Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Dhavhidhi, mushumiri waJehovha akatendeka, akabvumira mudzimai wake Mikari kuva nomufananidzo weterafimi, kana kuti chidhori, sezvinoratidzwa pana 1 Samueri 19:12, 13?

Kutanga, ngatimboongororai muchidimbu zvakapoteredza. Mudzimai waDhavhidhi paakanzwa kuti Mambo Sauro akanga aronga kuuraya Dhavhidhi, akakurumidza kuita chiito. Bhaibheri rinoti: “Mikari akaburutsa Dhavhidhi pasi napahwindi; akaenda, akatiza, akapukunyuka. Mikari akatora terafimi, [zviri pachena kuti yaiva yakakura uye ichiratidzika somunhu] akairadzika panhoo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira.” Nhume dzaSauro padzakasvika dzichida kubata Dhavhidhi, Mikari akadziudza kuti: “Unorwara.” Zano iri rakaita kuti Dhavhidhi arege kutsvagwa zvechimbi-chimbi, uye akabudirira kutiza.—1 Samueri 19:11-16.

Zviwanikwa zvematongo zvinoratidza kuti munguva yekare, mifananidzo yeterafimi yaichengeterwawo zvinangwa zvomutemo, kwete zvechitendero chete. Sezvinongoita magwaro anhasi anoratidza uridzi uye wiri dzinoratidza ane kodzero dzokugara nhaka, ndizvo zvaiitawo mifananidzo yeterafimi kare. Zviri pachena kuti mune mamwe mamiriro ezvinhu, kuva neterafimi kwaigona kuita kuti mukwasha ave nekodzero yokugara nhaka yavatezvara vake vanenge vafa. Izvi zvingatsanangura nei, pane chimwe chiitiko chakatangira ichi, Rakeri akatora mifananidzo yababa vake yeterafimi uye kuti nei vaida kuti idzoke. Muchiitiko ichocho, murume waRakeri, Jakobho, akanga asingazivi zvakanga zvaitwa nomudzimai wake.—Genesi 31:14-34.

VaIsraeri pavakazova rudzi, vakagamuchira Mirayiro Gumi, wechipiri wacho unorambidza zvakajeka kushandiswa kwezvidhori. (Eksodho 20:4, 5) Gare gare, muprofita Samueri akataura nezvomutemo uyu paaitaura naMambo Sauro. Akati: “Nokuti kumukira Jehovha kwakafanana nechivi chokuuka, uye kusindimara kwakafanana nokunamata kuzvifananidzo neterafimi.” (1 Samueri 15:23) Nokuda kwechikonzero ichi, pamwe mufananidzo weterafimi wakanga usingashandi nokuda kwenhaka muna Israeri. Kunyange zvakadaro, zvinoratidzika sokuti dzimwe mhuri dzevaIsraeri dzakaramba dzichidavira mashura aya echiJudha. (Vatongi 17:5, 6; 2 Madzimambo 23:24) Kuchengeta kwakaita Mikari terafimi pakati pezvinhu zvake kunoratidza kuti akanga asingadi Jehovha nomwoyo wose. Zvimwe Dhavhidhi akanga asingazivi nezvomufananidzo weterafimi wacho kana kuti akaubvumira nokuti Mikari akanga ari mwanasikana waMambo Sauro.

Maonero aDhavhidhi okuzvipira kuna Jehovha zvakakwana anoratidzwa nemashoko aya: “Jehovha mukuru, unofanira kurumbidzwa kwazvo; iye unofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; asi Jehovha ndiye wakaita kudenga-denga.”—1 Makoronike 16:25, 26.

[Mufananidzo uri papeji 29]

PaMirayiro Gumi wechipiri wairambidza kugadzirwa kwezvidhori, zvakadai somufananidzo weterafimi unoratidzwa pano

[Kwazvakatorwa]

Kubva mubhuku rinonzi The Holy Land, Vol. II, 1859