Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Remekedzai Imba Yenyu Sechipo Chamakapiwa naMwari

Remekedzai Imba Yenyu Sechipo Chamakapiwa naMwari

Remekedzai Imba Yenyu Sechipo Chamakapiwa naMwari

“Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.”—GEN. 2:24.

1. Sei Jehovha akakodzera kuti timuremekedze?

JEHOVHA MWARI, Muvambi wourongwa hwokuwanana, akakodzera kuti timuremekedze zvechokwadi. Somusiki, Changamire, Baba vokudenga, akakodzera kunzi Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.” (Jak. 1:17; Zvak. 4:11) Izvi zvinoratidza rudo rwake rukuru. (1 Joh. 4:8) Zvose zvaakatidzidzisa, zvose zvaakati tiite, zvose zvaakatipa, akazviitira kuti zvitifambire zvakanaka uye tibatsirwe.—Isa. 48:17.

2. Murume nomudzimai vokutanga vakapiwa mirayiridzo yokutii naJehovha?

2 Bhaibheri rinotaura nezvokuwanana sechimwe chezvipo izvi “zvakanaka” zvinobva kuna Mwari. (Rute 1:9; 2:12) Paakachatisa vanhu vokutanga, Adhamu naEvha, Jehovha akavaudza zvavaizofanira kuita kuti vabudirire. (Verenga Mateu 19:4-6.) Dai vakateerera zvavakanga vaudzwa naMwari, vangadai vakaramba vachifara kusvika narini. Zvisinei, vakaita upenzi ndokuzvidza murayiro waMwari zvikavapinza mumatambudziko anorwadza.—Gen. 3:6-13, 16-19, 23.

3, 4. (a) Vakawanda vanoratidza sei kuti havaremekedzi wanano uye Jehovha Mwari? (b) Tichakurukura mienzaniso ipi munyaya ino?

3 Vakawanda mazuva ano vakangofanana naAdhamu naEvha pakuti kana vachironga zvinhu zvine chokuita newanano havanei nezvinotaurwa naJehovha. Vamwe vanoramba urongwa uhwu vachiita zvavo zvemapoto, uye vamwewo vanoedza kuhuchinja kuti huenderane nezvido zvavo. (VaR. 1:24-32; 2 Tim. 3:1-5) Havana basa nokuti kuroorana chipo chinobva kuna Mwari, uye kushaya kwavo basa nechipo ichocho kunoratidza kuti havanawo basa neakachipa wacho, Jehovha Mwari.

4 Dzimwe nguva kunyange vanhu vaMwari vanotadza kunyatsonzwisisa kuti Jehovha anoona sei wanano. Vamwe vaKristu vanosarudza kuparadzana kana kurambana pasina chikonzero chinobvumirwa neMagwaro. Izvi zvingadziviswa sei? Murayiro waMwari uri pana Genesisi 2:24 ungabatsira sei vaKristu vakaroorana kusimbisa dzimba dzavo? Uye vaya vari kuronga kuva nedzimba vangagadzirira sei? Ngatimbotarisai mhuri nhatu dzomuBhaibheri dzaiita zvakanaka dzinoratidza kuti kuremekedza Jehovha kunokosha pakuita kuti murume nomudzimai vachembedzane.

Ivai Vakavimbika

5, 6. Chii chingave chakava muedzo kuna Zekariya naErizabheti, uye vakapiwa mubayiro wei pamusana pokuvimbika kwavo?

5 Pana Zekariya naErizabheti pakanga pasina chawaishora. Vakanga vakaroorana vanhu vaitya Mwari voga voga. Zekariya akanga akatendeka pabasa rake roupristi, uye vari vaviri vaichengeta Mutemo waMwari maererano nezvavaikwanisa. Vaiva nezvakawanda zvokuti vatende Mwari. Asi kudai waizoshanya kumba kwavo muJudha waizoona kuti pane chakanga chisina kumira zvakanaka. Vaisava nevana. Erizabheti aishaya mbereko, uye vose vakanga vachembera.—Ruka 1:5-7.

