Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ramba Uchishingairira . . . Kudzidzisa”

“Ramba Uchishingairira . . . Kudzidzisa”

“Ramba Uchishingairira . . . Kudzidzisa”

“MUNONDITI, ‘Mudzidzisi,’ uye, ‘Ishe,’ munotaura nomazvo, nokuti ndizvo zvandiri.” (Joh. 13:13) Nemashoko iwayo kuvadzidzi vake, Jesu akaratidza kuti aiva mudzidzisi. Ava pedyo kukwira kudenga, Jesu akazorayira vateveri vake kuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mat. 28:19, 20) Muapostora Pauro akazosimbisawo kukosha kwokuva vadzidzisi veShoko raMwari. Akakurudzira mukuru muungano yechiKristu Timoti kuti: “Ramba uchishingairira kuverengera vanhu vose, kurayira, uye kudzidzisa. . . . Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.”—1 Tim. 4:13-15.

Kungofanana nekare ikako, kudzidzisa kuchiri kukosha mubasa romumunda uye kumisangano yedu yechiKristu. Tingaramba sei tichishingairira kudzidzisa, uye izvi zvinotibatsira sei kuti tifambire mberi sevadzidzisi veShoko raMwari?

Tevedzera Mudzidzisi Mukuru

Madzidzisiro aiita Jesu aifadza vanhu vakawanda vaimunzwa. Cherechedza kuti vaya vakanzwa mashoko ake musinagogi kuNazareta vakaita sei. Munyori weEvhangeri Ruka akanyora kuti: “Vose vakatanga kumupupurira zvakanaka vachishamiswa nemashoko anofadza aibuda mumuromo make.” (Ruka 4:22) Vadzidzi vaJesu vaitevedzera Tenzi wavo pamaparidziro avaiita. Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti: “Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.” (1 VaK. 11:1) Nokutevedzera madzidzisiro aiita Jesu, Pauro akava nyanzvi chaiyo ‘mukudzidzisa pachena uye paimba neimba.’—Mab. 20:20.

Kudzidzisa “Pamusika”

Muenzaniso wakakurumbira wemadzidzisiro akaita Pauro unowanika muna Mabasa chitsauko 17. Ipapo tinoverenga nezvokushanya kwaakaita kuGirisi muguta reAtene. Chero kwaaitarisa muguta iroro, mumigwagwa, munzvimbo dzaisvika vanhu vakawanda zvaive zvidhori zvoga-zvoga. Regai Pauro akazoshatirwa paakazviona! Kunyange zvakadaro akakwanisa kuzvidzora. “Akatanga kukurukurirana nevaJudha musinagogi . . . uye mazuva ose pamusika nevaya vaivapo.” (Mab. 17:16, 17) Uyu muenzaniso wakanaka kwazvo kwatiri. Kana tikakurukura nevanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, tisingaiti kunge tiri kuvapa mhosva, asi tichivaremekedza, tinogona kuita kuti vateerere vopedzisira vasununguka pakunamata kwenhema.—Mab. 10:34, 35; Zvak. 18:4.

Pauro akasangana nevanhu vakaoma musoro paaive pamusika. Pakati pavo paive nevamwe vazivi vaiva nemafungiro akasiyana nechokwadi chaaiparidza. Vanhu vaaitaura navo pavakatanga kuita nharo, Pauro akateerera zvavaitaura. Vamwe vakamuti munhu “anotaura zvisina zvazvinobatsira,” (shoko racho rechiGiriki ravakashandisa nderokuti “munhongi wemhodzi” iro riri dimikira raireva munhu anowawata). Vamwe vakati: “Anenge muparidzi wavanamwari vokune imwe nyika.”—Mab. 17:18.

Zvisinei, Pauro haana kumboodzwa mwoyo nokutsvinyirwa kwaakaitwa nevateereri vake. Panzvimbo paizvozvo paakanzi atsanangure dzidziso dzake, akashandisa mukana iwoyo kupa mharidzo yakanyatsoratidza unyanzvi hwake hwokudzidzisa ichiratidza kuti ainzwisisa vanhu vacho. (Mab. 17:19-22; 1 Pet. 3:15) Ngationgororei hurukuro yake tidzidze zvidzidzo zvinogona kutibatsira kunatsiridza madzidzisiro edu.

