Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Garai Makagadzirira!

Garai Makagadzirira!

Garai Makagadzirira!

“Ivai vakagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu ari kuuya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.”—MAT. 24:44.

1, 2. (a) Zviitiko zvipi zvakagara zvataurwa nouprofita hweBhaibheri zvingafananidzwa nokurumwa kwakaitwa mumwe murume nechikara? (b) Ungagadzirira sei kurwisa kuchaita chikara?

MUMWE murume akakurumbira akanga ava nemakore achivaraidza vanhu nokutamba nemhuka dzake dzakadzidziswa, dzakaita sedindingwe dzinowanika kuIndia. Akamboti: “Kana mhuka ikasvika pakuvimba newe, unonzwa sokuti wapiwa chipo chinokosha kupfuura zvimwe zvose munyika.” Asi zvinhu zvakazomuipira pana October 3, 2003. Imwe yemhuka dzacho inorema 172 kg yakangoerekana yamuruma. Mhuka yacho yakaruma mudzidzisi wayo akarivara, asingatombofungiri.

2 Bhaibheri rakagara rataurawo nezvekumwe kurwisa kwe“chikara” uye isu tinofanira kugara takagadzirira. (Verenga Zvakazarurwa 17:15-18.) Chikara ichi chicharwisa ani? Zvinhu zvichangoerekana zvachinja, nyika yaDhiyabhorosi yopandukirana. Chikara chacho chitsvuku chinomirira Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, uye “nyanga gumi” dzinomirira masimba ose ezvematongerwo enyika. Iwaya achapandukira hure rinonzi Bhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvose zvenhema, oriparadza zvine utsinye. Izvi zvichaitika rini? Hatizivi zuva racho kana awa. (Mat. 24:36) Chatinoziva ndechokuti zvichaitika paawa yatisingafungiri uye kuti nguva yasara zvisati zvaitika ipfupi. (Mat. 24:44; 1 VaK. 7:29) Saka zvinokosha kuti tigare takagadzirira panyaya dzekunamata kuti pazvinoitika uye Kristu paanouya kuzoparadza, avewo Mununuri wedu! (Ruka 21:28) Kuti tigare takagadzirira, tinogona kudzidza kuvashumiri vaMwari vakatendeka avo vakagara vakagadzirira vakazoona zvipikirwa zvaMwari zvichizadziswa. Tichanyatsoona here kushanda kunoita zviitiko izvi muupenyu hwedu?

Gara Wakagadzirira saNoa

3. Mamiriro api ezvinhu akaita kuti zviomere Noa kushumira Mwari akatendeka?

3 Pasinei nemamiriro ezvinhu anosembura aivapo panyika, Noa akagara akagadzirira kuti aone kuzadziswa kwechipikirwa chaMwari. Funga zvipingamupinyi zvaakasangana nazvo sezvo ngirozi dzakanga dzapanduka dzakava nemiviri yevanhu ndokugara nevakadzi vakanaka! Uku kuroorana kwengirozi nevanhu kwakaita kuti paberekwe mazivana asingaiti, “vanhu vaiva nesimba” rakawandisa ravaishandisa kufurufusha vamwe. (Gen. 6:4) Funga nezvekurwa kwaikonzerwa nehofori idzi kwose kwadzaisvika. Uipi hwakava kwose kwose uye mafungiro omunhu nemaitiro zvakava zvakashata chaizvo. Changamire Ishe Jehovha akabva atara nguva yokuguma kwenyika iyoyo yaisatya Mwari.—Verenga Genesisi 6:3, 5, 11, 12. *

4, 5. Mamiriro ezvinhu omunguva yedu akafanana papi neomunguva yaNoa?

4 Jesu akaprofita kuti mamiriro ezvinhu emunguva yedu aizofanana neemazuva aNoa. (Mat. 24:37) Somuenzaniso, isuwo tiri kuona vanhu vachioneswa nhamo nemidzimu yakaipa. (Zvak. 12:7-9, 12) Madhimoni aya akambova nemiviri yenyama mumazuva aNoa. Kunyange zvazvo asisabvumirwi kuzviitazve, anoedza kuita kuti vanhu vose vaite zvaanoda, vangava vakuru kana vaduku. Izvi zvisikwa zvinopenga nenyaya dzepabonde zvinonakidzwa nokuona vanhu pasi pano vachiita zvakaipa, vasingazivi kuti ndizvo zviri kuvafurira.—VaEf. 6:11, 12.

