Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvingaita Here Kuti Uyambukire kuMakedhoniya?

Zvingaita Here Kuti Uyambukire kuMakedhoniya?

Zvingaita Here Kuti Uyambukire kuMakedhoniya?

MUAPOSTORA Pauro paaiva pachiteshi chengarava chokuguta reTroasi, ane chiratidzo chaakaoneswa achiita seari kurota. Mumwe murume wokuMakedhoniya akamukumbira kuti: “Yambukirai kuMakedhoniya mutibatsire.” Pauro paakangoona chiratidzo chacho, iye neshamwari dzake dzaaifamba nadzo ‘vakagumisa kuti Mwari akanga avashevedza kuti vazivise mashoko akanaka’ kuvanhu vokuMakedhoniya. Chii chakazoitika? Kuguta rokutanga muMakedhoniya rainzi Firipi, Ridhiya nemhuri yake vakava vatendi. Vamwewo vaiva muruwa irworwo rweMakedhoniya kuRoma vakazova vatendi.—Mab. 16:9-15.

Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza kuti zvinoshingairawo saizvozvo. Vakawanda vari kusarudza kushandisa mari yavo kuti vatamire kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi voUmambo. Somuenzaniso, Lisa aida kuti ushumiri hunyatsova chinhu chikuru muupenyu hwake. Akatamira kuKenya achibva kuCanada. Trevor naEmily, vanobvawo kuCanada, vakatamira kuMalawi nechinangwa chokunowedzera ushumiri hwavo. Paul naMaggie, vokuEngland, vakaona mudyandigere wavo somukana wakanaka wokunyatsoita basa raJehovha ndokutamira kuEast Africa. Iwewo uri munhu anozvipira here? Ungakwanisawo here kutama sezviri kuita vamwe? Kana zvakadaro, mazano api ari muBhaibheri anobatsira uye ipfungwa dzipi dzirimo dzingakubatsira kuti ubudirire?

Zviongorore

Chokutanga chaunofanira kufunga nezvacho ndechokuti uri kuda kutamirei. Jesu akati murayiro mukuru kune mimwe yose ndewokuti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” Zvikonzero zvako zvokutamira kundima yeimwe nyika zvinofanira kunge zviri zvokuda Mwari uye chido chokuita basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Jesu akaenderera mberi achiti: “Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’” Kana uchida muvakidzani zvinoonekwa nechido chako chokumubatsira. (Mateu 22:36-39; 28:19, 20) Kushanda kune imwe nyika rinowanzova basa chairo uye kunoda kuzvipira. Hazvisi zvokungotsvaka kunakidzwa. Rudo ndirwo runofanira kuva musimboti wezvaunenge uchiita. Remco naSuzanne vanobva kuNetherlands, avo vari kushumira vari kuNamibia vanoti: “Rudo ndirwo ruri kuita kuti tigare kuno.”

Willie, mutariri wedunhu kuNamibia anoti: “Kuti vanhu vakwanise kuramba vari mundima dzokune dzimwe nyika havafaniri kutarisira kuti hama dzeko ndidzo dzichavachengeta. Vanofanira kuuya vaine pfungwa yokusvikoshanda nehama dzomunyika imomo, vachidzibatsira kuparidza.”

Kana waona kuti vavariro yako yakanaka, zvibvunze kuti: ‘Chii chandinogona chandingazonobatsira nacho kana ndaenda kune imwe nyika? Ndinonyatsogona basa rokuparidza here? Ndinogona mitauro ipi? Ndinoda kudzidza mumwe here?’ Nyatsokurukurai nyaya iyi nemhuri yako muchibudirana pachena. Imbonzwawo kuti vakuru vomuungano mako vanotii. Uye unotofanira kunyengetera kuna Jehovha nezvenyaya yacho. Kuzviongorora kwakadaro kunofanira kukubatsira kuona kana uchinyatsokwanisa kunoshanda kune imwe nyika uye kuti une chido here.—Ona bhokisi rakanzi  “Zviongorore.”

