Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushanda Kwakaita Mudzimu Mutsvene Pakusika!

Kushanda Kwakaita Mudzimu Mutsvene Pakusika!

Kushanda Kwakaita Mudzimu Mutsvene Pakusika!

“Matenga akaitwa neshoko raJehovha, uye uto rose riri maari rakaitwa [nomudzimu womuromo] wake.”—PIS. 33:6.

1, 2. (a) Kuziva kunoita vanhu nezvematenga nepasi kuri kuwedzera sei nokufamba kwenguva? (b) Mubvunzo upi unoda mhinduro?

MAKORE anopfuura 100 adarika, masayendisiti akawanda aifunga kuti kunongova neboka renyeredzi rimwe chete ratinoti Gwara Renzou. Vakanga vakarasika zvisingaiti! Iye zvino zvinofungidzirwa kuti kune mapoka enyeredzi anopfuura mabhiriyoni 100, mamwe acho aine mabhiriyoni enyeredzi. Mamwe mapoka enyeredzi ari kuramba achiwanikwa nokuwedzera kwemichina ine simba inoona zviri muchadenga.

2 Kusaziva zvakawanda kwaiita vanhu vezvesayenzi nezvematenga makore 100 adarika ndiko kusazivawo kwavaiita nezvepasi rino. Ichokwadi kuti vanhu vakararama makore 100 apfuura vaiziva zvakawanda kupfuura madzitateguru avo. Asi mazuva ano vanhu vava kunzwisisa zvakawanda nezvezvakaita zvinhu zvipenyu uye runako rwazvo pamwe nokuti nyika yacho inozviraramisa sei. Uye hapana mubvunzo kuti tichadzidza zvakatowanda nezvepasi nematenga mumakore ari mberi. Asi chinhu chakanaka chaizvo kubvunza kuti, Zvose izvi zvakambotanga sei? Mhinduro yomubvunzo iwoyo inogona kungozivikanwa chete nokuti Musiki akaizivisa muMagwaro Matsvene.

Chishamiso Chokusikwa Kwezvinhu

3, 4. Mwari akasika sei zvinhu zvose, uye mabasa ake anomukudza sei?

3 Mashoko okutanga eBhaibheri anotsanangura kuti zvinhu zvose zvakavapo sei paanoti: “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” (Gen. 1:1) Pasina kana chakanga chagara chiripo, Jehovha akashandisa mudzimu wake mutsvene, simba rake raanoshandisa, kutanga kusika matenga nenyika nezvimwe zvose. Mhizha inoshandisa maoko ayo nematurusi kugadzira zvinhu, asi Mwari anotuma mudzimu wake mutsvene kuti uite mabasa ake makuru.

4 Magwaro anotaura nezvemudzimu mutsvene so“munwe” waMwari. (Ruka 11:20; Mat. 12:28) Uye “basa remaoko ake,” zvinhu zvakasikwa naJehovha achishandisa mudzimu wake mutsvene, zvinoita kuti akudzwe chaizvo. Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba achiti: “Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari; nzvimbo huru yokudenga inozivisa basa remaoko ake.” (Pis. 19:1) Zvechokwadi, zvinhu zvatinoona zvakasikwa zvinopa uchapupu hwesimba rinoshamisa romudzimu mutsvene waMwari. (VaR. 1:20) Zvinopa uchapupu sei?

Simba raMwari Risina Parinogumira

5. Enzanisira ukuru hwesimba romudzimu mutsvene waJehovha raidiwa pakusika.

5 Matenga akangoita zienda nakuenda nepasi rino zvinopa uchapupu hwokuti simba raJehovha hariperi. (Verenga Isaya 40:26.) Funga nezvezuva. Zuva inyeredzi iri kure nemakiromita anopfuura mamiriyoni 150 kubva pasi pano, uye rinopisa madhigirii anenge mamiriyoni 15. Kunyange zvazvo zuva richibudisa kupisa kwakadaro, riri kure nepasi zvakakodzera zvinoita kuti zvinhu zvose zvipenyu zvirambe zviripo. Zviri pachena kuti paidiwa simba risingatauriki rokusika zuva nedzimwe nyeredzi dzose dzine mabhiriyoni. Jehovha ane simba raidiwa kuti zvisikwe.

6, 7. (a) Chii chinoita kuti titi Mwari akashandisa mudzimu wake mutsvene zvakarongeka? (b) Chii chinoratidza kuti zvinhu zvose zvakasikwa hazvina kungoerekana zvavapo?

