Zvipo Zvinofadza Mwoyo waMwari
Zvipo Zvinofadza Mwoyo waMwari
NYAYA yacho hainakidzi. Mambokadzi Atariya akanga aita zvounyengeri uye aponda kuti abvute chigaro choumambo chaJudha. Achifunga kuti vagari venhaka vose vakanga vaurayiwa, akazvigadza kuva mambokadzi. Mumwe mukadzi ainzi Jehoshebha, mwanasikana wamambo, uyo aida chaizvo Jehovha uye Mitemo yake, akaita chivindi ndokuviga mwana weimba yamambo, Jehoashi. Jehoshebha nomurume wake, Mupristi Mukuru Jehoyadha, vakaviga mugari wenhaka wacho kwemakore matanhatu muimba yavaigara yepatemberi.—2 Madzimambo 11:1-3.
Jehoashi paakazosvika makore manomwe, Mupristi Mukuru Jehoyadha akanga atogadzirira kutanga chirongwa chake chokubvisa mambokadzi akanga abvuta chigaro pachinzvimbo chaainge awana nokubiridzira. Akabudisa mukomana waakanga akaviga akabva amugadza kuva mugari wenhaka youmambo akakodzera. Mambokadzi Atariya akaipa akabva azvuzvurudzirwa kunze kwechivanze chetemberi nevarindi veimba youmambo achibva aurayiwa, izvo zvakazorodza uye kufadza vanhu. Zvakaitwa naJehoyadha naJehoshebha zvakabatsira zvikuru kuti vanhu vatangezve kunamata nenzira yechokwadi munyika yaJudha. Asi zvinotokosha zvikuru, vakabatsira kuita kuti dzinza roumambo raDhavhidhi rirambe riripo, raizosvika kuna Mesiya.—2 Madzimambo 11:4-21.
Mambo akanga achangogadzwa aifanirawo kuva nezvaaizoita zvaizofadza mwoyo waMwari. Imba yaJehovha yaifanira kugadziridzwa chaizvo. Kuda kutonga Judha ari oga kwaAtariya kusingadzoreki hakuna kungoguma nokusatarisirwa kwetemberi asiwo nokupambwa kwezvinhu zvaiva mairi. Saka Jehoashi akatsunga kuvakazve temberi uye kuiita kuti ive sezvayaimbenge yakaita. Asinganonoki, akarayira kuti mari yaidiwa iunganidzwe kuitira kuti imba yaJehovha igadziridzwe. Akati: “Mari yose yezvinopiwa zvitsvene inounzwa kuimba yaJehovha, mari inosarudzirwa munhu mumwe nomumwe, mari yemweya yacho maererano nokutemerwa kwomunhu, mari yose inobva pamwoyo womunhu mumwe nomumwe kuti auye nayo kuimba yaJehovha, mupristi mumwe nomumwe ngaatore kune waanozivana naye; uye ngavagadzire nzvimbo dzakatsemuka dzeimba, papi nepapi pavanowana pakatsemuka.”—2 Madzimambo 12:4, 5.
Vanhu vakapa nokuzvidira. Zvisinei, vapristi vakanga vasiri kuita basa ravo rokugadziridza temberi nomwoyo wose. Saka, mambo akasarudza kuti atarisire basa racho iye pachake uye akarayira kuti mari yose iiswe zvakananga mubhokisi raimirira izvozvo chete. Akaita kuti Jehoyadha atarisire, uye nhoroondo yacho inoti: “Zvino mupristi Jehoyadha akatora bhokisi, akaboora buri pachivharo charo, akariisa pedyo neatari kurudyi rwomunhu kana achipinda muimba yaJehovha, uye vapristi, vachengeti vemasuo, vaiisa imomo mari yose yakanga ichiunzwa muimba yaJehovha. Pavaingoona kuti mubhokisi makanga mava nemari yakawanda, 2 Madzimambo 12:9-12.