Tsvaka Nyaya Yamunopindirana

Pauro akati: “Vanhu vomuAtene, ndinoona kuti muzvinhu zvose munoita sokuti munotya vanamwari kwazvo kupfuura zvinoita vamwe. Somuenzaniso, pandakanga . . . ndichinyatsocherechedza zvinhu zvamunonamata, ndakawana atari yakanga yakanyorwa kuti ‘Kuna Mwari Asingazivikanwi.’ Naizvozvo chamuri kuzvipira kwachiri saMwari musingazivi, ndicho chandiri kukuparidzirai.”—Mab. 17:22, 23.

Pauro akacherechedza zvakamupoteredza. Akadzidza zvakawanda nezvevanhu vaaitaura navo kubva mukuongorora. Isuwo tine zvatinodzidza pavanhu vatinoparidzira kana tikaongorora. Somuenzaniso, zvinhu zvinotambiswa nevana zviri pachivanze kana kuti mbatya dzakayanikwa zvinogona kutaura zvakawanda. Kana tiine karuzivo nezvemamiriro ezvinhu omunhu wacho, tichasarudza nokuchenjera zvatichataura uye matauriro atichazviita.—VaK. 4:6.

Pauro haana kutaura mashoko aityisa vanhu. Zvisinei, akaona kuti ‘kuzvipira kunaMwari’ kwevagari vomuAtene kwaibva pakuti vaisava nezivo yakarurama. Pauro akanyatsovaratidza kuti vaifanira kunamata sei Mwari wechokwadi. (1 VaK. 14:8) Saka zvinokosha kwatiri kuti patinenge tichizivisa mashoko akanaka oUmambo, titaure zvinonzwika uye zvakajeka.

Taura Nokungwarira Uye Usasarure

Pauro akaenderera mberi achiti: “Mwari akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi, Iyeyu zvaari Ishe wedenga nenyika, haagari mutemberi dzakaitwa nemaoko, uyewo haashandirwi nemaoko evanhu sokunge kuti pane chimwe chinhu chaanoshayiwa, nokuti iye anopa vanhu vose upenyu nemhepo yokufema nezvinhu zvose.”—Mab. 17:24, 25.

Pano Pauro akaita kuti vateereri vake vazive kuti Jehovha ndiye Mupi Weupenyu, achizviita noungwaru nokutaura nezvake ‘saIshe wedenga nenyika.’ Zvinofadza sei kubatsira vanhu vane mwoyo inoda, vanobva muzvitendero netsika dzakasiyana-siyana kuti vasvike pakunzwisisa kuti upenyu hwose hunobva kuna Jehovha Mwari!—Pis. 36:9.

Pauro akazoti: “Akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete, . . . uye akatema nguva dzakatarwa nemiganhu yakaiswa yokugara kwevanhu, kuti vatsvake Mwari, vamutsvangadzire, vamuwane, chokwadi, kunyange zvazvo asiri kure nomumwe nomumwe wedu.”—Mab. 17:26, 27.

Tinoratidza zvakaita Mwari watinonamata nemadzidzisiro atinoita. Asingasaruri, Jehovha anobvumira kuti vanhu vemarudzi ose “vamutsvangadzire, vamuwane.” Kungofanana naye, tinotaura nevanhu vose vatinosangana navo tisingasaruri. Tinoedza kubatsira vanhu vose vanotenda kuti kune Musiki kuti vave pedyo zvikuru naye, izvo zvinozotungamirira kuzvikomborero zvisingaperi. (Jak. 4:8) Asi tingabatsira sei vaya vanoti hakuna Mwari? Tinotevedzera muenzaniso waPauro. Ngationei zvaakazotaura.