6 Uchapupu hwokuti Mwari akashandisa mudzimu wake mutsvene zvakanyatsorongeka huri pose pose. Tingazvienzanisira seizvi: Ngatitii une bhokisi rine twumabhora tweruvara rwakasiyana-siyana. Unokuchukudza bhokisi racho, uchinyatsotwuvhenganisa. Wadaro unotwukutura twose. Ungatarisira here kuti mabhora acho achadonha achinoungana eruvara rwebhuruu pawo oga, eyero pawo oga, zvichingodaro? Kana! Zvose zvinoitwa pasina kuronga zvinotoguma nokusarongeka kwakakura. Vanhu vose vanobvuma kuti ichocho ichokwadi.

7 Asi zvino patinotarira kudenga nemaziso edu kana kuti nemichina, tinoonei? Tinoona mapoka enyeredzi akakura kwazvo akanyatsorongeka, nenyeredzi, nezvimwewo, zvose zvichinyatsofamba mumakwara azvo. Izvi hazvingambovi zvakangoerekana zvaitika zvoga. Saka tinofanira kubvunza kuti, Isimba ripi rakashandiswa pakuita kuti matenga akanyatsorongeka nepasi zvivepo? Sayenzi dzevanhu nemichina yavo hazvikwanisi kuita kuti tizive nezvesimba iroro. Asi Bhaibheri rinotaura nezvaro somudzimu mutsvene waMwari, simba rinopfuura mamwe ose ariko. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Matenga akaitwa neshoko raJehovha, uye uto rose riri maari rakaitwa [nomudzimu womuromo] wake.” (Pis. 33:6) Patinotarira kudenga usiku tinogona kuona nemaziso edu chikamu chidukuduku che“uto” iroro renyeredzi!

Kushanda Kwakaita Mudzimu Mutsvene Pakusika Nyika

8. Zvatinoziva nezvemabasa aJehovha zvakawanda zvakadini?

8 Zvatinoziva nezvezvinhu zvakasikwa hapana nezviripo kana tichienzanisa nezvose zvinogona kudzidzwa. Tine zvishomashoma chaizvo zvatinoziva nezvezvinhu zvakasikwa naMwari, sezvakataurwa nomurume akanga akatendeka Jobho kuti: “Tarirai! Aka kanongova kachikamu kadukuduku kenzira dzake, uye tinongonzwa zevezeve rokutaura kwake!” (Job. 26:14) Kwapera mazana emakore, Mambo Soromoni, akanga akangwara chaizvo pakuona zvakasikwa naJehovha, akati: “[Mwari] akaita zvinhu zvose zvakanaka panguva yazvo. Akaisawo nguva isingagumi mumwoyo mavo, kuti vanhu varege kumboziva basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.”—Mup. 3:11; 8:17.

9, 10. Jehovha akashandisa simba ripi paakasika nyika, uye ndezvipi zvakasikwa mumazuva matatu okutanga?

9 Zvisinei, Jehovha akatizivisa mashoko atingada kuti tizive nezvemabasa ake. Somuenzaniso, Magwaro anotiudza kuti mudzimu waMwari waishanda panyika makore asingaverengeki akapfuura. (Verenga Genesisi 1:2.) Panguva iyoyo, pakanga pasina nyika yakaoma, chiedza, uye zvingangodaro kuti pakanga pasina mhepo yokufema.

10 Bhaibheri rinoenderera richitsanangura zvakaitwa naMwari mumazuva okusika akatevera. Aya haasi mazuva emaawa 24 asi makore akawanda chaizvo. Pazuva rokutanga, Jehovha akaita kuti chiedza chitange kuoneka panyika. Chaizoramba chichiwedzera kusvikira paizotanga kuoneka zuva nemwedzi nemunhu ari panyika. (Gen. 1:3, 14) Pazuva rechipiri, nzvimbo ine mhepo yatinofema yakatanga kugadzirwa. (Gen. 1:6) Pasi zvino rakanga rava nemvura, chiedza, uye mhepo asi nyika yakaoma yakanga isati yava kuoneka. Kwokutanga kwezuva rechitatu, Jehovha akashandisa mudzimu wake kuita kuti nyika yakaoma isimuke ichibuda mumvura yakanga yakazadza pasi rose. (Gen. 1:9) Pazuva rechitatu nemamwe akazotevera, paizoitika zvinhu zvinoshamisa.

Kushanda Kwakaita Mudzimu Mutsvene Pakusika Zvinhu Zvipenyu

11. Tinodzidzei pakuoma kunzwisisa kwakaita zvinhu zvipenyu uye runako rwazvo?

11 Mudzimu waMwari wakashandawo kuita kuti pave nezvinhu zvipenyu zvakanyatsorongeka. Muzuva rechitatu kusvika kuna rechitanhatu, Mwari akasika zvinomera uye mhuka dzakasiyana-siyana achishandisa mudzimu wake mutsvene. (Gen. 1:11, 20-25) Saka zvinhu zvipenyu zvinoratidza mienzaniso isingaverengeki yezvinhu zvakaoma kunzwisisa, zvine runako runoratidza unyanzvi hwokugadzira hwemhando yepamusorosoro.

