Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushanda Neungano Yomumwe Mutauro

Kushanda Neungano Yomumwe Mutauro

Kushanda Neungano Yomumwe Mutauro

MUAPOSTORA Johani akanyora kuti, “Ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga, uye yakanga iine mashoko akanaka asingaperi okuti izivise semashoko anofadza kune vaya vanogara panyika, nokumarudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu.” (Zvakazarurwa 14:6) Mukuzadzika kwouprofita uhwu hwakaonwa, mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ari kuparidzwa munyika yose mundimi kana kuti mitauro yakasiyana-siyana. Pamitauro iyi, yakawanda yacho inotaurwa nevanenge vabva kune dzimwe nyika vachigara kure nenyika dzavakaberekerwa. Vanhu ava vari kunzwawo mashoko akanaka kubva kuZvapupu zvaJehovha zvinoshingaira zvinenge zvakadzidza mumwe mutauro.

Uri mumwe weZvapupu izvi zviri kushumira muungano inotaura mumwe mutauro here? Kana kuti uri kufungawo kuzviita here? Kuti ubudirire pane zvaunoda kuita, zvinoda kuti uve nevavariro isina udyire uye mafungiro akanaka. Sezvo chinangwa chako chiri chokubatsira vamwe kuti vadzidze chokwadi chinobva muShoko raMwari, une vavariro yakanaka kwazvo—yokuda Mwari nomuvakidzani. (Mateu 22:37-39; 1 VaKorinde 13:1) Chido chokubatsira vamwe kuti vazive Mwari chinosimbisa chaizvo vavariro yedu pane kungonakidzwa noushamwari, zvokudya, uye tsika dzevanhu vorumwe rudzi kana kuti rimwe boka. Unozeza kudzidza mumwe mutauro here? Kana zvakadaro, kuva nemaonero akanaka kuchakubatsira. “Usarega mutauro uchiita kuti utye,” anodaro James, akadzidzira mutauro weJapanese. Kuziva kuti vamwe vakawanda vakambozviita vakabudirira kunogona kukubatsira kuti utsungirire uye urambe uine mafungiro akanaka. Saka ungadzidza sei mutauro mutsva? Chii chichakubatsira kuti ugone kuchinja uchienda kuungano inoshandisa mutauro wacho? Uye unofanira kuitei kuti urambe wakasimba mune zvokunamata?

Kudzidza Mutauro Wacho

Kune nzira dzakawanda dzokudzidza nadzo mutauro. Vadzidzi nevadzidzisi vanosiyana-siyana pamadzidziro nemadzidzisiro avo. Zvisinei, kuvadzidzi vakawanda, kupinda zvidzidzo zvishomanana zvinoitiswa nomudzidzisi ane unyanzvi kunoita kuti vadzidze nokukurumidza uye nyore nyore. Kuverenga Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri mumutauro wako mutsva uye kuteerera makaseti chero api zvawo anenge aripo kuchakubatsira kuumba dura rako remashoko uye kuwedzera zivo yako yemashoko ane chokuita nokunamata. Mapurogiramu eredhiyo, eTV, neevhidhiyo akanaka anogonawo kukubatsira kudzidza mutauro netsika dzacho. Kana huri urefu hwezvidzidzo zvacho, kudzidza nguva shomanana zuva roga roga kunowanzobatsira kupfuura kudzidza kwemaawa akawanda apo neapo.

Kudzidza mutauro kwakafanana nokudzidza kushambira. Haugoni kudzidza kushambira nokungoverenga mubhuku chete. Unofanira kupinda mumvura uchishambira mairi. Zvakafananawo nokudzidza mutauro. Zvakaoma kudzidza mutauro nokungoverenga chete. Unofanira kutaura nevanhu pose paunogona—teerera matauriro avo, shamwaridzana navo, uye nepaunogona napo, taura! Mabasa echiKristu anoita kuti izvi zvinyatsoita. Kazhinji, unogona kukurumidza kushandisa zvaunodzidza uri mubasa romumunda. Midori, ari kudzidzira mutauro weChinese anoti, “Zvingaita sezvinotyisa, asi vanasaimba vanogona kuona kuti isu Zvapupu tiri kuedza nepatinogona napo. Izvi zvinogona kuvabaya mwoyo. Tinongofanira kuti, ‘Makadini’ mumutauro wavo, uye unoona zviso zvavo zvichiratidza kufara kuti vanoda kutaura newe!”

