Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufara Kunyange Mumatambudziko

Kufara Kunyange Mumatambudziko

Kufara Kunyange Mumatambudziko

“Vose vanopotera [kuna Jehovha] vachafara; vachashevedzera nomufaro nokusingagumi.”—PIS. 5:11.

1, 2. (a) Mazuva ano ndezvipi zvimwe zvinhu zvinoita kuti vanhu varwadziwe? (b) VaKristu vechokwadi vanofanira kutsungirira chii kuwedzera kumatambudziko anosangana nevanhu vose?

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinosanganawo nematambudziko anosangana nevamwe vanhu vose. Vanhu vaMwari vakawanda vanorwadziwa nematambudziko akadai sokuparwa kwemhosva, hondo, nezvimwewo zvakaipa zvavanoitirwa. Matambudziko anongozviitikira oga, urombo, urwere, uye rufu zvinoita kuti vanhu varwadziwe chaizvo. Ndokusaka muapostora Pauro akanyora kuti: “Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.” (VaR. 8:22) Mamwewo matambudziko tinozviparamurira toga nokuti tine chivi. Tingataura saMambo Dhavhidhi wekare akati: “Kukanganisa kwangu kwapfuura musoro wangu; kuri kundiremera kwazvo somutoro unorema.”—Pis. 38:4.

2 Kuwedzera pamatambudziko agara achingosangana nevanhu vose, vaKristu vechokwadi vanoita sevakatakura danda ravo rokutambudzikira. (Ruka 14:27) Vadzidzi vaJesu vanovengwa uye vanotambudzwa sezvaaingoitwawo. (Mat. 10:22, 23; Joh. 15:20; 16:2) Saka kana tichida kutevera Kristu tinofanira kushanda nesimba chaizvo totsungirira tichimirira makomborero achavapo munyika itsva.—Mat. 7:13, 14; Ruka 13:24.

3. Tinoziva sei kuti kufadza Mwari hazvirevi kuti vaKristu vanofanira kurarama upenyu hwokutambudzika?

3 Saka zvinoreva here kuti vaKristu vechokwadi vanorarama upenyu hwokungogara vakasuruvara? Hwedu upenyu ndehwokungosuruvara nokungopunyaira kusvikira mugumo wasvika here? Zviri pachena kuti Jehovha anoda kuti tinge tichifara patinenge takamirira kuzadzika kwezvaakavimbisa. Bhaibheri rinogara richirondedzera vanamati vechokwadi richiti vanhu vanofara. (Verenga Isaya 65:13, 14.) Pisarema 5:11 inoti, “Vose vanopotera [kuna Jehovha] vachafara; vachashevedzera nomufaro nokusingagumi.” Kunyange munhu akamomoterwa nenhamo, zvinobvira kuti afare, agadzikane mupfungwa, uye agutsikane. Ngatimboongororai kuti Bhaibheri rinotibatsira sei kukunda matambudziko edu toramba tichifara.

Jehovha ‘ndiMwari Anofara’

4. Mwari anonzwa sei kana vanhu vakarega kuita zvaanoda?

4 Chimbofunga nezvaJehovha. SaMwari Wemasimbaose, ndiye ane simba pazvinhu zvose zvakasikwa. Hapana chaanoshayiwa uye haadi rubatsiro rwomumwe munhu. Zvisinei, pasinei nokuti Jehovha ane simba risingaenzaniswi, anofanira kunge akamboti orei mwoyo pakapanduka mumwe wevanakomana vake akazviita Satani. Mwari anofanira kunge akashungurudzika pakazopandukawo dzimwe ngirozi. Fungawo kurwadziwa kwakaita Mwari pakapanduka Adhamu naEvha, zvisikwa zvake zvaipfuura zvinhu zvose zvinooneka zvaakanga asika. Kubvira ipapo, mabhiriyoni evana vavo akaramba kutongwa naJehovha.—VaR. 3:23.