12. (a) Chii chinoita kuti zvisikwa zvipenyu zviberekwe zvakatodza rudzi rwazvo? (b) Chii chatinofanira kudzidza pakuti zvipenyu zvose zvinoramba zvichingoberekana zvakatodzana?

12 Funga nezvezvinhu zvipenyu zvose zviri panyika zvakadai sezvisikwa zvidukuduku zvisingaoneki nemaziso, uswa, nzou, hove huru kwazvo uye vanhu. Kunyange zvazvo zvisikwa zviri panyika zvakasiyana chaizvo, mirayiridzo iri mumasero azvo, iyo inoita kuti chimwe nechimwe chirambe chichibereka zvakatodzana nacho kwemakore nemakore haichinji. * Saka maererano nechinangwa chaJehovha Mwari, zvinhu zvipenyu zvepanyika zvinoramba zvichidyidzana maererano nemasikirwo azvakaitwa. (Pis. 139:16) Kunyatsoshanda uye kurongeka kwakaita urongwa uhwu kunopazve uchapupu hwokuti zvinhu zvakasikwa ibasa re“munwe” waMwari, kana kuti mudzimu mutsvene.

Chisikwa Chepanyika Chinokosha Kupfuura Zvose

13. Mwari akasika sei munhu?

13 Kwapera nguva refu Mwari achisika zvinhu zvisingaverengeki zvipenyu nezvisina upenyu, nyika yaimbova “isina kugadzirwa, isina chinhu” yakanga isisina kudaro. Asi Jehovha akanga asati apedza kushandisa mudzimu wake pakusika. Akanga ava kuda kuita chisikwa chepanyika chinopfuura zvimwe zvose. Nechokumugumo kwezuva rechitanhatu, Mwari akasika munhu. Jehovha akaita sei izvozvo? Akashandisa mudzimu wake mutsvene nevhu repanyika.—Gen. 2:7.

14. Vanhu vakasiyana nemhuka munzira ipi inokosha?

14 Genesisi 1:27 inoti: “Mwari akatanga kusika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika munhurume nomunhukadzi.” Kusikwa nomufananidzo waMwari kunoreva kuti Jehovha akatisika tichikwanisa kuratidza rudo, kuzvisarudzira zvokuita, uye kunyange kuva noukama neMusiki wedu. Saka uropi hwedu hwakasiyana chaizvo nehwemhuka. Jehovha akanyatsohugadzira kuitira kuti tirambe tichidzidza nezvake uye mabasa ake nokusingaperi tichingofara.

15. Adhamu naEvha vaiva nomukana wokuita sei?

15 Pakasikwa vanhu, Mwari akapa Adhamu nomudzimai wake Evha pasi rino nezvinhu zvaro zvose zvinoshamisa kuti vazviongorore uye vanakidzwe nazvo. (Gen. 1:28) Jehovha akavapa zvokudya zvisingazivani uye musha waiva paradhiso. Vaiva nomukana wokurarama nokusingaperi uye kuva vabereki vanodiwa vemabhiriyoni evana nevazukuru vasina chivi. Asi zvinhu hazvina kufamba saizvozvo.

Kubvuma Basa Romudzimu Mutsvene

16. Pasinei nokupanduka kwevanhu vokutanga, tine tariro ipi?

16 Pane kuratidza kuonga Musiki wavo nokumuteerera, Adhamu naEvha vakafunga zvakanakira ivo chete ndokupanduka. Zvavakaita izvi zvakaita kuti vanhu vose vave vasina kukwana uye vatambure. Asi Bhaibheri rinotsanangura kugadzirisa kuchaita Mwari zvose zvakakanganiswa nokutadza kwevabereki vedu vokutanga. Magwaro anoratidzawo kuti Jehovha achazadzisa chinangwa chake chepakutanga. Pasi rino richava paradhiso izere nevanhu vanofara, vane utano, vachirarama nokusingaperi. (Gen. 3:15) Kuti tirambe tine kutenda mutariro iyi inokurudzira, tinoda kubatsirwa nomudzimu mutsvene waMwari.

17. Mafungiro api atinofanira kudzivisa?

17 Tinofanira kunyengetera kuna Jehovha kuti atipe mudzimu mutsvene. (Ruka 11:13) Kuita izvozvo kuchatibatsira kuti tisimbise chivimbo chedu chokuti zvinhu zvose zvakasikwa naMwari. Mazuva ano mashoko enhema anotaurwa nevanhu vanoti Mwari haako nevanoti munhu akatanga ari mhuka ari kuwedzera. Hatifaniri kuvhiringidzwa kana kutyisidzirwa nemafungiro asina kururama akadaro. VaKristu vose vanofanira kugadzirira kusabvuma pfungwa idzodzo uye kusabvuma kufurirwa nevanodzitsigira.—Verenga VaKorose 2:8.