Misangano yechiKristu inobatsirawo zvikuru. Pamusangano woga woga, edza kutaurawo kana kamwe chete zvako. Pasinei nokuti zvingaratidzika sezvinotyisa sei pakutanga, usanetseka. Ungano inoda kuti ubudirire! Monifa, ari kudzidza mutauro wokuKorea anoti: “Ndinoonga chaizvo hanzvadzi inogara neni mumisangano, ichindinyorera zvinoreva mamwe mashoko. Kunditsigira kwake noushamwari nokushivirira chokwadi kunondibatsira.” Paunoziva mashoko akawanda, unotanga kufunga nomutauro wacho—uchibatanidza mashoko zvakananga nezvaanoreva pane kushandura shoko rimwe nerimwe mupfungwa dzako.

Vavariro yako yokutanga inofanira kunge iri yokutaura “zvinonzwisiswa zviri nyore.” (1 VaKorinde 14:8-11) Kunyange zvazvo vanhu vangakushivirira, kukanganisa kana kuti kududza mashoko zvisiri izvo kungavavhiringidza kuteerera zvaunenge uchitaura. Kungwarira kududza mashoko zvakarurama uye kungwarira girama kubvira pakutanga chaipo kuchaita kuti usave nematauriro asina kunaka akaoma kuzorega. Mark, akadzidza Swahili, anoti: “Kumbira vakurukuri vanogona kuti vakugadzirise paunonyanya kukanganisa, wobva wavatenda pavanodaro!” Zvechokwadi, fungawo nezvenguva uye simba zvevaya vanokubatsira nenzira iyi. Kunyange zvazvo ungakumbira kuti mumwe munhu aongorore basa rako, edza kugadzirira hurukuro dzako nezvauchataura uchishandisa mashoko aunotoziva kana kuti awakatsvaka. Izvi zvinoita kuti ukurumidze kudzidza uye zvinokubatsira kuti utaure nechivimbo.

Ramba Uchifambira Mberi

“Kudzidza mumwe mutauro ibasa rakaoma pane zvose zvandakaita,” anodaro Monifa. “Dzimwe nguva ndinoda kumborega. Asi ndinoyeuka kuti mumwe mudzidzi weBhaibheri anoda sei kunzwa chokwadi chakadzama chezvokunamata nomutauro wokuKorea uri nyore uye kufara kunoita hama pandinongofambira mberi zvishoma.” Pfungwa huru ndeyokuti usakurumidza kukanda mapfumo pasi. Vavariro yako ndeyokuti ukwanise kudzidzisa chokwadi cheMagwaro chinopa vamwe upenyu. (1 VaKorinde 2:10) Saka kudzidza kudzidzisa Bhaibheri nomumwe mutauro kunoda kuramba kuchiitwa kwenguva refu, uine chinangwa. Sezvaunofambira mberi, usazvienzanisa zvisiri izvo nevamwe. Vaya vanodzidza mumwe mutauro vanofambira mberi pamwero yakasiyana-siyana uye munzira dzakasiyana-siyana. Zvisinei, zvinobatsira kuti uzive nezvokufambira mberi kwako. (VaGaratiya 6:4) “Kudzidza mutauro kwakafanana nokukwira masitepisi,” anodaro Joon, ari kudzidza mutauro weChinese. Paunenge wava kuona sokuti hausi kufambira mberi, ndipo paunobva waona kuti wafambira mberi.”

Kudzidza mumwe mutauro kungaitwa kwoupenyu hwose. Saka, nakidzwa nazvo, uye usatarisira kugona zvose. (Pisarema 100:2) Unotokanganisa chete. Ndiko kudzidza kwacho. Paakatanga kuparidza nomutauro wokuItaly, mumwe muKristu akabvunza saimba kuti, “Unoziva mutsvairo woupenyu husingaperi here?” Aida kuti “chinangwa choupenyu.” Chimwe Chapupu chaidzidza mutauro wePolish chakakumbira ungano kuti iimbe imbwa panzvimbo porwiyo. Uye nokungochinja zvishoma madudzirwo erimwe shoko, mumwe aidzidza mutauro weChinese akakurudzira vateereri vake kuti vatende musherufu yemabhuku yaJesu pane kuti murudzikinuro. Zvakanakira kukanganisa ndezvokuti kazhinji mashoko akarurama aunozodzidza ipapo hauzoakanganwi.

