Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Migodhi Isingachengeti Mvura

Migodhi Isingachengeti Mvura

Migodhi Isingachengeti Mvura

MUNGUVA dzinotaurwa muBhaibheri, migodhi yaiva mwena yakacherwa nevanhu pasi pevhu yaishandiswa zvikurukuru kuchengetera mvura. Kwenguva yakati, muNyika Yakapikirwa, ndiyo bedzi yaiva nzira yokuchengeta nayo mvura inokosha.

Pakunyora zvakataurwa naMwari, muprofita Jeremia akataura pamusoro pemigodhi nenzira yokufananidzira, achiti: “Vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa; vakandisiya ini tsime remvura mhenyu, vakazvicherera migodhi, migodhi yakatsemuka, isingachengeti mvura.”—Jeremia 2:13, King James Version.

Zvavakanga vasiya Mwari wavo, Jehovha—“tsime remvura mhenyu”—vaIsraeri vakanga vatendeukira kuushamwari hwechiuto husina kuvimbika nemarudzi echihedheni uye kunamata vanamwari vakanga vasina simba, venhema. Nzvimbo dzakadaro dzavaitarisira kupotera kwadziri dzakazongova migodhi inodzudza, tichishandisa mufananidzo waJeremia, iyo yakanga isingambokwanisi kudzivirira kana kuponesa.—Dheuteronomio 28:20.

Nhasi pane zvatinodzidza here mumuenzaniso uyu wekare? Sezvazvakanga zvakaita muzuva raJeremia, Mwari asingagumi, Jehovha, anoramba ariye Tsime remvura inopa upenyu. (Pisarema 36:9; Zvakazarurwa 4:11) Vanhu vanongogona kuwana upenyu kubva kwaari bedzi, kuburikidza noMwanakomana wake, Jesu Kristu. (Johani 4:14; 17:3) Asi, kufanana nevakararama panguva imwe naJeremia, vanhu vakawanda nhasi vanosarudza kuramba uye kunyange kushora shoko raMwari rinotaurwa muBhaibheri. Panzvimbo pazvo, vanovimba nenzira dzokugadzirisa nadzo zvinhu dzematongerwe enyika dzisingagari, kufunga kwevanhu kusingabatsiri, uye pfungwa nouzivi zvisina maturo zvinoshoresa Mwari. (1 VaKorinde 3:18-20; VaKorose 2:8) Chisarudzo chiri pachena. Uchavimba naani? Uchavimba ne“tsime remvura mhenyu,” Jehovha, kana kuti uchavimba ne“migodhi yakaputsika, isingagoni kuchengeta mvura” here?

[Mufananidzo uri papeji 32]

Kamufananidzo ke“terra-cotta” kaamai mwarikadzi kakawanika muguva rechiIsraeri

[Kwazvakatorwa]

Vakabvumira kutorwa kwomufananidzo iBritish Museum