwo “nhasi vechiduku havajekerwi nomusiyano uri pakati pezvakanaka nezvakaipa. Bvunza mumwe wavo kuti kune zvinhu zvinonzi ‘zvakarurama nezvisina kururama’ here, unobva waona kuti anovhiringika, oshaya chokutaura, achitya, uye haatombozivi zvokuita. . . . Kuvhiringika uku kunowedzera panzvimbo pokuderera pavanongoenda kukoreji chete.”

Chimwe chinokonzera kuvhiringika uku maonero akapararira okuti tsika dzinosiyana-siyana zvichienderana nezvinodiwa nomunhu mumwe nomumwe kana kuti tsika dzekwaanobva. Imbofungidzira kuti chii chaizoitika dai vatyairi vendege vaifambisa ndege, kwete vachishandisa zvinyorwa zvisingachinji, asi vachishandisa zvikwangwani zvinobviswa chero nguva uye dzimwe nguva zvosavapo zvachose! Zviri pachena kuti tsaona dzakaita seiya yepaGomo reErebus dzingadai dzichingoitika. Saizvozvowo, nyika zvayakasiya mitemo yetsika isingachinji, iri kuramba ichikohwa zvakaipisisa matambudziko norufu sezvo mhuri dziri kuparadzwa nokusazvibata uye mamiriyoni ari kutambura neAIDS kana zvimwe zvirwere zvinotapuriranwa pabonde.

Pfungwa yokuti vanhu vamwe nevamwe vanozvisarudzira tsika dzavanoda inganzwika seyokuchenjera, asi chaizvoizvo vanoitevera vakafanana nevagari veNinivhi yekare vaisaziva “kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi.” Vane pfungwa yakadaro vakafanana nevaIsraeri vakaramba kutenda vaiti “zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa.”—Jona 4:11; Isaya 5:20.

Saka tingawana kupi mitemo nenheyo zvakajeka, zvatingarovedza nazvo hana dzedu kuti dzititungamirire zvisina ngozi? Mamiriyoni akaona kuti Bhaibheri rinoita izvozvo nenzira inogutsa zvakakwana. Kubva pakuzvibata kuenda patsika dzokushanda dzakanaka uye kubva pakurovedza vana kuenda pakunamata Mwari, Bhaibheri hapana charinosiya chinokosha. (2 Timoti 3:16) Rakaratidza kuti rakavimbika kwemazana emakore. Zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro petsika zvinoshanda kuvanhu vose nokuti zvakavambwa nechiremera chikuru zvikuru, Musiki wedu. Nokudaro hatina chikonzero chokurarama tisina chokwadi mune zvetsika.

Zvisinei, mazuva ano hana yako iri pangozi zvisati zvamboitika. Zvingadaro sei? Uye ungachengetedza sei hana yako? Nzira yakanaka yokutanga nayo kuziva anoiisa pangozi uye nzira dzaanoshandisa. Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.