5. Chii chinoita kuti Jehovha arwadziwe zvikuru?

5 Kupanduka kwakatangwa naSatani kuchiri kuenderera mberi. Kwemakore anosvika 6 000, Jehovha anga achiona zvinhu zvakadai sekunamata zvifananidzo, kurwisana, kuponda uye unzenza. (Gen. 6:5, 6, 11, 12) Uyezve anogara achinzwa vanhu vachireva nhema dzisingaiti uye vachimumhura. Kunyange vanamati vechokwadi vaMwari vanombomurwadzisawo. Bhaibheri rinorondedzera kumwe kumurwadzisa kwavakamboita richiti: “Vaimupandukira kazhinji sei murenje, vaimurwadzisa sei mugwenga! Asi vaiedza Mwari vamuedzazve, uye vakarwadzisa Mutsvene waIsraeri.” (Pis. 78:40, 41) Jehovha anorwadziwa zvikuru paanorambwa nevanhu vake. (Jer. 3:1-10) Zviri pachena kuti zvinhu zvakaipa zvinoitika, uye pakadaro Jehovha anorwadziwa chaizvo.—Verenga Isaya 63:9, 10.

6. Jehovha anoita sei paanotarisana nezvinhu zvinorwadza?

6 Asi Jehovha haabvi arwadziwa uye aodzwa mwoyo zvokushaya kuti oita sei. Zvinhu pazvakaoma, Jehovha akabva angotora matanho okuti zvisazoguma zvanyanya kuipa. Akatorawo mamwe matanho anosvika kure kuti chinangwa chake chipedzisire chazadziswa. Matanho ose akanaka aakatora aya anoita kuti Jehovha atarisire kurevererwa kwouchangamire hwake izvo zvichaita kuti vanamati vake vakavimbika vawane makomborero. (Pis. 104:31) Pasinei nekuzvidzwa kwaanoitwa, Jehovha anoramba ari “Mwari anofara.”—1 Tim. 1:11; Pis. 16:11.

7, 8. Kana zvinhu zvikaenda nepasipo, tingatevedzera sei Jehovha?

7 Hatingazvienzanisi hedu naJehovha pakukwanisa kugadzirisa matambudziko. Kunyange zvakadaro tinogona kumutevedzera patinosangana nematambudziko. Hapana munhu asingarwadziwi kana zvinhu zvikaenda nepasipo, asi hatifaniri kuzoramba takangosuruvara. Sezvo takasikwa nomufananidzo waJehovha, tine uchenjeri uye tinokwanisa kufunga, izvo zvinoita kuti tiongorore matambudziko edu totora matanho pazvinobvira.

8 Chimwe chinhu chinogona kutibatsira kukunda matambudziko oupenyu kuziva kuti zvimwe zvinhu hapana zvatinogona kuzviita. Kuramba tichingorwadziwa nezvinhu zvakadaro kungatowedzera kutishungurudza uye kutishayisa mufaro pakunamata kwechokwadi. Kana waita zvaunogonawo kugadzirisa chinetso, zviri nani kubvisa pfungwa dzako pachiri wotanga kufunga nezvezvinhu zvinobatsira. Nyaya dzomuBhaibheri dzinotevera dzichanyatsoratidza kuti pfungwa iyi ndeyechokwadi.

Kugamuchira Zvinhu Sezvazviri Kunokosha

9. Hana akagamuchira sei zvinhu sezvazvaiva?

9 Chimbofunga zvakaitika kuna Hana, akazova amai vomuprofita Samueri. Aishayiswa hope nenyaya yokushaya mbereko. Izvi zvaiita kuti asekwe uye atsvinyirwe. Airwadziwa zvokuti dzimwe nguva aitochema zvokutadza kudya. (1 Sam. 1:2-7) Mumwe musi Hana aenda kutemberi, “mweya [wake] waishungurudzika, akatanga kunyengetera kuna Jehovha, akasvimha misodzi kwazvo.” (1 Sam. 1:10) Hana paakanga adurura mwoyo wake kuna Jehovha, mupristi mukuru Eri akaenda kwaari akati: “Enda norugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe chikumbiro chako chawamukumbira.” (1 Sam. 1:17) Paakangodaro, Hana anofanira kunge akaziva kuti akanga aitawo zvaaigona. Hapana zvaaigona kuita panyaya yake yokushaya mbereko. Hana akagamuchira zvinhu sezvazvaiva. Akabva aenda “akadya, uye chiso chake hachina kuzonetsekazve.”—1 Sam. 1:18.