5 Shoko raMwari rinotsanangura Dhiyabhorosi richiti “muurayi” uye rinoti “ane simba rokukonzera rufu.” (Joh. 8:44; VaH. 2:14) Haana simba rokungouraya pamadiro. Asi anoita kuti vanhu vade kunyengera uye kufurira vamwe. Anodyara mhodzi youmhondi mupfungwa nemwoyo yevanhu. Somuenzaniso, zvakaonekwa kuti mwana mumwe chete pa142 voga voga vari kuzvarwa muUnited States achafa achiita zvokupondwa. Vanhu vachingourayiwa sehuku zvakadaro, unofunga kuti Jehovha angangoramba akatarisa here iye akamboita chimwe chinhu munguva yaNoa? Angatadza kupindira here?

6, 7. Noa nemhuri yake vakaratidza sei kuti vaitenda uye vaitya Mwari?

6 Noa akaudzwa naMwari panguva yakafanira nezvokuuya kwemafashamo aizotsvaira nyama yose panyika. (Gen. 6:13, 17) Jehovha akaudza Noa kuti avake areka yakaita sezibhokisi hombe. Noa nemhuri yake vakatanga kuita basa racho. Chii chakavabatsira kuteerera uye kugara vakagadzirira pakazosvika mutongo waMwari?

7 Kutenda kwakasimba uye kutya Mwari zvakaita kuti Noa nemhuri yake vaite zvavakaudzwa naMwari. (Gen. 6:22; VaH. 11:7) Somusoro wemhuri, Noa akaramba ari pedyo naMwari uye haana kuita zvakaipa zvaiitwa nevamwe panguva iyoyo. (Gen. 6:9) Aiziva kuti mhuri yake yaifanira kuchenjerera kuti isatangawo zvechisimba uye kuva nemafungiro okupanduka evanhu vakanga vakavapoteredza. Zvaikosha kuti vasanyura muzvinhu zvoupenyu zvezuva nezuva. Mwari aiva nebasa rokuti vaite, uye zvaikosha kuti mhuri yose iise pfungwa dzayo pabasa iri.—Verenga Genesisi 6:14, 18.

Noa Nemhuri Yake Vakanga Vakagadzirira

8. Chii chinoratidza kuti mhuri yaNoa yakanga yakazvipira kuna Mwari?

8 Nyaya iri muBhaibheri inonyanya kutaura nezvemusoro wemhuri Noa, asi mudzimai wake, vanakomana nemadzimai avo vainamatawo Jehovha. Muprofita Ezekieri akataura nezvazvo. Akataura kuti kudai Noa aivapo munguva yaEzekieri, vana vake vaisazopona nemhaka yokururama kwababa vavo. Vakanga vakura zvokugona kuteerera kana kusateerera. Saka, vakanga varatidza pachavo kuda kwavaiita Mwari uye nzira dzake. (Ezek. 14:19, 20) Mhuri yaNoa yakabvuma mirayiro yake, yaitendawo sezvaaiita, uye haina kubvuma kukanganiswa nevamwe zvikaitadzisa kuita basa ravakanga vapiwa naMwari.

9. Mazuva ano tingataura nezvavanaani vane kutenda kwakaita sokwaNoa?

9 Zvinokurudzira chaizvo mazuva ano kuona musangano redu riri munyika yose misoro yemhuri iri kuita zvainokwanisa kuti itevedzere Noa. Vanoziva kuti hazvina kukwana kungopa mhuri dzavo zvokudya, zvokupfeka, pokugara, uye dzidzo. Vanofanirawo kudzibatsira kuva noukama hwakanaka naMwari. Pavanoita izvozvo, vanoratidza kuti vakagadzirira pane zvava kuda kuitwa naJehovha.

1011. (a) Pavaiva muareka, Noa nemhuri yake vanofanira kunge vakanzwa sei? (b) Mubvunzo upi watingaita zvakanaka kuzvibvunza?

10 Noa, mudzimai wake, vanakomana vake, nemadzimai avo vangave vakatora makore 50 vachivaka areka. Vanofanira kunge vaipinda muareka nokubuda kakawanda pavaiivaka. Vaipinda vachiinama kuti isapinda mvura, vachiisa zvokudya mukati, uye vachipinza mhuka. Ita seuri kuona zvichiitika. Zuva range rakamirirwa rinosvika. Izuva rechi17 romwedzi wechipiri mugore ra2370 B.C.E., uye vanopinda muareka. Jehovha anovhara suo uye mvura inotanga kunaya. Aya haangori mafashamo omunzvimbo iyoyo chete. Mvura inotsvotsvoma panyika. Inowodzvoka zvakasimba. (Gen. 7:11, 16) Vanhu vari kunze kweareka vari kufa asi vari mukati vari kuponeswa. Mhuri yaNoa inofanira kunge yakanzwa sei? Inofanira kuva yakaonga Mwari zvikuru. Asi hapana mubvunzo kuti vakafunga kuti, ‘Takaita zvakanaka kuti takafamba naMwari wechokwadi tikagara takagadzirira!’ (Gen. 6:9) Unogona kufungidzirawo here wapona Amagedhoni, uchishaya kuti wotenda sei Mwari nezvaanenge aita?