Kwaungaenda

Pauro akadanwa achiita seari kurota akanzi aende kuMakedhoniya. Nhasi uno Jehovha haaiti zvokutirotsa kuti atiudze zvokuita. Asi anoshandisa magazini ino nemamwe mabhuku kuti vanhu vake vazive nezvendima dzakawanda dzinodiwa vaparidzi. Saka tanga wanyora pasi nzvimbo dzakadaro. Kana usingakwanisi kudzidza mumwe mutauro kana kuti usingakwanisi kuzonogara kune imwe nyika kwenguva refu, ona kana zvichiita kuti utamire kunotaurwa mutauro waunototaura. Wadaro bvunza nezvezvinhu zvakadai semavhiza, zvokufambisa, ngozi dzingavapo, mitengo yezvinhu zvokurarama nazvo, uye mamiriro okunze. Zvingakubatsira kumbotaura nevamwe vakambozviita. Nyengetera nezvenyaya iyi. Yeuka kuti Pauro nevamwe vake vakanga vamborambidzwa “nomudzimu mutsvene kutaura shoko muruwa rweEzhiya.” Kunyange zvazvo vakaedza kuenda kuBhitiniya, “mudzimu waishandiswa naJesu hauna kuvabvumira.” Saka zvingakutorerawo nguva kuti usarudze nzvimbo yaunganonyatsobatsira.—Mabasa 16:6-10.

Kusvika parizvino ungadaro watova nenzvimbo dzawakaona kuti dzinoita kuti utamire kwadziri. Kana uri kufunga kutamira kune imwe nyika, nyorera hofisi dzemapazi dzeZvapupu zvaJehovha dzomunyika dzauri kufunga nezvadzo. Tsanangura kuti wakamira sei panyaya dzokunamata, wobvunza zvose zvaunenge uchida kuziva, zvakadai semitengo yezvinhu zvokurarama nazvo, kuti ungazowana pokugara pakaita sei, zvipatara zvakamira sei, uye kuti mabasa anowanika here. Wadaro ipa dare rebasa romuungano mako tsamba yacho. Vachanyorawo yavo tsamba vachitaura zvavanofunga nezvako vobva vaitumira pamwe chete neyako kuhofisi dzemapazi dzaunenge wataura. Mhinduro dzauchawana dzingangokubatsira kusarudza kuti ndokupi kwaungazononyatsobatsira.

Willie, watambotaura nezvake, anoti: “Vaya vanobudirira vanowanzotanga vashanyira nyika yacho, votsvaka nzvimbo dzavanoona kuti vangazofarira kugara. Mumwe murume nomukadzi vakaziva kuti zvaizovaomera kugara kumaruwa. Saka vakasarudza kugara mune kamwe kataundi kaidiwa vaparidzi asi kwavaizogona kurarama vachifara.”

Matambudziko Ausina Kujaira

Hapana mubvunzo kuti kana ukatama munzvimbo yawakajaira uchinogara kwausati wambogara pane zvimwe zvichakuomera. “Kusuwa vamwe kungakutadzisa kufara,” anodaro Lisa, watambotaura nezvake. Anobatsirwa nei? Kuramba ari pedyo nevanhu vomuungano yekwaakatamira. Akavavarira kuti azive zita romunhu wose arimo. Kuti akwanise kuita izvi, aikurumidza kusvika pamisangano ononoka kubva kuitira kuti ataure nehama nehanzvadzi. Lisa aishandawo nevamwe muushumiri, aikoka vakawanda kumba kwake, uye akava neshamwari dzakawanda. Anoti: “Handimbozvidembi kuti ndakatama. Zvechokwadi Jehovha ari kundikomborera.”

Paul naMaggie pavakayarutsa vana vavo, vakatama pamba pavakanga vagara kwemakore 30. Paul anoti: “Kusiyana nezvinhu zvataiva nazvo kwakava nyore zvataisatombotarisira. Asi kuparadzana nemhuri ndiko kwakanga kwakatiomera kupfuura zvataitarisira. Takachema zvokuchema zviya pataiva mundege. Zviri nyore kufunga kuti, ‘Tichanozvigona iyesu?’ Asi takavimba naJehovha. Kuva neshamwari itsva kunoita kuti usadzokera shure.”