10. Pauro akagamuchira sei dambudziko rake paakatadza kuripedza?

10 Muapostora Pauro akaratidzawo maonero akaita seaHana padambudziko raakasangana naro. Dambudziko iri raimushungurudza zvikuru. Akati raiva “munzwa munyama.” (2 VaK. 12:7) Pasinei nokuti dambudziko iri raiva rei, Pauro akaita zvaaigona, achinyengetera kuna Jehovha kuti aribvise. Akateterera Jehovha kangani nezvenyaya yacho? Katatu. Apedza kuteterera kechitatu, Mwari akamuudza kuti akanga asiri kuzoita chishamiso chokumubvisira “munzwa munyama” uyu. Pauro akazvigamuchira achibva aisa pfungwa dzake dzose pakushumira Jehovha zvizere.—Verenga 2 VaKorinde 12:8-10.

11. Kunyengetera nokuteterera kunotibatsira sei kutsungirira matambudziko edu?

11 Mienzaniso iyi hairevi kuti tinofanira kurega kunyengetera kuna Jehovha nezvezvinenge zvichitishungurudza. (Pis. 86:7) Shoko raMwari rinototi: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga.” Jehovha achapindura sei kuteterera nokukumbira kwakadaro? Bhaibheri rinowedzera kuti: “Uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaF. 4:6, 7) Jehovha angasatibvisira hake dambudziko redu, asi anogona kupindura minyengetero yedu nokurinda masimba edu okufunga. Kana tanyengetera nezvenyaya yedu, tinogona kuzoona zvakaipira kuramba tichizvidya mwoyo.

Farira Kuita Zvinodiwa naMwari

12. Sei kuora mwoyo kwenguva refu kungatikuvadza?

12 Zvirevo 24:10 inoti: “Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here? Simba rako richava shoma.” Chimwe chirevo chinoti: “Mudzimu unotambudzika nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo.” (Zvir. 15:13) Vamwe vaKristu vakaora mwoyo zvokusvika pakutadza kuramba vachiverenga Bhaibheri uye vachifungisisa Shoko raMwari. Minyengetero yavo inenge yangova yokuti chero vanyengetera, uye vangarega kuwadzana nevamwe vavanonamata navo. Zviri pachena kuti kana ukaramba wakasuruvara, zvinogona kukukuvadza.—Zvir. 18:1, 14.

13. Zvii zvingatifadza uye zvingatibatsira kuti tisaramba takaora mwoyo?

13 Asiwo kurarama tiine chivimbo kunotibatsira kuisa pfungwa dzedu pazvinhu zvinogona kutipa mufaro. Dhavhidhi akanyora kuti: “Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu.” (Pis. 40:8) Zvinhu pazvinoenda nepasipo muupenyu hwedu, hatifaniri kumbofa takarega kunamata. Tingatoti mushonga wokusuruvara kuita zvinhu zvinoita kuti tifare. Jehovha anotiudza kuti tinogona kufara kana tikaverenga Shoko rake uye tikagara tichinyatsoritarira. (Pis. 1:1, 2; Jak. 1:25) Tinowana “mashoko anofadza” muMagwaro Matsvene uye kumisangano yechiKristu, uye anotikurudzira nokufadza mwoyo yedu.—Zvir. 12:25; 16:24.

14. Zvii zvatinovimbiswa naJehovha zvinotifadza kunyange iye zvino?

14 Mwari ane zvakawanda zvaanotiitira zvinoita kuti tifare. Tinofara chaizvo nezvaakativimbisa zvokuti achatiponesa. (Pis. 13:5) Tinoziva kuti pasinei nezviri kuitika kwatiri iye zvino, pakuguma Mwari achapa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose. (Verenga Muparidzi 8:12.) Muprofita Habhakuki akaratidza kuti aiva nechokwadi nazvo paakanyora kuti: “Kunyange kana muonde ukarega kutumbuka, uye pamizambiringa pakasava nezvibereko; kunyange basa romuorivhi rikakundikana, minda yakatenuka-tenuka ikasabereka zvokudya; kunyange makwai akapera mudanga, uye mumatanga mukasava nemombe; ini ndichapemberera Jehovha nomufaro; ndichafarira Mwari wokuponeswa kwangu.”—Hab. 3:17, 18.

“Vanofara Vanhu Avo Mwari Wavo Ari Jehovha!”