6 Panguva yevaIsraeri, kuva nevana kwaikosheswa chaizvo, uye mhuri dzaiwanzova dzakakura chaizvo. (1 Sam. 1:2, 6, 10; Pis. 128:3, 4) Murume wechiIsraeri makore iwayo aigona kutsvaka nzira dzokunyengera kuti arambe mudzimai wake akanga asina mbereko. Asi Zekariya haana kumbosiya Erizabheti. Haana kutsvaka zvikonzero zvisina musoro zvokuti varambane uye mudzimai wake haana kuitawo saizvozvo. Kunyange zvazvo zvaivadya mwoyo kuti vaisava nevana, vakaramba vachishumira Jehovha vari pamwe chete. Pava paye, Jehovha akazovapa mubayiro nokuita chishamiso chokuita kuti vave nemwana vachembera.—Ruka 1:8-14.

7. Zviizve zvakaitwa naErizabheti zvinoratidza kuti akanga akavimbika kumurume wake?

7 Erizabheti ane zvimwezve zvaakaita zvinoratidza kuvimbika kwake kunoyemurika. Mwanakomana wake Johani paakazvarwa, Zekariya aisakwanisa kutaura nokuti akanga aitwa mbeveve pamusana pokusabvuma zvakataurwa nengirozi yaMwari. Asi Zekariya anofanira kuva akashandisa imwe nzira kuudza mudzimai wake zvaakanga audzwa nengirozi yaJehovha kuti atumidze mukomana wacho kuti “Johani.” Vavakidzani nevoukama vaida kuti atumidzwe zita rababa vake. Asi Erizabheti akasimbirira pakuita zvaakanga arayirwa nemurume wake. Akati: “Aiwa, hazviiti! asi achanzi Johani.”—Ruka 1:59-63.

8, 9. (a) Kuvimbika kunosimbisa imba sei? (b) Zvinhu zvipi zvinofanira kuitwa nomurume nomudzimai kuti varatidze kuti vakavimbika?

8 Nhasi vanhu vakaroorana vanosangana nezvinoodza mwoyo uye mamwe matambudziko sezvakaita Zekariya naErizabheti. Imba ine vanhu vasina kuvimbika haina kwainosvika. Kutamba nenyaya dzerudo nemunhu wausina kuroorana naye, kuona zvinonyadzisira, upombwe, nezvimwewo zvinogona kukanganisa zvachose chivimbo chomumwe wako. Uye kana murume nomudzimai vasisavimbe nomumwe nomumwe, rudo runotanga kudzikira. Tingati kuvimbika kwakafanana nefenzi inotenderedza musha ichichengetedza varimo kuti vanhu uye zvimwe zvinhu zvisangopinda pazvadira. Saka kana murume nomudzimai vakavimbika vachagara pamwe chete pasina chokutya uye vachataurirana zviri mumwoyo vakasununguka, vachiita kuti rudo rwavo rukure. Kuvimbika kunokosha zvechokwadi.

9 Jehovha akaudza Adhamu kuti: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake.” (Gen. 2:24) Izvozvo zvinorevei? Vanofanira kuchinja zvavaiita nehama neshamwari dzekare. Mumwe nomumwe wavo anofanira kutanga awanira mumwe wake nguva uye amuitira zvaanoda. Havachafaniri kuramba vachiisa hama dzavo neshamwari pokutanga vachisiya mumwe wavo. Havafanirizve kurega vabereki vachipindira pazvisarudzo kana kuti kusanzwisisana zvemumhuri yavo. Vaviri ava iye zvino vanofanira kunamatirana. Ndizvo zvavanoudzwa naMwari kuti vaite.