munyori wamambo nomupristi mukuru vaiuya, voisungira muhomwe, voverenga mari yaiva muimba yaJehovha. Vaiisa mari yacho yakanga yaverengwa mumaoko evanhu vaiita basa vakanga vagadzwa paimba yaJehovha. Ivo vaizoiripirawo vavezi nevavaki vakanga vachishanda paimba yaJehovha, nevanhu vaivaka nematombo nevavezi vematombo, uye vaizotenga matanda nematombo akavezwa kuti vagadzire nzvimbo dzakanga dzakatsemuka dzeimba yaJehovha uye zvose zvaizoshandiswa paimba kuti igadzirwe.”—Vanhu vakapa nomwoyo wose. Imba yaJehovha yokunamatira yakagadzirwa ikava sezvayaimbenge yakaita kuitira kuti kumunamata kuenderere mberi nenzira inoremekedzwa. Saka mari yose yezvipo yakashandiswa zvakakodzera. Mambo Jehoashi akava nechokwadi chokuti yashandiswa zvakakodzera!
Nhasi, sangano raJehovha rinooneka rinonyatsotarisira kuti mari yose yezvipo yashandiswa zvakakodzera kuti ifambisire mberi kunamatwa kwaJehovha, uye vaKristu vechokwadi vave vachiita sezvakaitwa nevaIsraeri vaya vekare—nomwoyo wose. Zvichida uri mumwe wevaya vakabatsira kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvifambire mberi mugore rebasa rapfuura. Ngatimboonai kuti zvipo zvenyu zvave zvichishandiswa munzira dzipi.
KUBUDISA MABHUKU
Munyika yose, mabhuku anotevera akadhindwa kuti adzidzwe uye aparadzirwe:
• Mabhuku: 47 490 247
• Tubhuku: 6 834 740
• Mabhurocha: 167 854 462
• Makarenda: 5 405 955
• Magazini: 1 179 266 348
• Maturakiti: 440 995 740
• Mavhidhiyo: 3 168 611
Mabhuku anodhindwa muAfrica, North, Central, uye South America, Asia, Europe, uye muzvitsuwa zvePacific—munyika dzinosvika 19.
“Ndinonzi Katelyn May. Ndine makore masere. Ndine US$28 (Z$490 000), uye ndingada kuti muishandise kubatsira kubhadhara michina inodhinda. Hanzvadzi yenyu duku, Katelyn.”
“Takaita musangano wemhuri nezvemichina mitsva yokudhinda. Vana vedu vane makore 11 ne9 vakasarudza kutora mari yavanochengeta kuti vapewo chipo. Tinofara kutumira chipo chavo pamwe chete nechedu.”
KUVAKA
Zvinotevera ndezvimwe zvezvirongwa zvokuvaka zvakaitwa pakutsigira mabasa eZvapupu zvaJehovha:
• Dzimba dzoUmambo munyika dzisina kupfuma: 2 180
• Dzimba Dzemagungano: 15
• Mapazi: 10
• Vanhu vanobva munyika yose vakazvipira vari mubasa renguva yakazara: 2 342
“Pakupera kwevhiki ino takaita musangano wedu wokutanga muImba yedu yoUmambo itsva. Tiri kufara chaizvo kuva nenzvimbo yakakodzera yokuti tirumbidzire Baba vedu, Jehovha Mwari. Tinoonga Jehovha pamwe chete nemi kuti makafunga zvatinoda nokutivakira Dzimba dzoUmambo dzakawanda. Chokwadi, Imba yedu yoUmambo chinhu chinokosha munharaunda yedu.”—Chile.
“Hama nehanzvadzi dzinoonga chaizvo rubatsiro runopiwa nesangano raJehovha. Nanhasi, tichiri kutaura nezvenguva inofadza yatakava nayo nechikwata chaivaka.”—Moldova.
“Munguva pfupi ichangopfuura ini nomudzimai wangu takapemberera kusvitsa makore 35 taroorana. Takanga tichiedza kuona kuti tingatengerana chii pachiitiko ichi, asi takasarudza kudzorera chimwe chinhu kuna Jehovha uye kusangano rake, nokuti dai tisina kubatsirwa navo, zvichida imba yedu ingadai isina kubudirira. Tinoda kuti mari yatatumira ishandiswe pakubatsira kuvakwa kweImba yoUmambo mune imwe yenyika dzisina kupfuma.”
“Munguva pfupi ichangopfuura ndakapiwa nhaka, uye sezvo ‘zvinhu zvandinoda’ zviri zvishoma uye ‘zvinhu zvandinofanira kuva nazvo kuti ndirarame’ zvichitova zvishomanana zvikuru, ndinoda kuti mushandise mari yandatumira kubatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo, idzo dziri kudiwa zvikuru munyika dzakawanda.”
