Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Lucifer Izita Rinoshandiswa neBhaibheri Kureva Satani Here?

Zita rokuti Lucifer rinowanikwa kamwe chete muMagwaro muchingova mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri chete. Somuenzaniso, King James Version pana Isaya 14:12 inoti: “Wawa sei kudenga, Haiwa Lucifer, mwanakomana wemangwanani!”

Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “Lucifer” rinoreva kuti “anopenya.” Shanduro yeSeptuagint inoshandisa shoko rechiGiriki rinoreva kuti “anounza mambakwedza.” Saka dzimwe shanduro dzinoshandura chiHebheru chepakutanga kuti “nyamasase.” Asi Latin Vulgate yaJerome inoshandisa “Lucifer” (mutakuri wechiedza), uye izvi zvinotsanangura chikonzero nei zita iroro richiwanikwa mushanduro dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri.

Lucifer uyu ndiani? Shoko rokuti “anopenya,” kana kuti “Lucifer,” rinowanikwa mune zvakataurwa naIsaya nenzira youprofita kuvaIsraeri kuti vazivise ‘sechirevo pamusoro pamambo weBhabhironi.’ Saka, ndokumwe kwokutaura kwainangidzirwa zvikurukuru kuimba youmambo yeBhabhironi. Rondedzero yokuti “anopenya” inopiwa kumunhu wenyama kwete kuchisikwa chomudzimu inoonekazve mumashoko okuti: “Uchaderedzwa kusvikira paSheori.” Sheori iguva romunhu wose—kwete nzvimbo inogarwa naSatani Dhiyabhorosi. Uyezve, vaya vanoona Lucifer achiiswa mumamiriro akadai ezvinhu vanobvunza kuti: “Ko uyu ndiye munhu waidederesa nyika, waizunungusa ushe” here? Zvakajeka kuti “Lucifer” anoreva munhu wenyama, kwete chisikwa chomudzimu.—Isaya 14:4, 15, 16.

Nei rondedzero yakakurumbira kudaro ichipiwa kuimba youmambo yeBhabhironi? Tinofanira kuziva kuti mambo weBhabhironi aifanira kunzi anopenya chete pashure pokuwa, uye uku kuri kutsvinya. (Isaya 14:3) Rudado rune udyire rwakakurudzira madzimambo eBhabhironi kuti azvisimudzire pamusoro pevaya vakanga vakavapoteredza. Imba youmambo iyi yaidada kwazvo zvokuti inorondedzerwa ichizvikudza ichiti: “Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo reungano, pamigumo yemativi okumusoro. . . . Ndichazvienzanisa noWokumusoro-soro.”—Isaya 14:13, 14.

“Nyeredzi dzaMwari” ndiwo madzimambo edzinza roumambo raDhavhidhi. (Numeri 24:17) Kubva pana Dhavhidhi zvichienda mberi, “nyeredzi” idzi dzakatonga dziri paGomo reZiyoni. Soromoni avaka temberi muJerusarema, zita rokuti Ziyoni rakatanga kushanda kuguta racho rose. MuSungano yoMutemo, vaIsraeri vose vechirume vaisungirwa kuenda kuZiyoni katatu pagore. Saka, rakava “gomo reungano.” Nebhukadhinezari ari kuzivisa mafungiro ake okuzvikwidziridza pamusoro pe“nyeredzi” idzodzo, kuburikidza nokutsunga kukurira madzimambo eJudha obva avabvisa pagomo iroro. Pane kupa Jehovha mbiri nokuda kwokuvakunda, nokudada anozviisa panzvimbo yaJehovha. Saka paiva pashure pokunge awisirwa pasi apo imba youmambo yeBhabhironi inonyombwa ichinzi “anopenya.”

Zvechokwadi rudado rwevatongi veBhabhironi rwakaratidza mafungiro a“mwari wegadziriro ino yezvinhu”—Satani Dhiyabhorosi. (2 VaKorinde 4:4) Iyewo anochiva simba uye anosuwa kuzviisa pamusoro paJehovha Mwari. Asi Lucifer harisi zita iro Magwaro anopa kuna Satani.

Nei 1 Makoronike 2:13-15 ichitaura kuti Dhavhidhi mwanakomana waJese wechinomwe, nepo 1 Samueri 16:10, 11 ichiratidza kuti aiva wechisere?

Mambo Sauro weIsraeri yekare paakanga atsauka pakunamata kwechokwadi, Jehovha Mwari akatuma muprofita Samueri kunozodza mumwe wevanakomana vaJese kuti ave mambo. Chinyorwa cheBhaibheri chenhau iyi, yakanyorwa naSamueri pachake muzana remakore rechi11 B.C.E., chinoti Dhavhidhi mwanakomana waJese wechisere. (1 Samueri 16:10-13) Asi, nhoroondo yakanyorwa naEzra mupristi makore 600 akazotevera inoti: “Jese akabereka mwana wake wedangwe Eriabhi, tevere Abhinadhabhi wechipiri, naShimea wechitatu; naNetaneri wechina, naRadhai weshanu; naOzemi wetanhatu, naDhavhidhi wechinomwe.” (1 Makoronike 2:13-15) Chii chakaitika kune mumwe wemadzikoma aDhavhidhi, uye nei Ezra achisiya zita rake?

Magwaro anoti Jese “wakanga ane vanakomana vasere.” (1 Samueri 17:12) Zviri pachena kuti mumwe wevanakomana vake haana kurarama kwenguva yakareba zvokusvika pakuroora ndokuva nevana. Nokuda kwokuti akanga asina vana, aisagona kukambira nhaka yedzinza kana kuti kuva noukoshi hupi nohupi muzvinyorwa zvorudzi rwedzinza raJese.

Zvino ngatifunge nezvezuva raEzra. Chimbofunga mamiriro akanga akaita zvinhu paakanyora Makoronike. Kutapwa neBhabhironi kwakaguma anenge makore 77 zvisati zvaitika, uye vaJudha vakagariswa patsva munyika yavo. Mambo wePersia akanga arayira Ezra kuti agadze vatongi nevadzidzisi voMutemo waMwari uye kuti ashongedze imba yaJehovha. Paidiwa mitsara yedzinza yakarurama kuratidza nhaka yorudzi uye kuva nechokwadi chokuti vanhu vakapiwa mvumo chete ndivo vaishanda sevapristi. Saka Ezra akanyora nhoroondo yakazara yorudzi rwacho, kusanganisira chinyorwa chakajeka uye chakavimbika chedzinza raJudha neraDhavhidhi. Zita romwanakomana waJese akafa asina mwana raizova risina basa. Nokudaro, Ezra akasiya zita racho.