Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kutamba mitambo yechisimba yepakombiyuta kunogona kukanganisa ukama hwomunhu naJehovha here?

Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare akanyora kuti, “Jehovha anoongorora munhu akarurama pamwe chete neakaipa, mweya wake unovenga munhu wose anoda zvechisimba.” (Pisarema 11:5) Shoko riri mumutauro wekare rinoshandurwa kuti “venga” rinogona kureva “munhu anenge ari muvengi.” Naizvozvo, ani naani anofarira chisimba ari kuzviita muvengi waMwari. Saka, mubvunzo watinoda kufunga nezvawo ndouyu: Kutamba mimwe mitambo yepakombiyuta kunogona kuita kuti tide chisimba here?

Mitambo yechisimba yepakombiyuta inokurudzira kushandiswa kwezvombo. Kazhinji inodzidzisa ari kutamba wacho unyanzvi hwokurwa. Magazini inonzi The Economist yakati: “Vatungamiriri vemauto eAmerica vari kunyanya kuvimba nemitambo yepakombiyuta sezvokushandisa pakudzidzisa hondo. Mimwe mitambo inoshandiswa nevatungamiriri ava inongotengwawo muzvitoro.”

Ichokwadi kuti vaya vanotamba mitambo yechisimba yepakombiyuta havasi kukuvadza vanhu chaivo. Asi varaidzo yorudzi urwu inoratidzei nezvezvingave zvichiitika kumwoyo yavo? (Mateu 5:21, 22; Ruka 6:45) Waizogumisa kuti kudini nezvomunhu anofarira kubaya, kupfura, kukuvadza, uye kuuraya vanhu vokufananidzira? Zvakadini kana munhu uyu achipedza maawa akawanda vhiki yoga yoga achinakidzwa nemitambo yechisimba iyoyo, achiguma ava kuita seapindwa muropa nayo? Ungatogumisa kuti ari kukudziridza kuda kuita zvechisimba, kungofanana nomunhu anotarira zvinonyadzisira anenge achikudziridza chido chokuita unzenza.—Mateu 5:27-29.

Jehovha anovenga zvikuru sei munhu anofarira chisimba? Dhavhidhi akati Jehovha ‘anomuvenga.’ Muzuva raNoa, Jehovha akaratidza kuti anovenga zvikuru vaya vanofarira chisimba. Jehovha akati kuna Noa: “Kuguma kwevanhu vose kwasvika pamberi pangu, nokuti vazadza nyika nechisimba; uye tarira ndiri kuvaparadza pamwe chete nenyika.” (Genesisi 6:13) Mwari wechokwadi akaparadza nyika yose yevanhu nemhaka yezviito zvavo zvechisimba. Akachengetedza Noa nemhuri yake bedzi—vanhu vasere vakanga vasingadi chisimba.—2 Petro 2:5.

Vanhu vanoda kuva shamwari dzaJehovha vano“pfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti.” Pane kudzidza kuda chisimba, “havazodzidzizve kurwa.” (Isaya 2:4) Kuti tirambe tiri shamwari dzaMwari pane kuva vavengi vake, tinofanira ‘kubva pane zvakaipa toita zvakanaka.’ Tinoda ‘kutsvaka rugare torutevera.’—1 Petro 3:11.

Zvakadini kana tagara tichitamba mitambo yechisimba yepakombiyuta? Kana zvakadaro tinofanira kutsunga zvikuru kufadza Jehovha torega kuita zvinhu zvaanovenga. Chokwadi tinofanira kunyengeterera kubatsirwa nomudzimu mutsvene waMwari kuti tirege kuita chinhu ichi chinotipinza mungozi yezvokunamata. Tinogona kuzvirega kana tikabvumira unhu hwakadai sorugare, runako, uye kuzvidzora kuti huite kuti upenyu hwedu hunyatsopindirana nezvinodiwa naMwari.—Ruka 11:13; VaGaratiya 5:22, 23.