Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pane tariro here yokuti kana mwana achiri mudumbu akafa achazomutswa?

Zvingaomera vaya vasati vambofirwa nomwana kana kuti vasati vambobereka mwana akafa kufungidzira manzwiro evaya vakawirwa nedambudziko iri. Vamwe vabereki vanoshungurudzika zvakanyanya pavanorasikirwa seizvi. Vamwe amai vakaita pamuviri kashanu pachibva kana kuti vana vacho vachiberekwa vakafa. Nokufamba kwenguva, vakazova nevanakomana vaviri zvivhindikiti. Asi vanoyeuka pose pavaibva pamuviri kana kubereka mwana akafa. Kusvikira vazofa, vainyatsoziva kuti dai kuri kunzi vana vavo vakaberekwa vakafa kana kuti vane pamuviri pakabva vapenyu, vangadai vakura zvakadini. VaKristu vakadaro vane chikonzero here chokuva netariro yokuti vana vavo vachamutswa?

Mhinduro ndeyokuti hatizivi. Bhaibheri hapana parinotaura nyaya yokumutswa kwevana vakaberekwa vakafa kana kuti vane pamuviri pakabva. Kunyange zvakadaro, Shoko raMwari rine zvarinotaura zvine chokuita nomubvunzo wacho uye zvinganyaradza.

Ngatimbokurukurai mibvunzo miviri yakada kufanana. Chokutanga, semaonero aJehovha, upenyu hwomunhu hunotanga rini, panobata pamuviri here kana kuti pakuzvarwa? Chechipiri, Jehovha anoona sei vana vasati vaberekwa, anovaona sevanhu vakazvimirira here kana kuti semasero akangoungana muchibereko chomunhukadzi? Zvinotaurwa neBhaibheri zvinopindura zvakajeka mibvunzo yacho yose.

Mutemo waMosesi wairatidza zvakajeka kuti upenyu hunotanga munhu asati aberekwa. Sei? Wairatidza kuti kana munhu akauraya mwana asati aberekwa, aigona kutongerwa rufu. Cherechedza zvaitaura mutemo uyu: “Munofanira kutsiva mweya nomweya.” * (Eks. 21:22, 23) Kureva kuti mwana asati aberekwa anenge ari mudumbu mweya mupenyu. Kunzwisisa izvi kwakabatsira mamiriyoni evaKristu kuti arambe tsika yokubvisa pamuviri, vachiiona sechivi chakakomba kuna Mwari.

Saka mwana asati aberekwa mupenyu, asi Jehovha anomukoshesa zvakadini? Mutemo wataurwa pamusoro apa waiti munhu mukuru anofanira kuurayiwa kana achinge aurayisa mwana asati aberekwa. Saka zviri pachena kuti upenyu hwomwana asati aberekwa hunokosha chaizvo mumaziso aMwari. Uyezve, ndima dzakawanda dzomuMagwaro dzinoratidza kuti Jehovha anoona mwana asati aberekwa somunhu akazvimirira. Somuenzaniso, Mambo Dhavhidhi akafuridzirwa kuti ataure nezvaJehovha kuti: “Makaramba makandivharidzira mudumbu raamai vangu. . . . Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu, kuti mazuva api adzakaumbwa.”—Pis. 139:13-16; Job. 31:14, 15.

Jehovha anoonawo kuti mwana asati aberekwa anoita zvinhu zvakatosiyana nevamwe uye angazoita zvakanaka mune remangwana. Ribheka mudzimai waIsaka paaiva nepamuviri, Jehovha akataura uprofita nezvevakomana vaviri vairwisana mudumbu make, zvichiratidza kuti akanga atoona unhu hwavaizova nahwo.—Gen. 25:22, 23; VaR. 9:10-13.

Nyaya yaJohani Mubhabhatidzi ndeimwewo inonakidza. Nhoroondo yeEvhangeri yacho inoti: “Erizabheti zvaakanzwa kukwazisa kwaMariya, mwana aiva mudumbu make akakwakuka; uye Erizabheti akazadzwa nomudzimu mutsvene.” (Ruka 1:41) Paairondedzera chiitiko ichi, chiremba Ruka akashandisa shoko rechiGiriki ringareva mwana achiri mudumbu kana kuti kasvava. Akashandisa shoko iroro paaitaura nezvekacheche Jesu kaiva muchidyiro chezvipfuwo.—Ruka 2:12, 16; 18:15.