KUYAMURA VANOWIRWA NENJODZI
Mumazuva ano okupedzisira, njodzi dzinowanzoitika pasina kana yambiro. Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinopa mari yokuwedzera kuitira kuti hama dzazvo dziri munzvimbo dzinenge dzaitika njodzi dzigobatsirwa. Kukuyeuchidzai, mari yokuyamura vanowirwa nenjodzi inoshandiswa semari yebasa romunyika yose. Dzinotevera ndedzimwe dzenzvimbo idzo Zvapupu zvaJehovha zvakabatsira vanhu vakawirwa nenjodzi:
• Africa
• Asia
• Nharaunda yeCaribbean
• Zvitsuwa zvePacific
“Ini nomurume wangu tinoda kukutendai chaizvo nokutumira zvinhu zvokuyamura nokuda kwokuparadza kwakaitwa nemadutu. Takakwanisa kuisa denga idzva paimba yedu. Tinoonga chaizvo kuti makakurumidza kwazvo kuyamura.”
“Ndinonzi Connor uye ndine makore 11. Pandakaona zvakaitika pakarova “tsunami,” ndaida kubatsira. Ndinovimba kuti mari iyi ichabatsira hama nehanzvadzi dzangu.”
VASHUMIRI VANOITA BASA RENGUVA YAKAZARA CHAIRO
VaKristu vanoverengeka vanoita basa rouevhangeri kana kuti vanoshanda mumisha yeBheteri nguva yakazara. Vamwe vakazvipira kuita basa renguva yakazara vanotsigirwa nezvipo zvinopiwa nokuzvidira. Vamwe vacho ndevanotevera:
• Mamishinari: 2 635
• Vatariri vanofambira: 5 325
• Vanoshanda paBheteri: 20 092
“Sezvo ndisingagoni kuenda kunoshanda paBheteri iye zvino [mukomana ane makore mashanu], ndinofara chaizvo kutumira mari iyi. Kana ndakura, ndichaenda kuBheteri kunoshanda nesimba.”
Kusimudzira Dzidzo yeBhaibheri
Jesu Kristu akarayira vateveri vake kuti vaite “kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mateu 28:19) Zvichiteerera mashoko ake, Zvapupu zvaJehovha zviri kushingaira kuparidza uye kudzidzisa shoko reBhaibheri munyika 235. Zvinobudisa uye zvinoparadzira mabhuku eBhaibheri mumitauro 413.
Kutaura zvazviri, nguva yomuKristu ndicho chipo chinonyanya kukosha chaangapa kuti abatsire vanhu vakawanda kudzidza nezvaMwari uye nezvezvinangwa Zvake. Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa nguva yazvo yakawanda nesimba rakawanda kuti zvibatsire vavakidzani vazvo. Zvakapawo mari nomwoyo wose, uyewo zvimwe zvipo zvose zvazvinopa zvakabatsira munzira dzakasiyana-siyana kuti zita raJehovha uye zvinangwa zvake zvizivikanwe munyika yose. Jehovha ngaarambe achikomborera zviri kuitwa izvi kuti vamwe vabatsirwe kudzidza zvakawanda nezvake. (Zvirevo 19:17) Kuda kubatsira kwakadaro kunofadza mwoyo waJehovha!—VaHebheru 13:15, 16.
[Bhokisi riri papeji 28-30]
Nzira Idzo Vamwe Vanosarudza Kupa Nadzo
ZVIPO ZVINOPIWA KUTI ZVITSIGIRE BASA ROMUNYIKA YOSE
Vakawanda vanochengeta kana kuronga mari yavanozoisa mumabhokisi ezvipo akanzi “Mipiro Yebasa Romunyika Yose—Mateu 24:14.”
Mwedzi woga woga ungano dzinotumira mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yadzo. Zvipo zvemari inopiwa nokuzvidira zvinogonawo kutumirwa zvakananga kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, Attention Treasurer’s Office 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yebazi romunyika yenyu reZvapupu zvaJehovha. Cheki dzinotumirwa kukero iri pamusoro apa dzinofanira kunyorerwa “Watch Tower.” Zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha zvingapiwawo. Zvipo izvi zvinofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti ichi chipo chakananga.
CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZOGONA KUDZORERWA
Watch Tower ingachengeteswa mari kuti ishandiswe nokuda kwebasa romunyika yose. Zvisinei, anenge aichengetesa paanenge ava kuda mari yacho anogona kuidzorerwa. Kuti uwane mamwe mashoko, tapota nyorera Treasurer’s Office pakero iri pamusoro apa.
KURONGA KUBATSIRA VAMWE
Kuwedzera kuzvipo chaizvo zvemari yaungazodzorerwa, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo kubatsira basa roUmambo romunyika yose. Dzimwe dzacho ndeidzi:
Inishuwarenzi: Watch Tower inganzi ndiyo inozowana inishuwarenzi youpenyu kana kuti chirongwa chokurega basa kana kuti chomudyandigere.
Maakaundi Okubhengi: Munhu angaita kuti maakaundi ake okubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti maakaundi okurega basa atarisirwe kana kuti azopiwa Watch Tower kana afa, zvichienderana nezvinodiwa nebhengi romunzvimbo iyoyo.
Mari yeBhizimisi neMagwaro Anoratidza Mari iri Kune Mamwe Mabhizimisi: Watch Tower ingapiwa mari yebhizimisi nemagwaro anoratidza mari iri kune mamwe mabhizimisi sechipo.
Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa zvimwe nokupa chipo chaicho kana kuti, kana iri nzvimbo yokugara, nokuchengetera anenge apa wacho chivako kana nzvimbo kwoupenyu hwose, uyo anogona kuramba achigarapo paanenge achiri mupenyu. Zivisa hofisi yebazi romunyika yako usati wanyora gwaro repamutemo rokupa chivako kana nzvimbo ipi neipi.
Chipo Chinobviswa Pagore Negore: Chipo chinobviswa pagore negore urongwa hwokuti munhu anotamisa mari kana kuti mubereko wayo achizviendesa kusangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Munhu wacho kana kuti mumwe munhu anosarudzwa neanenge apa anozowana mari inenge yabvumiranwa gore negore kwoupenyu hwose. Anenge apa wacho anoderedzerwa mari yomutero yaanobhadhara gore rinotanga kubviswa chipo chacho chepagore negore.
Zvido Zvenhaka Nokuchengetesa: Watch Tower ▸ ingasiyirwa zvinhu kana kuti mari sechido chenhaka chakanyoreranwa zviri pamutemo, kana kuti Watch Tower inganzi ndiyo inozotora zvinhu zvinenge zvakachengeteswa. Zvinhu zvakachengeteswa zvinobatsira sangano rechitendero zvingava nezvazvinobatsira pakubvisirwa mutero.
Sezvinoreva mashoko okuti “kuronga kubatsira vamwe,” zvipo zvakadai zvinoda kuti ari kupa wacho anyatsoronga. Pane bhurocha riri mumutauro weChirungu nechiSpanish rine musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide (Kuronga Kubatsira Basa roUmambo Romunyika Yose), rinoyamura vanhu vanoda kubatsira basa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha nedzimwe nzira. Bhurocha racho rakanyorerwa kupa mashoko enzira dzakasiyana-siyana dzokupa nadzo zvipo kana mari iye zvino kana kuti pakufa. Pashure pokunge vaverenga bhurocha iri uye vataura navanachipangamazano vavo vomutemo kana kuti vemitero, vakawanda vave vachikwanisa kutsigira basa rechitendero uye rokubatsira vanhu rinoitwa neZvapupu zvaJehovha munyika yose, uye pavanenge vachidaro ivo vanenge vachibatsirwa pamutero wavanobhadhara. Ungawana bhurocha iri kana ukarikumbira kuCharitable Planning Office.
Kana uchida mamwe mashoko, ungataura neveCharitable Planning Office, zvimwe netsamba kana kuti norunhare, pakero iri pasi apa kana kuti nehofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yenyu.
Charitable Planning Office
Jehovah’s Witnesses
P. Bag WG-5001, Westgate
Runhare: 332137/8
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 27]
Vhidhiyo inonzi Faithful: Stalin: U.S. Army photo