15, 16. Taura zvimwe zvipo zvaMwari zvingatifadza patinenge takamirira makomborero aachatiunzira.

15 Chido chaJehovha ndechokuti tinakidzwe nezvinhu zvakanaka zvaanotipa patinenge takamirira ramangwana rinofadza raachatiunzira. Bhaibheri rinoti: “Ndava kuziva kuti hapana chinhu chiri nani [kuvanhu] kupfuura kuti munhu afare uye aite zvakanaka muupenyu; uyewo kuti munhu wose adye, anwe, uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma. Icho chipo chaMwari.” (Mup. 3:12, 13) ‘Kuita zvakanaka’ kunosanganisira kuitira vamwe zvakanaka. Jesu akati kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira. Kuitira mutsa vatakaroorana navo, vabereki, vana, nevamwe voukama kunoita kuti tigutsikane zvikuru. (Zvir. 3:27) Kuva munhu munyoro, ane mutsa uye anoregerera hama nehanzvadzi dzatinonamata nadzo kunoitawo kuti tifare, uye kunofadza Jehovha. (VaG. 6:10; VaK. 3:12-14; 1 Pet. 4:8, 9) Uye kuzvipira kuita ushumiri hwedu kunoita kuti tizowana mubayiro zvechokwadi.

16 Mashoko aMuparidzi ambotaurwa pamusoro apa anotaura nezvezvinhu zvinofadza, zvakadai sokudya nokunwa. Kunyange patinenge tawirwa nemiedzo, tinogona kufara nezvipo zvatinowana kuna Jehovha. Uyezve, zvinhu zvakadai sokuona kunaka kunenge kwakaita denga panovira zuva, nzvimbo dzinoyevedza, matambiro anoita vana vemhuka, nezvimwewo zvakasikwa zvinoshamisa, tinozviwana pachena asi zvinotiyevedza uye zvinoita kuti tifare. Patinofunga nezvezvinhu zvakadaro, tinowedzera kuda kwatinoita Jehovha, nokuti ndiye Mupi wezvinhu zvose zvakanaka.

17. Chii chichatisunungura zvachose pamatambudziko, uye iye zvino tinonyaradzwa nei?

17 Kuda kwatinoita Mwari, kuteerera mirayiro yake, uye kutenda muchibayiro chorudzikinuro kuchaita kuti tigume tasunungurwa pamatambudziko anokonzerwa nokusakwana uye kuchaita kuti tizogara tichifara narini. (1 Joh. 5:3) Iye zvino, tinonyaradzwa nokuziva kuti Jehovha anonyatsoziva zvose zvinotitambudza. Dhavhidhi akanyora kuti: “Ndichafara nokufarira kwazvo mutsa wenyu worudo, pakuti makaona kutambudzika kwangu; makaziva nezvokutambudzika kwomweya wangu.” (Pis. 31:7) Jehovha achatinunura pamatambudziko nokuti anotida.—Pis. 34:19.

18. Nei vanhu vaMwari vachifanira kufara zvikuru?

18 Patinenge takamirira kuzadzika kwezvipikirwa zvaJehovha, Mwari anofara, ngatimutevedzerei. Dai matambudziko akasaita kuti tidzokere kumashure pakunamata. Panomuka matambudziko, dai tikatungamirirwa nemano okufunga nouchenjeri. Jehovha achatibatsira kuti zvinhu zvisatikunda uye kuti titore matanho anokwanisika okuti matambudziko asaguma anyanya kuipa. Ngatifarirei zvinhu zvakanaka zvinobva kwaari, zvatinoona uye zvine chokuita nokunamata. Kana tikaramba tiri pedyo naMwari, tichakwanisa kufara nokuti “vanofara vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha!”—Pis. 144:15.

Wadzidzei?

• Patinenge tawirwa nematambudziko, tingatevedzera sei Jehovha?

• Kugamuchira zvinhu sezvazviri kungatibatsira sei kukunda matambudziko?

• Munguva dzenhamo, tingafara sei nokuita kuda kwaMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 16]

Jehovha anorwadziwa nezvinhu zvakaipa zviri kuitika

[Kwazvakatorwa]

© G.M.B. Akash/Panos Pictures

[Mifananidzo iri papeji 18]

Jehovha anotibatsira kuti tifare