Greg naCrystal vakasarudza kutamira kuNamibia vachibva kuCanada nokuti vaitaura Chirungu, mutauro unozivikanwa nevanhu vakawanda muNamibia. Zvisinei, vakazoona zvichibatsira kudzidza mumwe mutauro womunyika iyoyo. “Dzimwe nguva zvaitiodza mwoyo. Zvisinei, takazotanga kunzwisisa tsika dzevanhu vacho patakanga tava kugona mutauro wavo. Kugara tichiwadzana nehama dzomunyika iyi kwakatibatsira kuita zvinoenderana nekwatakanga tava kugara.”

Kuzvininipisa uye kuratidza chido kwakadaro kunogona kuita kuti hama dzekwatinenge tatamira dzifarirewo basa racho. Jenny anoyeuka kufarira kwaaiita mhuri dzakatamira kuIreland, kwaakakurira. “Vaiva nomutsa chaizvo,” anodaro. “Vakanga vauya kuzoshumira, kwete kuzoshumirwa. Vaishingaira uye vaifara zvokuti zvakandipa shungu dzokuzviedzawo.” Iye zvino Jenny nomurume wake vava mamishinari kuGambia.

Chikomborero chaJehovha “Ndicho Chinopfumisa”

Zvakaitika kuna Pauro paaiva kuMakedhoniya zvakamubatsira chaizvo! Kwapera makore angasvika gumi, akanyorera hama dzokuFiripi kuti: “Ndinogara ndichionga Mwari wangu pose pandinokuyeukai.”—VaF. 1:3.

Trevor naEmily, avo vakashumira vari kuMalawi vasati vakokwa kuChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, vanonzwawo semanzwiro akaita Pauro. “Taimbozvibvunza kuti, tiri kuita zvinhu kwazvo here, asi taifara. Taidanana chaizvo uye taiona kuti Jehovha ari kutikomborera.” Greg naCrystal, vambotaurwa, vanoti, “Hatimbozvidembi.”

Chokwadi ndechokuti tose hatingakwanisi kutamira kune imwe nyika kunodiwa vaparidzi. Vamwe vangakwanisa kutamira kune imwe nzvimbo yomunyika mavo inenge ichidiwa vaparidzi. Vamwe vanogona kunobatsira dzimwe ungano dziri pedyo nekwavanogara. Chinokosha ndechokuti uri kuita zvose zvaunogona kuti ushumire Jehovha. (VaK. 3:23) Saka mashoko akafuridzirwa achazadzika kwauri, anoti: “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.”—Zvir. 10:22.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]

 Zviongorore

Kuti uongorore kana zvichiita kunoshanda kune imwe nyika, nyengetera uchifunga nezvemibvunzo inotevera woona kuti zvakakodzera here kutama. Mashoko ari mumagazini eNharireyomurindi akapfuura achakubatsira pakuongorora kwacho.

• Ndiri munhu anokoshesa zvokunamata here?—“Matanho Okuwana Nawo Mufaro” (October 15, 1997, peji 6)

• Ndiri mushumiri anobudirira here?—“Nzira Yokubudirira Nayo Muushumiri Hwoupiyona” (May 15, 1989, peji 21)

• Ndinokwanisa here kugara kure nemhuri uye shamwari dzangu?—“Kugonana Nokufunga Kumusha Mubasa raMwari” (May 15, 1994, peji 28)

• Ndingakwanisa here kudzidza mumwe mutauro?—“Kushanda Neungano Yomumwe Mutauro” (March 15, 2006, peji 17)

• Ndine mari yokutama here?—“Unogona Kushumira Kune Imwe Nyika Here?” (October 15, 1999, peji 23)

[Mufananidzo uri papeji 6]

Kuzvininipisa uye kuratidza chido kunogona kuita kuti hama dzedu dzifarirewo basa racho

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vaya vanouya kuzoshumira ndivo vanobudirira