Kushanda Neungano

Kusiyana kwomutauro hakusi iko bedzi kunokamura vanhu. Kusiyana kwetsika, kwemadzinza, uye kwemarudzi kunowanzoita kuti vanhu vatokamukana zvikuru. Zvisinei, zvipingamupinyi izvi zvinogona kukundwa. Imwe nyanzvi yaidzidza mutauro weChinese unoshandiswa nemapoka ezvitendero muEurope yakataura kuti Zvapupu zvaJehovha “hazvisaruri.” Yakacherechedza kuti paZvapupu, “urudzi hahushandi, uye mutauro unongova nzira inobatsira kunzwisisa shoko raMwari.” Chokwadi, kushandisa chokwadi cheBhaibheri ndiko kunobatsira vaKristu vechokwadi kuti vakunde urudzi. Kune vaya vanopfeka ‘unhu hutsva, hakuna muGiriki kana kuti muJudha kana kuti munhu wokune imwe nyika.’—VaKorose 3:10, 11.

Saka vose vari muungano vanofanira kushandira kusimudzira rugare. Izvi zvinoda kuti ubvume mafungiro matsva, manzwiro nemaitirwo ezvinhu. Unogona kuita kuti kusiyana kwamakaita kusaita kuti muite mapoka kana ukasanyanya kufunga nezvezvaunoda. (1 VaKorinde 1:10; 9:19-23) Dzidza kubatsirwa netsika dzose. Yeuka kuti rudo rusina udyire ndirwo runoita kuti pave noukama hwakanaka nokubatana kwechokwadi.

Ungano dzakawanda dzomumwe mutauro dzinotanga dziri mapoka maduku, kazhinji kacho dzichiva nevakawanda vanenge vachidzidza mutauro mutsva, pamwe chete nevanenge vachangotanga kudzidza chokwadi cheBhaibheri. Saka, kusanzwisisana kungangoitika mumapoka akadaro kunodarika zvingaitika muungano iya inenge yagara iripo yakatokura. Naizvozvo, vaKristu vane ruzivo vanofanira kuedza kusimbisa ungano. Kuratidza rudo nomutsa pakutaura uye pane zvatinoita kunobatsira kuti pave nemamiriro ezvinhu akanaka zvokuti vatsva vanogona kukura mune zvokunamata.

Vaya vanozvipira kubatsira muungano inotaura mumwe mutauro vanofanirawo kuva pakati nepakati pane zvavanotarisira kune vamwe. Rick, uyo ari mukuru muungano yakadaro, anotsanangura kuti: “Zvimwe Zvapupu zvitsva zvingave zvisina kunyatsorovedzwa muunyanzvi hwemabasa eungano sezvakaita zviya zviri muungano dzinotaura mutauro womunzvimbo iyoyo. Asi zvavasingakwanisi kuita vanowanzozvitsiva norudo nokuratidza chido. Uye vanofarira vakawanda vari kuuya muchokwadi.” Nokugara uchiwanika uye nokuzvipa chero munzira ipi yaunokwanisa, chokwadi uchabatsira ungano, kunyange paunenge uchiri kudzidza mutauro wacho. Mukashanda pamwe chete, mose munogona kuita kuti ungano ifambire mberi pakunamata.

Kuramba Wakasimba Mune Zvokunamata

Imwe hama yaiva itsva muungano inotaura mumwe mutauro yakanzwa vamwe amai vachibatsira mwana wavo kugadzirira mhinduro. “Asi amai, mhinduro iyi haigoni kuva pfupi here?” akadaro mwana wacho. “Kwete, mwanangu,” amai vacho vakapindura vachidaro. “Mhinduro pfupi tinofanira kudzisiyira vari kudzidza mutauro.”