Tichitarisa zvose izvi, Bhaibheri rinotipa here chikonzero chokusiyanisa mwana ari mudumbu neachangozvarwa? Zvinenge zvisina kudaro. Uye izvozvo zvinoenderana nezvava kutaurwa nemasayendisiti. Somuenzaniso, vaongorori vakadzidza kuti mwana ari mudumbu anokwanisa kunzwa uye kuita zvinoenderana nezviri kuitika kunze. Saka hazvishamisi kuti amai vane pamuviri vanova noukama hwepedyo chaizvo nomwana anenge achikura mudumbu mavo.

Mwana wacho paanozoberekwa, nguva yacho inenge yakasiyana neingaberekwa mumwe. Funga nezvomuenzaniso uyu: Amai vanobereka mwana nguva yacho isati yakwana, ozofa kwapera mazuva mashomanana. Vamwewo amai vanozvitakura kusvikira nguva yanyatsokwana, asi mwana wacho ozofa ava kutoda kuberekwa. Tingati here amai vokutanga vane tariro yokuti mwana wavo achamutswa nokungoti akanga amboberekwa, asi vechipiri havana tariro yakadaro?

Saka muchidimbu, Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka kuti upenyu hunotanga panobata pamuviri uye kuti Jehovha anoona mwana asati aberekwa somunhu akazvimirira uye anomukoshesa. Tichifunga nezvepfungwa idzodzo dziri muMagwaro, vamwe vangati kutaura kuti hapana tariro yokuti mwana anofa asati aberekwa haazomutswi hazvienderani nezviri muBhaibheri. Zvechokwadi, vangaona sokuti izvozvo zvinoita kuti pave nemibvunzo panyaya yezvatinodavira zvinobva muMagwaro nezvekubvisa pamuviri, inotorerwa papfungwa idzi.

Munguva yakapfuura, magazini ino yakabvunza mimwe mibvunzo inonetsa vakawanda yokuti vana vanofa vasati vaberekwa vachamutswa sei, uye zvaiita sokuti havazomutswi. Somuenzaniso, muParadhiso Mwari angaita here kuti pamuviri pakanga pachangobata pavezve mudumbu raamai? Zvisinei, Dare Rinodzora parakaramba richidzidza, richifungisisa, uye richinyengetera, rakazoguma raona kuti izvozvo hazvinei hazvo netariro yorumuko. Jesu akati: “Zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mako 10:27) Zvakaitika kuna Jesu zvinoratidza kuti mashoko aya ndeechokwadi; upenyu hwake hwakatamisirwa mudumbu remhandara yechiduku kubva kudenga, chinhu chingaita sechisingatomboiti zvachose pakuona kwevanhu.

Zvose izvi zvinoreva here kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti vana vanofa vasati vaberekwa vachamutswa? Tinofanira kusimbisa kuti Bhaibheri haripinduri mubvunzo iwoyo zvakananga, saka hapana chikonzero chokuti tibve tati ndizvo chaizvo zvichaitika. Nyaya yacho ingamutsa mibvunzo yakasiyana-siyana isingaperi. Zvisinei, zviri nani kuti tisaita zvokufungidzira. Zvatinoziva ndezvokuti nyaya yacho inosiyirwa kuna Jehovha Mwari, ane ngoni nomutsa worudo mukuru kwazvo. (Pis. 86:15) Hapana mubvunzo kuti anoda nomwoyo wose kubvisa rufu achishandisa rumuko. (Job. 14:14, 15) Tine chivimbo chokuti achagara achingoita zvakanaka. Achaporesa maronda akawanda atinopiwa noupenyu hwomunyika ino yakaipa sezvaanotungamirira Mwanakomana wake norudo kuti “aputse mabasa aDhiyabhorosi.”—1 Joh. 3:8.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Dzimwe nguva ndima iyi inoshandurwa ichibudisa pfungwa yokuti munhu aizotongerwa rufu kana amai vane pamuviri vari ivo vafa. Zvisinei, rugwaro rwechiHebheru chepakutanga runoratidza kuti mutemo wacho wakataura nezvokufa kwaamai kana kuti kwomwana wavo asati aberekwa.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Jehovha achatibvisira zvose zvinorwadza