10. Chii chichabatsira murume nomudzimai kuti vave vakavimbika?

10 Kunyange kana murume kana kuti mudzimai asiri muKristu, kuvimbika kune mibayiro. Imwe hanzvadzi ine murume asiri Chapupu inoti: “Ndinotenda Jehovha zvechokwadi nokundidzidzisa kwaakaita kuti ndizviise pasi pomurume wangu uye kuti ndimuremekedze zvikuru. Kuramba ndakavimbika kwaita kuti ndigare nomurume wangu kwemakore 47 ndichimuda uye ndichimuremekedza.” (1 VaK. 7:10, 11; 1 Pet. 3:1, 2) Saka shanda zvakaoma kuti mumwe wako ave nechivimbo chokuti hausi kuzomusiya. Mumashoko ako nezviito, tsvaka nzira dzokuratidza mumwe wako, kuti ndiye munhu waunokoshesa kupfuura vamwe vose pasi pezuva. Nepaunogona napo, usarega mumwe munhu kana chimwe chinhu chichikanganisa rudo rwako nomumwe wako. (Verenga Zvirevo 5:15-20.) Ron naJeannette, avo vava nemakore 35 vakaroorana vanoti, “Mumba medu munofarwa uye tava kutochembedzana nokuti tinoita zvinodiwa naMwari kwatiri takavimbika.”

Kubatana Kunosimbisa Imba

11, 12. Akwira naPrisira vaishanda sei pamwe chete (a)pamba, (b) kubasa kwavo, uye (c) muushumiri hwechiKristu?

11 Paitaura muapostora Pauro nezveshamwari dzake dzepamwoyo Akwira naPrisira, akanga asingatauri nezvemumwe achisiya mumwe wacho. Mhuri iyi yakanga yakabatana muenzaniso wakanaka wezvairehwa naMwari paakati murume nomudzimai vanofanira kuva “nyama imwe.” (Gen. 2:24) Vaigara vachishanda pamwe chete mumba mavo, kubasa kwavo, uye muushumiri hwechiKristu. Somuenzaniso pakatanga kusvika Pauro kuKorinde, Akwira naPrisira vakamuitira mutsa, vakagara naye pamba pavo, paakazenge ava kuchengetera zvinhu zvake achishumira munharaunda iyoyo. Pave paya, muEfeso vakashandisa musha wavo kuti upindirwe misangano yeungano uye vakashanda pamwe chete kuti vabatsire vatsva, vakadai saAporo, kuti vakure pakunamata. (Mab. 18:2, 18-26) Mhuri iyi yaishingaira yakazoenda kuRoma, uko kwavakaita zvakare kuti mumba mavo mupindirwe misangano yeungano. Vakazodzokera kuEfeso, vakanosimbisa hama.—VaR. 16:3-5.

12 Akwira naPrisira vakamboshanda naPauro pabasa ravaigona vose rokugadzira matende. Tinoona zvakare vaviri ava vachishanda pamwe chete vasingakwikwidzani kana kudhonzerana. (Mab. 18:3) Zvisinei, nguva yavaishanda pamwe chete mumabasa echiKristu ndiyo yakaita kuti imba yavo irambe yakasimba pane zvokunamata. Kubvira kuKorinde, Efeso, kana kuRoma, vaingozivikanwa ‘sevashandi pamwe chete muna Kristu Jesu.’ (VaR. 16:3) Kwose kwose kwavaishumira, vaishanda pamwe chete vachitsigira basa rokuparidza Umambo.

13, 14. (a) Ndezvipi zvingakanganisa kubatana kwomurume nomudzimai? (b) Ndezvipi zvimwe zvingaitwa nevakaroorana kuti vasimbise ukama hwavo se“nyama imwe”?

13 Kubatana pakuzadzisa zvinangwa zvenyu uye pakuita zvinhu zvenyu kunosimbisa imba. (Mup. 4:9, 10) Zvinosuruvarisa kuti vakaroorana vakawanda mazuva ano vanopedza nguva shoma vari pamwe chete. Vanopedza nguva refu vari kumabasa avo. Vamwe vanogara vachingofamba nebasa kana kuti vanoenda kunze kwenyika kuti vanoshanda vachitumira mari kumusha. Kunyange vaya vanenge vari pamba vose, vanoita sokunge vasiri pamwe chete nemhaka yenguva yavanopedza vachiona terevhizheni, kana zvimwe zvavanofarira zvakadai semitambo, kana kuti kushandisa Indaneti. Ndizvo zviri kuitika mumhuri yenyu here? Kana zvakadaro, munogona kugadzirisa zvinhu kuti mupedze nguva yakawanda muri pamwe chete here? Madii kushanda pamwe chete pakubika, kugeza ndiro, kana kutsvaira chivanze? Mungashanda pamwe here kutarisira vana kana kuti kubatsira vabereki vakwegura?