Kumunhu mukuru, kutadza kutaura zvakanaka kwemwedzi yakawanda kana kuti kunyange kwemakore kunogona kumunetesa mupfungwa, uye mune zvokunamata. “Kutadza kwangu kwaiita kuti ndiore mwoyo nyore nyore,” anoyeuka kudaro Janet, ava kunyatsogona kutaura Spanish. Hiroko, uyo akadzidza Chirungu, anoyeuka achifunga kuti: ‘Kunyange imbwa nekatsi zvomundima zvinonzwisisa Chirungu zviri nani kundidarika.’ Uye Kathie anoti: “Pandakatamira kuungano yeSpanish, mamiriro angu ezvinhu akachinja kubva pakuva nevadzidzi veBhaibheri nevokushanyirazve vakawanda ndikasara ndisisina. Ndainzwa sokuti hapana zvandaiita.”

Pano ndipo panoda kuva nemafungiro akanaka. Paaiora mwoyo, Hiroko aiva nemafungiro aya: “Kana vamwe vachigona kuzviita, neniwo ndinozvigona.” Kathie anoti: “Ndaifunga nezvomurume wangu, uyo ari kufambira mberi chaizvo uye ari kuita zvakawanda muungano. Izvozvo zvaindibatsira kuti ndifambire mberi. Ndichine zvakawanda zvokuita, asi zvishoma nezvishoma ndiri kukwanisa kuparidza nokudzidzisa, uye izvozvo zvinoita kuti ndifare.” Murume wake, Jeff, anowedzera kuti: “Zvinogona kuodza mwoyo ukatadza kunzwisisa zvose zvinenge zvataurwa pazviziviso uye pamisangano yevakuru. Ndinofanira kuva akavimbika uye kuzvininipisa ndokumbira kuudzwazve mashoko acho, asi hama dzacho dzinofara kundibatsira.”

Kuti usanete mune zvokunamata paunenge uchishanda neungano yomutauro usiri wako, unofanira kukoshesa utano hwako hwokunamata. (Mateu 5:3) Kazuyuki, uyo akashanda ari mundima yechiPutukezi kwemakore akawanda, anoti: “Zvinokosha kuti tiwane kudya kwakakwana mune zvokunamata. Ndokusaka tichidzidza semhuri uye tichigadzirira misangano mumutauro wedu uyewo nomuchiPutukezi.” Vamwe vanopinda misangano inoitwa norurimi rwaamai pano neapo. Uyezve, kunyatsozorora kunokosha.—Mako 6:31.

Kufunga Nezvezvinodiwa

Kana uri kufunga nezvokutamira kuungano inotaura mumwe mutauro, unofanira kufunga nezvezvinodiwa paunoita izvi. (Ruka 14:28) Nezvenyaya iyi, zvinhu zvinokosha zvikuru zvokufunga nezvazvo ukama hwako naJehovha uye kukura kwako mune zvokunamata. Uchiita zvokunyengetera, ongorora mamiriro ako ezvinhu. Fungawo nezvomunhu wawakaroorana naye nevana vako. Zvibvunze kuti, ‘Ndine mamiriro ezvinhu anodiwa pakunamata uye mano okuita basa iri richada nguva yakareba here?’ Kuita zvakakunakira iwe nemhuri yako mune zvokunamata ndiyo nzira yokuchenjera. Kune zvakawanda zvichiri kufanira kuitwa uye zvinopa mufaro chaizvo chero kupi kwaunoshumira somuzivisi woUmambo.

Kune vaya vanogona kushumira muungano yomumwe mutauro, muchawana zvikomborero zvakawanda. “Handisati ndambofara zvakadai muupenyu hwangu,” anodaro Barbara, uyo akatamira kuungano yeSpanish nomurume wake. “Zvinoita sokuti uri kutangazve kudzidza chokwadi. Ndinoonga kwazvo kuti ndakawana mukana uyu, zvikurukuru sezvo tisingakwanisi kuva mamishinari kune imwe nyika.”

Munyika yose, zviuru zvevanhuwo zvavo vemazera akasiyana-siyana zviri kudzidza mumwe mutauro kuti zvifambisire mberi kuparidzwa kwemashoko akanaka. Kana uri mumwe wavo, ramba uine vavariro nemaonero akanaka. Kupfuura zvose, vimba naJehovha kuti akomborere zvauri kuita.—2 VaKorinde 4:7.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kupinda zvidzidzo zvomutauro zvinoitiswa nomudzidzisi ane unyanzvi kunoita kuti kudzidza kwacho kukurumidze uye kuve nyore

[Mufananidzo uri papeji 20]

Utano hwako mune zvokunamata hahufaniri kuvhiringidzwa paunenge uchidzidza mutauro usiri wako