11 Hapana chinogona kutadzisa Wemasimbaose kuzadzisa chipikirwa chake chokugumisa nyika iripo yaSatani. Zvibvunze kuti, ‘Ndine chivimbo chizere here chokuti hapana kana kai zvako pazvipikirwa zvaMwari kachakundikana uye kuti zvose zvichazadziswa panguva yaakasarudza?’ Kana zvakadaro, gara wakagadzirira nokuramba uchifunga ‘nezvezuva raJehovha’ rava pedyo.—2 Pet. 3:12.

Mosesi Akaramba Akamuka

12. Zvii zvaigona kudzimaidza Mosesi pamaonero aaiita ukama hwake naMwari?

12 Ngatikurukurei mumwe muenzaniso. Pamaonero emunhu wenyama, Mosesi aiita sokuti aiva nemukana wakazokura wokugara zvakanaka munyika yeIjipiti. Somunhu aitorwa semwana wemwanasikana waFarao, anofanira kunge airemekedzwa chaizvo, achidya machikichori, achipfeka zvakazonaka, uye achigara muumbozha. Akawana dzidzo yakakura kwazvo. (Verenga Mabasa 7:20-22.) Angangodaro aizowana nhaka yakakura.

13. Mosesi akaramba sei akaisa pfungwa dzake pazvipikirwa zvaMwari?

13 Zvinoita sokuti kudzidziswa kwaMosesi nevabereki vake achiri muduku kwakaita kuti aone kusabatsira kwokunamata zvidhori kwaiitwa nevaIjipiti. (Eks. 32:8) Mosesi haana kusiya kunamata kwechokwadi nemhaka yedzidzo yeIjipiti kana nokuyeverwa nepfuma yamambo. Anofanira kuva akafungisisa zvakapikirwa madzitateguru ake naMwari uye aiva nechido chikuru chokugara akagadzirira kuita zvaidiwa naMwari. Zvingadaro, nokuti Mosesi akazoudza vanakomana vaIsraeri kuti: “Jehovha . . . Mwari waAbrahamu, Mwari waIsaka naMwari waJakobho, andituma kwamuri.”—Verenga Eksodho 3:15-17.

14. Kutenda kwaMosesi noushingi zvakaedzwa sei?

14 Kuna Mosesi, Jehovha aiva Mwari mupenyu chaiye kusiyana nezvidhori zvose zvaimirira vanamwari vasina upenyu veIjipiti. Akararama upenyu hwake sokunge aiona “Uyo asingaoneki.” Mosesi aitenda kuti vanhu vaMwari vaizosunungurwa, asi aisaziva kuti rini. (VaH. 11:24, 25, 27) Akaratidza chido chakasimba chokuona vaHebheru vachisunungurwa nokudzivirira muranda wechiIsraeri akanga achirohwa. (Eks. 2:11, 12) Asi nguva yaJehovha yakanga isati yasvika, saka Mosesi aifanira kutizira kune imwe nyika yaiva kure. Zvinofanira kunge zvakanga zvakamuomera kubva muumbozha hwomumuzinda weIjipiti achinogara musango. Kunyange zvakadaro, Mosesi akaratidza kuti akanga akagadzirira nokuteerera mirayiridzo yose yaaipiwa naJehovha. Saka Mwari aigona kumushandisa kusunungura hama dzake pashure pemakore 40 ari kuMidhiyani. Arayirwa naMwari, Mosesi akateerera ndokudzokera kuIjipiti. Nguva yakanga yasvika yokuti Mosesi aite basa raakanga apiwa naMwari uye ariite sezvaidiwa naMwari wacho. (Eks. 3:2, 7, 8, 10) Adzokera kuIjipiti, Mosesi ‘munhu munyoro kupfuura vanhu vose,’ aida kutenda noushingi kuti aende pamberi paFarao. (Num. 12:3) Haana kuita izvozvo kamwe chete asi kakawanda, achinotaura nezvedambudziko rimwe nerimwe asingazivi kuti aizodzokera kangani pamberi paFarao.