14 Chinonyanya kukosha kugara muchiita pamwe chete zvinhu zvine chokuita nokunamata Jehovha. Kukurukura rugwaro rwezuva pamwe chete uye kunamata semhuri kunopa mikana yakazonaka yokuita kuti mufunge uye muve nezvinangwa zvemhuri zvakafanana. Budaiwo muushumiri pamwe chete. Kana zvichiita, edzai kupayona pamwe chete, kunyange kana muchingokwanisa mwedzi mumwe kana kuti gore rimwe chete. (Verenga 1 VaKorinde 15:58.) Imwe hanzvadzi yakambopayona nemurume wayo inoti: “Ushumiri hwaiva imwe yenzira dzataipedza nguva tiri pamwe chete tichinyatsokurukura. Ndakaona kuti tainyatsoshanda pamwe nokuti taiva nechinangwa chimwe chokubatsira vataiona muushumiri. Ndakava pedyo chaizvo nemurume wangu uye akavawo shamwari yangu chaiyo.” Paunoshanda pamwe nemumwe wako, zvaunofarira, zvaunoisa pokutanga, uye zvaunoita zvichapindiranawo nezvemumwe wako, kusvikira mava kufunga, kuona zvinhu, uye kuita zvinhu se“nyama imwe” sezvaiitwa naAkwira naPrisira.

Mwari Ngaave Pokutanga Mumba Menyu

15. Nei kuisa Mwari pokutanga kuchikosha pakuita kuti murume nomudzimai vagarisane zvakanaka?

15 Jesu aiziva kukosha kwokuti vakaroorana vaise Mwari pokutanga muupenyu. Akaona Jehovha achichatisa vanhu vokutanga. Akaona kufara kwaiita Adhamu naEvha pavaiteerera murayiro waMwari, uye akaona dambudziko rakazovapo pavasina kuteerera. Saka Jesu paaidzidzisa vamwe, akadzokorora murayiro waBaba vake uri pana Genesisi 2:24. Akawedzerawo kuti: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mat. 19:6) Saka, nanhasi kunyatsoremekedza Jehovha kunokosha pakuita kuti murume nomudzimai vagarisane zvakanaka vachifara. Panyaya iyi, vabereki vaJesu vepasi pano, Josefa naMariya vakaratidza muenzaniso wakazonaka.

16. Josefa naMariya vakaratidza sei kuti vaiisa Mwari pokutanga muupenyu hwavo hwemhuri?

16 Josefa aiva nomutsa uye airemekedza Mariya. Paakaziva kuti aiva nepamuviri, aida kumusiya zvine ruremekedzo, kunyange zvazvo ngirozi yaMwari yakanga isati yamutsanangurira zvakanga zvaitika kwaari. (Mat. 1:18-20) Mhuri yavo yaiteerera mutemo waKesari uye yainyatsoita zvaidiwa noMutemo waMosesi. (Ruka 2:1-5, 21, 22) Kunyange zvazvo varume chete varivo vainzi vaende kumitambo mikuru yokunamata kuJerusarema, Josefa naMariya nevana vavo vaiendako gore negore. (Dheut. 16:16; Ruka 2:41) Izvi zvinoratidza kuti vaviri ava vaitya Mwari vaiedza kufadza Jehovha uye kuremekedza chaizvo zvinhu zvine chokuita nokunamata. Ndokusaka Jehovha akavasarudza kuti varere Mwanakomana wake Jesu, mumakore okutanga oupenyu hwake pasi pano.

17, 18. (a) Vanhu vakaroorana vangaisa sei Mwari pokutanga muupenyu hwavo? (b) Izvi zvichavabatsira sei?

