Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinopiwa Simba Rokukunda Chero Miedzo Ingauya

Tinopiwa Simba Rokukunda Chero Miedzo Ingauya

Tinopiwa Simba Rokukunda Chero Miedzo Ingauya

“Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.”—VAF. 4:13.

1. Sei vanhu vaJehovha vachisangana nematambudziko akawanda?

VANHU vaJehovha vanogara vachisangana nematambudziko akasiyana-siyana. Mimwe miedzo inokonzerwa nokuti takaberekwa tiine chivi kana kuti inokonzerwa nenyika ino. Mimwewo inokonzerwa noruvengo rwuri pakati pevaya vanoshumira Mwari nevasingamushumiri. (Gen. 3:15) Kugara nekugara, Mwari akabatsira vashumiri vake vakatendeka kuti vatsungirire matambudziko emhando yose nepavanotambudzirwa kumunamata, uye kuti vasafurirwa. Mudzimu wake mutsvene unogona kutipa simba rokuti tiitewo saizvozvo.

Tinobatsirwa Kutsungirira Patinotambudzirwa Kunamata

2. Vanotambudzira vanhu kunamata vanenge vaine chinangwa chei, uye vanozviita sei?

2 Kutambudzirwa kunamata kushushwa kunoitwa vanhu kana kuti kukanganiswa kwemukurumbira wavo nokuda kwezvavanotenda. Chinangwa chacho ndechokuparadza zvavanotenda kuti zvisapararira, kana kuti vatendi vacho vasiye Mwari. Kutambudzwa kunouya nenzira dzakasiyana-siyana, kumwe kuri pachena, kumwe kwacho kwakavanda. Bhaibheri rinofananidza kurwisa kunoita Satani nezvinoita shumba uye mhungu.—Verenga Pisarema 91:13.

3. Satani anorwisa sei seshumba uye mhungu?

3 Seshumba inorura, Satani anowanzorwisa nokuita kuti vanhu varohwe, vasungwe, kana kuti varambidzwe kunamata. (Pis. 94:20) Pane nyaya dzokurwiswa kwakadaro dzakati kuti dzinobuda muBhuku Regore rinotsanangura zviri kuitwa neZvapupu zvaJehovha mazuva ano. Mhomho dzevanhu, dzimwe dzacho dzinotungamirirwa nevafundisi kana nevezvematongerwo enyika, dzinowanzoitira vanhu vaMwari zvakaipa. Marwisiro akadaro sezvinoita shumba akaita kuti vamwe vasiye kunamata. Kufanana nemhungu, Dhiyabhorosi anorwisa akavanda kuti akanganise pfungwa dzevanhu ovanyengera kuti vaite zvaanoda. Chinangwa chokurwisa kwakadaro ndechekuti kunamata kwedu kuve zinyekenyeke. Asi nomudzimu mutsvene waMwari, tinogona kukunda kutambudzwa kwose kwakadaro.

4, 5. Ndeipi nzira yakanakisisa yokugadzirira zvokuzoita patinotambudzwa, uye sei zvakadaro? Ipa muenzaniso.

4 Kufungidzira zvakasiyana-siyana zvingangoitika handiyo nzira yakanakisisa yokugadzirira zvokuzoita patinotambudzwa. Zviripo ndezvokuti hatigoni kuziva kuti ramangwana rinei panyaya iyi, saka hazvibatsiri kuzvidya mwoyo nezvinhu zvingasaitika. Asi pane zvatinogona kuita. Vazhinji vakatsungirira pavaitambudzwa nokuti vakafungisisa nezvevamwe vakanga vakaperera kuna Mwari vanotaurwa muMagwaro, pamwe chete nezvakadzidziswa naJesu uye muenzaniso wake. Izvi zvakaita kuti vawedzere kuda Jehovha. Rudo irworwo ndirwo rwakaita kuti vakunde miedzo yavaisangana nayo.

5 Funga nezvomuenzaniso wedzimwe hanzvadzi dzedu mbiri dzokuMalawi. Vakarohwa, vakakumurwa mbatya, vakanzi vaizobatwa chibharo nemhomho yevanhu kana vaisazotenga makadhi ebato. Mhomho yacho yakavanyepera kuti vanhu vokuBheteri vakanga vatova nemakadhi acho. Vakati kudii nazvo? “Isu tinonamata Jehovha Mwari chete. Saka kunyange hama dzepahofisi yebazi dzikatenga makadhi, izvozvo hazvinei nesu. Mungasve henyu matiuraya asi hatisi kuzoatenga!” Hanzvadzi idzodzo padzakaratidza kushinga kwakadaro, vakadziregera.