“Naye tine upenyu, tinofamba uye tiripo, sezvakataurwa nevamwe vadetembi vari pakati penyu kuti, ‘Nokuti tiri chizvarwa chakewo.’ Naizvozvo, zvatiri vana vaMwari, hatifaniri kufunga kuti Mwari akafanana nendarama kana sirivha kana dombo.”—Mab. 17:28, 29.

Pauro akaita kuti vaAtene vamuteerere nokutora mashoko munhetembo dzevadetembi vavaiziva uye vavaibvumirana navo. Saka nesuwo tinofanira kukurukura nevateereri vedu zvinhu zvatinoziva kuti vanobvumirana nesu. Somuenzaniso, muenzaniso wakanyorwa naPauro mutsamba yake yaakanyorera vaHebheru ndewechokwadi nanhasi wokuti: “Imba imwe neimwe inovakwa nomumwe munhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” (VaH. 3:4) Kuita kuti vatinenge tichikurukura navo vafungisise muenzaniso uyu uri nyore kunoita kuti vaone kuti zvatinotaura ndezvechokwadi. Ngatimboonei chimwe chiri mumharidzo yaPauro chinoita kuti kudzidzisa kubudirire, kuudza vanhu zvavachawana.

Simbisa Kuti Nguva Yapera

Pauro akati: “Chokwadi, Mwari akafuratira nguva dzokusaziva kwakadaro, asi zvino ari kuudza vanhu kuti kwose kwose vose vanofanira kupfidza. Nokuti akatara zuva raanoda kutonga naro nyika inogarwa, nokururama achishandisa munhu waakagadza.”—Mab. 17:30, 31.

Kubvumira kwakaita Mwari kuti zvakaipa zvimbovapo, kuri kutipawo mukana wokuratidza zviri kutsi kwemwoyo yedu. Zvinokosha kuti tiratidze vanhu kuti nguva yapera uye titaure nechivimbo zvikomborero zvichaunzwa nokutonga kwoUmambo uhwu hwava pedyo zvikuru.—2 Tim. 3:1-5.

Zvavanozoita Zvinosiyana-siyana

“Naizvozvo, pavakanzwa nezvokumuka kwevakafa, vamwe vakatanga kuseka, asi vamwe vakati: ‘Tichakunzwa pamusoro paizvozvi pane imwe nguva.’ Nokudaro Pauro akabuda pakati pavo, asi vamwe vanhu vakabatana naye, vakava vatendi.”—Mab. 17:32-34.

Vamwe vanotenda dzidziso yedu pakarepo; vamwe vanotoda nguva yakareba kuti vagutsikane. Asi kana tikatsanangura chokwadi zvakajeka uye zviri nyore tobatsira kunyange munhu mumwe chete kuti asvike pakuva nezivo yakarurama yaJehovha, hakusi kufara kwatinoita kuti tashandiswa naMwari kuita kuti vanhu vauye kuMwanakomana wake!—Joh. 6:44.

Zvatinodzidza

Sezvatinofungisisa hurukuro yaPauro, tinodzidza matsananguriro atingaita chokwadi cheBhaibheri kune vamwe. Kana tikawana ropafadzo yokupa hurukuro muungano, tinoedza kutevedzera Pauro nokushandisa unyanzvi hunobatsira munhu asingatendi kuti abvume chokwadi cheBhaibheri. Tinoda kutaura chokwadi ichi sezvachiri, asi tinofanira kungwarira kuti tisaite setiri kunyomba zvinotendwa nevamwe vasiri Zvapupu vangave varimo. Paya patinenge tichiparidzawo, tinoedza nepatinogona napo kunyengetedza uye kutaura nokungwarira. Nokuita izvi, tinotevedzera zano raPauro ‘rokushingairira kudzidzisa.’

[Mufananidzo uri papeji 30]

Pauro aidzidzisa zvakajeka, zviri nyore, uye nokungwarira

[Mufananidzo uri papeji 31]

Tinotevedzera Pauro nokufunga nezvemanzwiro omunhu watiri kuparidzira