15. Pasinei nezvipingamupinyi, chii chakaita kuti Mosesi arambe achitsvaka mikana yokukudza Baba vake vokudenga?

15 Mumakore 40 akazotevera, kubva muna 1513 B.C.E. kusvika muna 1473 B.C.E., Mosesi akasangana nezvinhu zvaiodza mwoyo. Asi aitsvaka mikana yokukudza Jehovha uye aikurudzira vamwe vaIsraeri nemwoyo wose kuti vadaro. (Dheut. 31:1-8) Nei aidaro? Nokuti aikoshesa zita raJehovha nouchangamire kupfuura kuti iye pachake ave nezita rakakurumbira. (Eks. 32:10-13; Num. 14:11-16) Pasinei nezvinoodza mwoyo kana zvipingamupinyi, isuwo tinofanira kuramba tichitsigira kutonga kwaMwari, tiine chivimbo chokuti nzira yake ndeyokuchenjera, yakarurama, uye iri nani kupfuura dzimwe dzose. (Isa. 55:8-11; Jer. 10:23) Ndiwo manzwiro aunoita here?

Ramba Wakamuka!

16, 17. Nei Mako 13:35-37 ichikosha chaizvo kwauri?

16 “Rambai muchitarira, rambai makamuka, nokuti hamuzivi kuti nguva yakatarwa ichasvika rini.” (Mako 13:33) Jesu akapa nyevero iyoyo paaikurukura nezvechiratidzo chokuguma kwenyika ino yakaipa. Funga nezvemashoko okugumisa euprofita hukuru hwaJesu akanyorwa naMako anoti: “Rambai makarinda, nokuti hamuzivi pachauya tenzi wemba, zvimwe kumanheru kana pakati pousiku kana pakurira kwejongwe kana mangwanani-ngwanani; kuti paanongoerekana asvika, haakuwanii makarara. Asi zvandinotaura kwamuri ndinozvitaurira vose, Rambai makarinda.”—Mako 13:35-37.

17 Zano raJesu rinoda kuti tifungisise. Akataura nezvenguva ina dzokurinda. Nguva yokurinda yokupedzisira yaizova yakaoma kuti munhu arambe akamuka, nokuti yaibva kuma 3:00 mangwanani kusvikira zuva rabuda. Nyanzvi dzezvehondo dzinoti iyi ndiyo nguva yakanyanya kunaka kurwisa muvengi, nokuti inopa mukana wakazonaka wokuvabata ‘vakarara.’ Saizvozvowo mazuva ano, nyika payakafa zvayo nehope panyaya yokunamata, isu zvingatiomera chaizvo kuramba takamuka. Pane here patinombofunga kuti hazvikoshi kuti ‘tirambe takamuka’ uye ‘tirambe takatarira’ takamirira mugumo wakataurwa uye kununurwa kwedu?

18. SeZvapupu zvaJehovha, tine ropafadzo isingatauriki yokuitei?

18 Murume uya wokutamba nemhuka ambotaurwa kwokutanga haana hake kuzourayiwa. Asi uprofita hweBhaibheri hunonyatsoratidza kuti chitendero chenhema uye nyika yose yakaipa hazvizoponi pamugumo uri kukurumidza kuuya. (Zvak. 18:4-8) Kudai tose zvedu vashumiri vaMwari, vakuru nevaduku, tikaona kukosha kwokuita zvose zvatinokwanisa kuti tigare takagadzirira zuva raJehovha sezvakaita Noa nemhuri yake. Tiri kurarama munyika inozvidza Mwari ine vadzidzisi vezvitendero zvenhema nevanhu vanoti Mwari haazivikanwi kana kuti haako, vanotsvinyira Musiki nezvavanotaura. Asi isu hatitombofaniri kukanganiswa nazvo. Ngatifungisisei mienzaniso yatakurukura toramba tichitsvaka mikana yokutsigira uye kukudza Jehovha ‘saMwari wavanamwari’ iye “Mwari mukuru, ane simba uye anotyisa.”—Dheut. 10:17.

[Mashoko Omuzasi]

Unoyeuka Here?

• Nei Noa aifanira kuisa kunamata kwemhuri yake pakutanga?

• Nguva yedu yakafanana chaizvo nemazuva aNoa pakudii?

• Pasinei nezvinoodza mwoyo, nei Mosesi akaramba akaisa maziso ake pazvipikirwa zvaJehovha?

• Uprofita hupi hweBhaibheri hunoita kuti urambe wakamuka pakunamata?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 25]

Noa nemhuri yake vakaramba vakaisa pfungwa pabasa raJehovha

[Mufananidzo uri papeji 26]

Zvipikirwa zvaMwari zvisingakundikani zvakabatsira Mosesi kuramba akarinda