Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu Vazhinjizhinji Vanobvuma Kunamata Jehovha

Vanhu Vazhinjizhinji Vanobvuma Kunamata Jehovha

“Kubatsirwa Kwangu Kunobva Kuna Jehovha”

Vanhu Vazhinjizhinji Vanobvuma Kunamata Jehovha

UPROFITA hweBhaibheri hunotaura nezvezuva redu hwakafanotaura kuti vanhu vemarudzi ose vaizodirana kukunamatwa kwaJehovha kwakakwirira. Somuenzaniso, achishandisa muprofita Hagai, Jehovha Mwari akazivisa kuti: “Ndichazunungusa marudzi ose, uye zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose zvichauya; uye ndichazadza imba ino nokubwinya.” (Hagai 2:7) Isaya naMika vakaprofita kuti munguva yedu—“mazuva okupedzisira”—marudzi nevanhu vaizonamata Jehovha nenzira yaanoda.—Isaya 2:2-4; Mika 4:1-4.

Uprofita hwakadaro huri kuzadzika nhasi chaizvoizvo here? Ngationgororei zviri kuitika. Mumakore gumi apfuura bedzi, vanhu vatsva vanopfuura 3 110 000 vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha munyika dzinopfuura 230. Zvechokwadi, Zvapupu zvaJehovha zvitanhatu pagumi zvoga zvoga zviri kushumira Mwari iye zvino pasi pose zvakabhabhatidzwa mumakore gumi apfuura. Muna 2004, mushumiri mumwe chete achangozvitsaurira kuna Mwari aitanga kuva nhengo yeungano yechiKristu mumaminitsi maviri oga oga paavhareji! *

Somuzana remakore rokutanga, nhasi ‘vakawanda zvikuru vava vatendi, uye vakatendeukira kunaShe.’ Kunyange zvazvo kuwedzera kwenhamba yevanhu kusiri uchapupu chaihwo hwokukomborerwa naMwari, kunonyatsoratidza uchapupu hwokuti “ruoko rwaJehovha” rune vanhu vake. (Mabasa 11:21) Chii chinoita kuti mamiriyoni evanhu anamate Jehovha? Uye iwe pachako unonzwa sei nezvokuwedzera uku?

Vanhu Vane Mwoyo Yakanaka Vanofarira

Kutaura zvazviri, Jesu akati: “Hapana munhu angauya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasaita kuti auye.” (Johani 6:44) Naizvozvoka, Jehovha ndiye anozoita kuti vanhu ‘vane mafungiro akanaka vave noupenyu husingaperi.’ (Mabasa 13:48) Mudzimu waMwari unogona kuita kuti vanhu vazive zvavanoda mune zvokunamata. (Mateu 5:3) Hana yakavhiringidzwa, kunzwa uchida kuva neramangwana rakanaka, kana kuti matambudziko ari kuwedzera zvingaita kuti vamwe vade kutsvaka Mwari ndokudzidza nezvezvinangwa zvake nokuda kwevanhu.—Mako 7:26-30; Ruka 19:2-10.

Vanhu vakawanda vanouya kuzonamata Jehovha nokuti purogiramu yokudzidzisa yeungano yechiKristu inovabatsira kuti vawane mhinduro dzemibvunzo inovanetsa.

“Kana Mwari ariko, nei vanhu vachiramba vachiitirwa zvakaipa?” Ndiwo mubvunzo wakanetsa Davide, anotengesa zvinodhaka muItaly. Akanga asinganyanyi kufarira zvokunamata, saka akabvunza mubvunzo uyu wakaoma achingoda kuti vaitirane nharo. “Handina kumbofunga kuti ndaizopiwa mhinduro inonzwisisika uye yechokwadi,” akadaro. “Asi Chapupu chakataura neni chakanga chiine mwoyo murefu uye chakatsigira zvachaitaura nendima dzinobva muBhaibheri. Kukurukurirana ikoko kwakaita kuti ndichinje.” Nhasi, Davide akagadzirisa upenyu hwake uye mushumiri waJehovha.

