Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuziva Zviratidzo Kunokosha Zvikuru!

Kuziva Zviratidzo Kunokosha Zvikuru!

Kuziva Zviratidzo Kunokosha Zvikuru!

“Pakutanga ndaifunga kuti mwanakomana wedu Andreas akanga ari kungotemwa nomusoro. Asi akanga asingachadi kudya uye ava kupisa muviri zvikuru. Musoro wake wakatowedzera kutema, uye ndakanetseka. Murume wangu paakadzoka kumba, takaenda naAndreas kwachiremba. Akaongorora zviratidzo zvechirwere chaiva naAndreas achibva angomuendesa kuchipatara. Kwakanga kusiri kungotema kwomusoro. Andreas aiva nechirwere chinonzi menenjaitisi. Akarapwa uye pasina nguva refu akanga ava kunzwa zvakanaka zvakare.”—Gertrud, vamwe amai vokuGermany.

ZVAKAITIKA kuna Gertrud zvinowanzoitika kuvabereki vakawanda. Vanoona zviratidzo zvokuti mwana wavo angadaro ari kurwara. Kunyange zvazvo zvisiri zvirwere zvose zvakakomba, vabereki vangazozvidemba kana vakaita sevasingaoni zviratidzo zvokuti vana vavo vari kurwara. Kuona zviratidzo uye kuita zvinoenderana nazvo kungabatsira zvikuru. Izvi zvinokosha.

Kuziva zviratidzo uye kuita zvinoenderana nazvo kunokosha mune zvimwewo zvinhu zvisiri zvoutano. Muenzaniso wakakodzera ndowenjodzi yetsunami yakaitika muna December 2004 munharaunda dzakapoteredza Indian Ocean. Masangano ehurumende omunzvimbo dzakadai seAustralia neHawaii akaziva kuti kudengenyeka kwepasi kwaizoitika kuchamhembe kweSumatra uye akafanoona ngozi yaizovapo nezvayaizokonzera. Asi pakanga pasina nzira yokunyevera nayo vanhu vaiva munzvimbo dzine ngozi idzi. Zvakaguma nokufa kwevanhu 220 000.

Zviratidzo Zvinotokosha Zvikuru

Jesu Kristu paaiva pasi pano, akapa vateereri vake chidzidzo chokuti vacherechedze zviratidzo voita zvinoenderana nezvavanenge vaona. Akanga ari kutaura nezvechimwe chinhu chinokosha zvikuru. Bhaibheri rinoti: “VaFarisi nevaSadhusi vakasvika kwaari uye, kuti vamuedze, vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. Achipindura, iye akati kwavari: ‘Kana ava manheru makajaira kuti, “Kunze kuchava kwakanaka, nokuti denga rakatsvuka somoto”; uye mangwanani, “Kunze kuchatonhora, kuchanaya nhasi, nokuti denga rakatsvuka somoto, asi kwakakwidibira.” Munoziva kududzira zvinenge zvakaita denga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.’”—Mateu 16:1-3.

Paakataura nezve“zviratidzo zvenguva,” Jesu akaratidza kuti vateereri vake vechiJudha vomuzana remakore rokutanga vaifanira kunge vaiziva kuti nguva yavairarama yaiva yokukurumidzira. Mamiriro ezvinhu evaJudha epanguva iyoyo akanga oda kuparara, izvi zvaizovhiringidza upenyu hwevaJudha vose. Kwasara mazuva mashomanana kuti afe, Jesu akataura nevadzidzi vake nezvechimwe chiratidzo—chiratidzo chokuvapo kwake. Zvaakataura panguva iyoyo zvinokosha zvikuru kumunhu wose nhasi.