17 Imi munoisawo Mwari pokutanga muupenyu hwenyu hwemhuri here? Somuenzaniso, pamunoita zvisarudzo zvakakosha, munotanga matsvaka zvinotaura Bhaibheri, monyengetera nezvazvo, uye motsvaka kubatsirwa nemuKristu ane ruzivo here? Kana kuti mune tsika yokugadzirisa matambudziko maererano nezvamunofunga kana zvinofungwa nevomumhuri neshamwari here? Munoedza kushandisa mazano akawanda ari mumabhuku emuranda akatendeka panyaya dzemba nemhuri here? Munongotevedzera zvinoitwa neruzhinji rwekwamunogara kana kuti mazano anopiwa nenyanzvi dzomunyika here? Munogara muchinyengetera uye muchidzidza pamwe chete here, muchiva nezvinangwa zvokunamata, uye muchitaura nezvezvinofanira kuiswa pokutanga nemhuri yenyu?

18 Ray anotaura nezvamakore 50 anofadza vakaroorana achiti: “Hatina kumbova nedambudziko rakatikunda nokuti Jehovha aigara ari pakati pedu tiri ‘tambo yakakoswa netambo nhatu.’” (Verenga Muparidzi 4:12.) Danny naTrina vanobvumirana naizvozvo. Vanoti: “Imba yedu yakasimba nokushumira Mwari tiri pamwe chete.” Vava nemakore anopfuura 34 vakaroorana. Kana Jehovha achigara ari pokutanga mumba menyu, achakubatsirai kuti mubudirire uye achakukomborerai zvikuru.—Pis. 127:1.

Rambai Muchiremekedza Chipo Chamakapiwa naMwari

19. Mwari akatipirei chipo chokuroorana?

19 Vanhu vakawanda mazuva ano vanonyanya kufunga nezvekufara kwavo. Asi mushumiri waJehovha haaoni zvinhu saizvozvo. Anoziva kuti Mwari akatanga urongwa hwokuroorana kuti azadzise chinangwa chake. (Gen. 1:26-28) Kudai Adhamu naEvha vakanga varemekedza chipo ichocho, pasi rose ringadai riri paradhiso izere nevashumiri vaMwari vanofara, vakarurama.

20, 21. (a) Nei tichifanira kuona urongwa hwokuroorana sohutsvene? (b) Tichadzidza nezvechipo chipi muvhiki inotevera?

20 Chinokosha ndechokuti vashumiri vaMwari vanoona urongwa hwemba somukana wokukudza Jehovha. (Verenga 1 VaKorinde 10:31.) Sezvataona, kuvimbika, kubatana, uye kuisa Mwari pokutanga zvinhu zvinokosha pakusimbisa imba. Tingava vaya vari kugadzirira kuva nemba, vari kuisimbisa, kana kuti vari kuedza kuigadzirisa, tinofanira kuiona sezvairi chaizvo, kuti iyo urongwa hwaMwari uye hutsvene. Kuyeuka chokwadi ichocho kuchaita kuti tiite zvose zvatinokwanisa kuti tishandise Shoko raMwari patinoita zvisarudzo zvine chokuita nemba. Kana tikadaro tinoratidza kuti tinoremekedza chipo chokuroorana neakachipa wacho, Jehovha Mwari.

21 Asi kuroorana handicho chete chipo chatakapiwa naJehovha uye handiko chete kunoita kuti tifare muupenyu. Munyaya inotevera tichakurukura nezvekusaroora kana kusaroorwa, chimwe chipo chinokosha chinobva kuna Mwari.

Ungapindura Sei?

• Kuvimbika kunofanira kuita kuti vaKristu vakaroorana vaite sei?

• Kushanda pamwe vanhu vakabatana kunosimbisa sei imba?

• Vanhu vakaroorana vangaita sei kuti Mwari ave pokutanga muupenyu hwavo?

• Tingaratidza sei kuti tinoremekedza Jehovha, Muvambi wewanano?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kushanda pamwe chete kunobatsira vakaroorana kuramba vakabatana