6, 7. Jehovha anopa sei simba vashumiri vake kuti vatsungirire kutambudzwa?

6 Muapostora Pauro akataura kuti vaKristu vokuTesaronika vakanga vagamuchira chokwadi ‘vachitambudzika,’ asi vaine “mufaro unopiwa nomudzimu mutsvene.” (1 VaT. 1:6) VaKristu vakawanda, vekare nevemazuva ano, avo vakatsungirira pavaitambudzwa, vanoti pazvainge zvanyanya kuoma vakava norugare rwomwoyo, chimwe chezvinhu zvinoumba chibereko chomudzimu mutsvene waMwari. (VaG. 5:22) Rugare irworwo rwakavabatsira kuchengetedza mwoyo yavo nepfungwa. Jehovha anopa vashumiri vake simba rokutsungirira miedzo uye kuti vaite zvinhu vakachenjera pavanosangana nematambudziko. *

7 Vanhu vanocherechedza vanoshamiswa nokuperera kwevanhu vaMwari pasinei nokutambudzwa zvinorwadza. Zvapupu zvinoita sokuti zvine chimwe chinhu chinozvipa simba, uye chiripo zvechokwadi. Muapostora Petro anotipa chivimbo achiti: “Kana muri kuzvidzirwa zita raKristu, munofara, nokuti mudzimu wokubwinya, iwo mudzimu waMwari, uri pamuri.” (1 Pet. 4:14) Kana tichitambudzirwa kuita zvakarurama, kureva kuti tinofarirwa naMwari. (Mat. 5:10-12; Joh. 15:20) Hakusi kufadza kwazvinoita kuziva kuti Jehovha ari kutikomborera saizvozvo!

Tinobatsirwa Kuti Tisabvuma Kufurirwa

8. (a) Chii chakabatsira Joshua naKarebhi kuti vasangoita gundamusaira? (b) Tingadzidzei pamuenzaniso waJoshua naKarebhi?

8 Imwe nzira isiri pachena inoshandiswa naSatani iyo vaKristu vanofanira kungwarira kufurirwa. Asi mudzimu waJehovha zvaune simba kupfuura wenyika, tinogona kutsungirira patinosekwa nevanhu, avo vanotaura nhema nezvedu, kana kuti vanoedza kutimanikidza kuita zvavanoda. Somuenzaniso, chii chakabatsira Joshua naKarebhi kuti vasawirirana nezvaitaurwa nevamwe gumi vavakaenda navo kunosora nyika yeKenani? Mudzimu mutsvene wakaita kuti vave ne“mudzimu,” kana kuti mafungiro akasiyana neevamwe.—Verenga Numeri 13:30; 14:6-10, 24.

9. Nei vaKristu vasingafaniri kuzeza kuita zvinopesana noruzhinji?

9 Mudzimu mutsvene wakapawo vaapostora vaJesu simba rokuteerera Mwari kwete vaya vairemekedzwa nevakawanda vachinzi ndivo vaidzidzisa vanhu kunamata. (Mab. 4:21, 31; 5:29, 32) Vakawanda vanongoita gundamusaira vachizeza kunetsana nevanhu. Asi kakawanda vaKristu vechokwadi vanotofanira kusimba pachinhu chavanoziva kuti chakarurama. Kunyange zvakadaro, nesimba rinobva kuna Mwari, havatyi kuti vakasiyana nevamwe. (2 Tim. 1:7) Funga nezvepamwe patisingafaniri kubvuma kufurirwa.

10. Zvii zvingaomera vamwe vaKristu?

10 Vamwe vechiduku pavanoziva kuti mumwe wavo aita chivi zvingavaomera kuti voita sei. Vangafunga kuti kana vakaita kuti shamwari yavo ibatsirwe nevakuru, vanenge vaitengesa, saka vanonyarara nyaya yacho vachifunga kuti ndiko kumuda. Mutadzi wacho angatotsindidza shamwari dzake kuti dzisabudisa chivi chake. Dambudziko rakadaro haringosangani nevechiduku chete. Vamwe vanhu vakuru vanoomerwawo nokuudza vakuru chivi cheshamwari yavo kana chehama yepedyo. Asi vaKristu vechokwadi vanofanira kuita sei pakadaro?

11, 12. Kana mumwe ari muungano akakutsindidza kuti usataure chivi chake, unofanira kuita sei uye zvakanakirei kuti udaro?

