Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Zuva Rokunzwawo Zvitendero Zvevamwe”

“Zuva Rokunzwawo Zvitendero Zvevamwe”

“Zuva Rokunzwawo Zvitendero Zvevamwe”

AORORWA nokukurukura kwaakanga aita neZvapupu zvaJehovha, mukuru wechimwe chikoro wechikadzi muPoland akaronga “Zuva Rokunzwawo Zvitendero Zvevamwe” pachikoro chake. Akaronga kuti vazvipiri pakati pevadzidzi vepachikoro—vaKaturike, vaBuddha, neZvapupu zvaJehovha—vagadzirire hurukuro pfupi dzokuita kuti vamwe vadzidzi vazive zvavanodavira nezvavanoita. Pwere nhatu dzeZvapupu zvaJehovha dzakabva dzazvipira pakarepo.

Pakasvika zuva racho, akatanga kukurukura ndiMalwina ane makore 15. Zvimwe zvezvaakataura ndeizvi: “Vazhinji venyu maitiziva tisati tambotanga kupinda pachikoro pano nokuti taishanya kumisha yenyu. Zvichida munonetseka kuti neiko tichiramba tichidaro. Chikonzero ndechokuti tinotevedzera muenzaniso waJesu Kristu, Muvambi wechiKristu. Akaparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kwose kwaiwanika vanhu. Vaapostora nevamwe vaKristu vepakuvamba vakadaro. Munzvimbo dzakawanda, Zvapupu zvaJehovha zvinotsungirira miedzo yakaoma yokutenda, asi tinofara kuti pachikoro pedu pane runyararo, rwamunoita kuti ruvepo mose. Tinokutendai mose nokudaro!”

Pamhedziso yehurukuro yake, Malwina akati: “Pane chimwe chikonzero nei tichishanya kumisha yenyu. Tine hanya nemi. Bhaibheri rinotaura kuti vanhu vava pedyo nokutarisana nezviitiko zvinotyisa nyika yose. Saka nguva inotevera patichagogodza pamba penyu, tapota teererai. Tinoda kukuudzai magariro atingaita pamwe chete nokusingaperi muparadhiso pasi pano.”

Mukurukuri akatevera aiva Mateusz, ane makore 15 zvakare. Mateusz akaudza vateereri vake kuti mumakore ose aya, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa nzira dzakasiyana-siyana kuparadzira mashoko akanaka. Somuenzaniso, muna 1914—mazuva akwaiva nemabhaisikopo asina mashoko—Zvapupu zvairatidza “Photo-Drama of Creation,” bhaisikopo remifananidzo nemasiraidhi raisanganisira mashoko aienderana nemifananidzo.

Mateusz akakurukura basa rakaitwa neredhiyo pakuparadzira shoko roUmambo ndokuzorondedzera purogiramu yekombiyuta yakagadzirwa neZvapupu zvaJehovha inoita kuti mabhuku abudiswe mumitauro yakawanda inonzi multilanguage electronic phototypesetting system (MEPS). Akatsanangurawo mabatsiriro akaita Zvapupu zvaJehovha vanachiremba nezvokurapa pasina kuwedzera ropa. Akati, “Iye zvino vanachiremba vakakurumbira vomuPoland vanotaura zvakanaka nezvechisarudzo chedu uye vanosimbisa kuti gore negore varwere vakawanda vasiri Zvapupu vari kuvhiyiwa pasina kuwedzerwa ropa.”

Mateusz akapedzisa nokutaura nezvokuvakwa kweDzimba dzoUmambo ndokuzoti: “Mungada kuuya kwatinonamatira here? Munopinda pachena, uye hapana mari inounganidzwa.” Achitaura nezvepokupindira kokorodzano muSosnowiec, Mateusz akati: “Munofanira kuona chivako chikuru ichi uye chine basa zvikuru. Tadii kuenda tose? Tine rimwe zano, uye Katarzyna achakutaurirai nezvaro.”

Kwakazotevera Katarzyna ane makore 15 uye akataura nomufaro kuti: “Munokokwa kuzopinda kokorodzano yoruwa yeZvapupu zvaJehovha kuSosnowiec. Nyaya dzine chokuita nevechiduku dzichakurukurwa.” Katarzyna akataurawo nezvezuva rinokosha zvikuru rinochengetwa nevaKristu—Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu. Akakurudzira vateereri vake achiti: “Gore rakapera vanhu vanopfuura mamiriyoni 14 nyika yose vakachipinda. Madii kubatana nesu nguva inotevera?”

Mushure mehurukuro dzavo, Malwina, Mateusz, naKatarzyna vakapa vadzidzisi vavo bhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari pamwe chete nemavhidhiyo maviri anotaura nezvemabasa nezvinodavirwa neZvapupu zvaJehovha. * Vadzidzisi vakaabvuma nokuonga ndokuvimbisa kuzoashandisa mumakirasi enhau dzekare.

Pashure pepurogiramu yacho, Martyna ane makore 12 akaimbira vose vakanga vakaungana rwiyo rune musoro unoti “Tinokuongai, Jehovha.” Zvapupu zvechiduku izvi ‘zvakava zvisingatyi naMwari wazvo’ ndokupa uchapupu hwakazonaka. (1 VaTesaronika 2:2) Muenzaniso wakazonaka kuZvapupu zvechiduku kwose kwose!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Katarzyna achisarudza magwaro ehurukuro yacho

[Mufananidzo uri papeji 26]

Malwina achigadzirira hurukuro yacho mazuva mashomanana asati aipa kuchikoro