18. Patinenge tichifunga nezvekwakabva zvinhu zvose zviripo nevanhu, nei kuri kushaya pfungwa kuti hazvina kuitwa noMusiki akangwara?

18 Kana tikaongorora nemwoyo wose uchapupu hunotsigira kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa, kutenda kwedu muna Mwari uye zvinotaurwa neBhaibheri kuchasimba. Vakawanda vanofunga kuti hazvina musoro kutenda kuti pane chimwe chakaita kuti zvinhu zvose zvivepo, kusanganisira vanhu, chinopfuura zvavanoona nemaziso avo. Asi kana tikakurukura nyaya iyi tichifunga saizvozvo, tinenge tisingaongorori uchapupu hwose zvakanaka. Uyezve, tikadaro tinenge tasiya uchapupu huri pachena hwokuti kune zvinhu “zvisingaverengeki” zvakarongeka, uye zvine chinangwa. (Job. 9:10; Pis. 104:25) SevaKristu, tine chokwadi chokuti simba rakashandiswa pakusika raiva mudzimu mutsvene uchitungamirirwa naJehovha noungwaru.

Kutibatsira Kwaunoita Kutenda Muna Mwari

19. Ndezvipi zvinhu zvinokupa uchapupu hwokuti Mwari ariko uye hwokushanda kwomudzimu wake?

19 Hatifaniri hedu kuziva zvose zvine chokuita nezvinhu zvakasikwa kuti titende muna Mwari uye timude nokumuremekedza zvikuru. Kungofanana noukama hwevanhu, kuziva kuti nhingi akamira zvakadai nezvakadai hakurevi kuti tinenge tatova shamwari yake. Sezvo vanhu vachiwedzera kushamwaridzana nokuzivana kwavanoramba vachiita, kutenda kwedu Mwari kunowedzerawo sezvatinoramba tichidzidza nezvake. Zvechokwadi, paanopindura minyengetero yedu uye patinoona kubatsira kwokushandisa zvaanotaura muupenyu hwedu, tinobva tanyatsoona toga kuti ariko. Tinoramba tichiva pedyo naJehovha patinoona uchapupu hunowedzera hwokuti ari kutitungamirira, kutidzivirira, kukomborera zvatinoita mubasa rake, uye kutipa zvatinoda. Zvose izvi zvinotipa uchapupu hwakasimba hwokuti Mwari ariko uye hwokushanda kwomudzimu wake mutsvene.

20. (a) Chii chakaita kuti Mwari asike zvinhu zvose uye vanhu? (b) Chii chichaitika kana tikaramba tichitungamirirwa nemudzimu mutsvene waMwari?

20 Bhaibheri muenzaniso unoshamisa wokushandisa kwakaita Jehovha simba rake nokuti vanyori varo “vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.” (2 Pet. 1:21) Kunyatsodzidza Magwaro kunogona kusimbisa kutenda kwatinoita muna Mwari saiye akasika zvinhu zvose. (Zvak. 4:11) Jehovha akava Musiki kuti aratidze rudo rwake rukuru. (1 Joh. 4:8) Saka ngatiitei zvose zvatinokwanisa kuti tibatsire vamwe kudzidza nezvaBaba vedu vokudenga vane rudo uye Shamwari yedu. Kana isu tikaramba tichitungamirirwa nomudzimu waMwari, tichava nemukana wakazonaka wokudzidza nezvake nokusingaperi. (VaG. 5:16, 25) Mumwe nomumwe wedu ngaarambe achidzidza nezvaJehovha uye mabasa ake makuru toratidza muupenyu hwedu rudo rusingatauriki rwaakaratidza paakashandisa mudzimu wake mutsvene kusika matenga, nyika nevanhu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Vesayenzi vanodana mirayiridzo iyi kuti DNA.

Ungatsanangura Here?

• Kuvapo kwematenga nepasi kunotidzidzisei nezvokushandisa kwaMwari mudzimu mutsvene?

• Kusikwa kwatakaitwa nomufananidzo waMwari kunotipa mikana ipi?

• Nei tichifanira kuongorora uchapupu hwokuti zvinhu zvakasikwa?

• Ushamwari hwedu naJehovha hungasimba sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kurongeka kwakaita matenga nenyika kunotidzidzisei?

[Kwazvakatorwa]

Stars: Anglo-Australian Observatory/David Malin Images

[Mifananidzo iri papeji 8]

Chii chinoita kuti zvose izvi zvitodzane nerudzi rwazvo?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Wakagadzirira kudzivirira kutenda kwako here?