11 Fungidzira nyaya inotevera. Alex, hama yechiduku, aziva kuti shamwari yake yemuungano, Steve, anogara achiona zvinonyadzisira. Alex anoudza Steve kuti ari kunetseka chaizvo nezviri kuita shamwari yake. Asi Steve anoisa zvimiti munzeve. Alex paanomukurudzira kuti audze vakuru, Steve anoti kana Alex ari shamwari yake chaiyo, haazomutengesi. Alex anofanira kutya kurasikirwa neshamwari yake here? Zvingamunetsa kuti ko kana Steve akamurambira nyaya yacho vakuru vanozotii. Kunyange zvakadaro, kana Alex akaramba akanyarara hapana zvazvinenge zvabatsira. Zvingatoita kuti Steve apedzisire arasikirwa noukama hwake naJehovha. Zvingava zvakanaka kana Alex akayeuka kuti “kutya munhu ndiko kunounza musungo, asi anovimba naJehovha achadzivirirwa.” (Zvir. 29:25) Chii chimwe chinofanira kuitwa naAlex? Anogona kunotaurazve zvakanakanaka naSteve omujekesera nyaya yake. Izvi zvinoda kushinga. Pamwe iye zvino Steve achabvuma kutaura nezvenyaya yake. Alex anofanirazve kukurudzira Steve kutaura nevakuru omuudza kuti kana akasataura munguva yavanenge vawirirana, iye ndiye achavaudza.—Revh. 5:1.

12 Kana ukasangana nemamiriro aya ezvinhu, pakutanga shamwari yako ingasatenda zvaunenge uchiedza kuiitira. Asi nekufamba kwenguva anogona kuzoziva kuti waida kumubatsira. Kana mutadzi wacho akabvuma kubatsirwa, achazokutenda kwoupenyu hwose nokushinga uye kuvimbika kwako. Asi kana kuri kuti anoramba akakutsamwira, unofunga kuti ishamwari yakanaka here? Chinhu chagara chakanaka kuti tifadze Shamwari yedu, Jehovha. Tikamuisa pokutanga, vamwe vanomuda vachatiremekedza nokuvimbika kwedu uye vachava shamwari dzechokwadi. Hatifaniri kutombopa Dhiyabhorosi nzvimbo muungano yechiKristu. Tikangodaro, tinenge tashungurudza mudzimu mutsvene waJehovha. Asi tinoita zvinoenderana nawo, nokushanda kuti ungano yechiKristu igare yakachena.—VaEf. 4:27, 30.

Tinopiwa Simba Rokutsungirira Nhamo Nematambudziko

13. Vanhu vaJehovha vari kusangana nematambudziko api, uye nei tose tichisangana nawo?

13 Matambudziko anouya nenzira dzakasiyana-siyana. Mamwe angava nhamo dzemari, kupererwa nebasa, njodzi dzinongoitika dzoga, kufirwa nemunhu waunoda, kurwara, nemamwewo akadaro. Sezvo tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa,” tinotarisira kuti tose zvedu mumwe musi tichasangana nemuedzo. (2 Tim. 3:1) Pazvinoitika, zvinokosha kuti tidzikame. Mudzimu mutsvene unogona kutipa simba rokutsungirira chero dambudziko ripi zvaro.

14. Jobho akawana sei simba rokutsungirira matambudziko ake?

14 Jobho akamomoterwa nematambudziko. Akarasikirwa nepfuma yake, vana, shamwari, neutano, uye mudzimai wake akanga asisavimbi naJehovha. (Job. 1:13-19; 2:7-9) Asi Jobho akawana munyaradzi wechokwadi, Erihu. Zvakaudzwa Jobho naErihu, uye zvaakaudzwa naJehovha zvaiva nepfungwa imwe chete yokuti: “Mira, ufunge nezvemabasa anoshamisa aMwari.” (Job. 37:14) Chii chakabatsira Jobho kutsungirira? Ko isuwo chii chingatibatsira kutsungirira? Tichabatsirwa nokuyeuka uye kufungisisa kushanda kunoita mudzimu mutsvene waJehovha nesimba rake. (Job. 38:1-41; 42:1, 2) Zvimwe uchiri kuyeuka zvimwe zvinhu zvawakaitirwa naMwari muupenyu zvinoratidza kuti anokuda. Achiri kukuda.