Vamwe vanouya kusangano raJehovha repasi pano nokuti vanoda kuziva zvinoreva upenyu uye chinangwa chahwo. Mumwe chiremba wezvirwere zvepfungwa muZagreb, kuCroatia, akashanyira shamwari yake yaiva nomukurumbira, achitsvaka mushonga wezvaimushungurudzawo. Chakamushamisa ndechokuti, chiremba uyu akamupa nhamba dzorunhare dzehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha romuZagreb, pamwe chete nezita rechimwe Chapupu chaaiziva. “Onaka,” akadaro, “ndinofunga kuti vanhu ava vanogona kukubatsira. Kana ndikati uende kuchechi, uchangonoona zvidhori—zvisingatauri, uye rinongova rima zvaro. Handifungi kuti chechi ingakubatsira. Ndakaendesa vamwe varwere kuZvapupu zvaJehovha, uye ndinofunga kuti ndizvo zvingakunakirawo.” Akabvuma, Zvapupu zvikazotanga kumushanyira uye nokukurumidza zvakatanga kudzidza Bhaibheri naye. Muvhiki shomanana, chiremba wezvirwere zvepfungwa iyeye akataura achifara kuti kuziva zvinangwa zvaMwari kwakanga kwaita kuti upenyu hwake hureve chimwe chinhu.—Muparidzi 12:13.

Matambudziko paanomuka, vakawanda vanoona kuti Bhaibheri bedzi rinonyaradza zvechokwadi. MuGreece, mukomana ane makore manomwe akadonha padenga rechikoro akafa. Kwapera mwedzi miviri, Zvapupu zviviri zvakasangana naamai vake uye zvakaedza kuvanyaradza nokukurukura nezvetariro yorumuko. (Johani 5:28, 29) Zvadaro, mudzimai wacho akangoerekana osvimha misodzi. Hanzvadzi dzacho dzakabvunza kuti: “Kana muchida kuziva zvakawanda nezveBhaibheri, tingauya rini?” “Izvozvi,” akadaro. Mudzimai wacho akaenda navo kumba kwake, uye vakatanga kudzidza Bhaibheri naye. Nhasi, mhuri yake yose iri kushumira Jehovha.

Uri Kuparidzawo Here?

Zvakaitika zvakadaro ndizvo chaizvo zviri kuitika munyika yose. Jehovha ari kuunganidza uye kudzidzisa boka guru revanhu vanobva munyika dzakawanda revanamati vechokwadi. Boka iri remarudzi ose rine tariro inofadza yokupona pakuguma kuri kuuya kwemamiriro ezvinhu akaipa epanguva ino uye kurarama munyika itsva yakarurama.—2 Petro 3:13.

Iri basa risina kumboitwa kare rokuunganidza riri kuenderera mberi pasina chinorimisa kusvikira raguma zvinobudirira, nokuti Jehovha ari kukomborera. (Isaya 55:10, 11; Mateu 24:3, 14) Uri kuitawo basa iri rokuparidza nokushingaira here? Kana zvakadaro, ungava nechokwadi chokutsigirwa naMwari uye unogona kutevedzera mashoko aya omunyori wepisarema okuti: ‘Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha.’—Pisarema 121:2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2005, September/October.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

“Hapana munhu angauya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasaita kuti auye; uye ini ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”—JOHANI 6:44

[Bhokisi riri papeji 8]

NDIANI ARI KUITA KUTI PAVE NOKUWEDZERA UKU?

“Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshanda zvakaoma vachishandira pasina.”—Pisarema 127:1.

“Mwari akaramba achiita kuti zvikure; zvokuti anodyara kana anodiridza haasi chinhu, asi Mwari anoita kuti zvikure.”—1 VaKorinde 3:6, 7.