15. Pauro akasimbiswa nei kuti atsungirire miedzo?

15 Muapostora Pauro akatsungirira matambudziko akawanda aiisa upenyu hwake pamutanhiko pamusana pokutenda kwake. (2 VaK. 11:23-28) Chii chakamubatsira kuti arambe akasimba mumiedzo iyoyo? Ainyengetera achivimba naJehovha. Paaive panguva yakaoma ingave yakazoguma nokuurayiwa kwake, Pauro akanyora kuti: “Ishe akamira pedyo neni akandipa simba, kuti kuparidza kuitwe zvizere uye marudzi ose akunzwe achishandisa ini; uye ndakanunurwa pamuromo weshumba.” (2 Tim. 4:17) Saka Pauro aitaura zvaakazvionera oga paakaudza nechivimbo vamwe vaainamata navo kuti varege kuzvidya “mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho.”—Verenga VaFiripi 4:6, 7, 13.

16, 17. Ipa muenzaniso unoratidza kupa kuri kuita Jehovha vanhu vake simba rokutarisana nemiedzo.

16 Mumwe piyona anonzi Roxana ndemumwe akaona kubatsira kunoita Jehovha vanhu vake. Paakakumbira waanoshandira mazuva okunopinda rimwe remagungano edu, akamupindura nehasha kuti kana akangoenda, basa raizopera. Asi Roxana akaenda, achinyengetera nemwoyo wose kuti asadzingwa basa. Zvadaro, akanzwa kugadzikana. Musi woMuvhuro pashure pegungano, waaishandira akamudzinga sezvaakanga ataura. Roxana akanetseka. Kunyange zvazvo basa iroro raiva nemari shoma, raimubatsira kuriritira mhuri yake. Akanyengeterazve, uye akafungisisa kuti Mwari akanga amupa zvaaida kugungano pane zvokunamata, saka aisambotadza kumupawo zvokurarama nazvo. Achienda kumba, Roxana akaona chikwangwani chaishambadzira basa rokusona nemichina yemumaindasitiri, akabva anyorera. Maneja wacho akaona kuti Roxana akanga asina kumboita basa iri asi akangomupinza, uye mari yaaizotambira yaitoda kupeta kaviri yaaimbowana. Roxana akaona kuti minyengetero yake yakanga yapindurwa. Asi chikomborero chikuru chaiva chokuti akakwanisa kuparidzira vamwe vashandi vakati wandei. Vashanu, kusanganisira maneja wacho, vakabvuma chokwadi vakabhabhatidzwa.

17 Dzimwe nguva zvingaita sokuti minyengetero yedu haisi kubva yapindurwa kana kuti haisi kupindurwa sezvataitarisira. Kana zvakadaro, zvechokwadi pane chikonzero chakanaka. Jehovha anochiziva, asi isu tinogona kuzochiziva mune ramangwana. Chokwadi ndechokuti Mwari haasiyi vanhu vake vakatendeka.—VaH. 6:10.

Tinobatsirwa Kukunda Miedzo

18, 19. (a) Nei tingatarisira kusangana nemiedzo? (b) Ungakunda sei miedzo?

18 Vanhu vaJehovha havashamiswi kuti vanosangana nemiedzo, kuora mwoyo, kutambudzwa, uye vanhu vanoedza kuvafurira. Nyika inotivenga. (Joh. 15:17-19) Asi mudzimu mutsvene unogona kutipa simba rokukunda chero dambudziko ratingasangana naro mukushumira Mwari. Jehovha haazotiregi tichiedzwa kupfuura zvatinokwanisa kutsungirira. (1 VaK. 10:13) Haazombofi akatisiya. (VaH. 13:5) Kuteerera Shoko rake rakafuridzirwa kunotidzivirira uye kunotisimbisa. Uyezve, mudzimu waMwari unogona kuita kuti vamwe vatinonamata navo vatibatsire pazvinenge zvanyanya kushata.

19 Tose zvedu ngatirambei tichikumbira mudzimu mutsvene nokunyengetera uye kudzidza Magwaro. Ngatirambei tichiwana ‘simba rose kusvika panosvika simba raMwari rinokudzwa kuti titsungirire zvizere nokuva vane mwoyo murefu nomufaro.’—VaK. 1:11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Somuenzaniso, ona Nharireyomurindi, yaMay 1, 2001, peji 16; uye Awake! yaFebruary 8, 1993, mapeji 21 ne22.

Ungapindura Sei?

• Ungagadzirira sei kutsungirira paunozotambudzwa?

• Unofanira kuitei kana mumwe munhu akakutsindidza kuti usataura chivi chaanenge aita?

• Ungava nechivimbo chipi paunotarisana nedambudziko chero ripi zvaro?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 28]

Tingadzidzei kubva kuna Joshua naKarebhi?

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ungabatsira sei shamwari inenge yaita chivi?