Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tungamirirwa Nomudzimu waMwari Kwete Wenyika

Tungamirirwa Nomudzimu waMwari Kwete Wenyika

Tungamirirwa Nomudzimu waMwari Kwete Wenyika

“Takagamuchira, kwete mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatakapiwa nomutsa naMwari.”—1 VAK. 2:12.

1, 2. (a) VaKristu vechokwadi vari muhondo yerudzii? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

VAKRISTU vechokwadi vari muhondo! Muvengi wedu ane simba, ane manomano, uye hondo iyi abva nayo kure. Ane chombo chaanoshandisa chine simba zvokuti ruzhinji rwevanhu rwava pasi pake. Asi hatifaniri kunzwa sokuti hatina simba kana tariro yokukunda. (Isa. 41:10) Tine chinotidzivirira chakasimba uye chisingakundiki.

2 Hatisi kurwa nemunhu chaiye; tiri kurwa nomunhu asingaoneki. Muvengi wedu ndiSatani Dhiyabhorosi, uye chombo chake chikuru “mudzimu wenyika.” (1 VaK. 2:12) Chombo chedu chikuru chinotidzivirira, mudzimu waMwari. Kuti tipone hondo iyi, toramba takasimba pakunamata, tinofanira kukumbira mudzimu waMwari, toratidza chibereko chawo muupenyu hwedu. (VaG. 5:22, 23) Asi chii chinonzi mudzimu wenyika, uye wakava sei nesimba zvakadaro? Tingaziva sei kuti mudzimu wenyika uri kutikanganisa? Uye tingadzidzei kuna Jesu nezvokugamuchira mudzimu waMwari uye kuramba mudzimu wenyika?

Nei Mudzimu Wenyika Uri Kwose Kwose?

3. Chii chinonzi mudzimu wenyika?

3 Mudzimu wenyika unobva kuna Satani, “mutongi wenyika,” uye unorwisana nomudzimu waMwari. (Joh. 12:31; 14:30; 1 Joh. 5:19) Unoreva mafungiro akazara munyika, anoita kuti vanhu vaite zvavanoita. Simba iri riri kutungamirira vanhu kuti varambe zvinoda Mwari uye chinangwa chake.

4, 5. Mafungiro anotsigirwa naSatani akasvika sei pakuva kwose kwose?

4 Mafungiro aya anotsigirwa naSatani akasvika sei pakuva kwose kwose? Chokutanga, Satani akanyengera Evha mumunda weEdheni. Akaita kuti afunge kuti kuramba kutongwa naMwari kwaizoita kuti upenyu hwake huve nani. (Gen. 3:13) Apa akamunyepera zvechokwadi! (Joh. 8:44) Akabva ashandisa mukadzi iyeye kuita kuti Adhamu ave asina kuvimbika kuna Jehovha. Nezvakasarudzwa naAdhamu, vanhu vose vakatengeswa kuchivi, vachingozvarwa vachida kutevedzera mafungiro aSatani okusateerera.—Verenga VaEfeso 2:1-3.

5 Satani akafurirawo ngirozi dzakati wandei, dzikava madhimoni. (Zvak. 12:3, 4) Dzakapandukira Mwari pane imwe nguva Mafashamo emazuva aNoa asati asvika. Ngirozi idzodzo dzakafunga kuti zvaizova nani kana dzikasiya nzvimbo dzadzo kudenga kuti dziite madiro pasi pano dzisingazvibati zvinoenderana nemasikirwo adzakaitwa. (Jud. 6) Satani ari “kutsausa nyika yose inogarwa” achibatsirwa nemadhimoni aya asisina miviri yenyama. (Zvak. 12:9) Zvinosuwisa kuti ruzhinji rwevanhu rwuri kuramba rwuri murima panyaya yesimba remadhimoni.—2 VaK. 4:4.

Mudzimu Wenyika Uri Kukukanganisa Here?

6. Mudzimu wenyika unogona kutikanganisa kana tangoita sei chete?

6 Vakawanda havatombozivi kuti Satani anokanganisa sei vanhu, asi vaKristu vechokwadi vanozviziva. (2 VaK. 2:11) Tingatoti mudzimu wenyika haugoni kutikanganisa kunze kwokunge tatoubvumira kudaro. Ngationgororei mibvunzo mina ichatibatsira kuziva kana tiri kutungamirirwa nomudzimu waMwari kana kuti wenyika.

7. Ndeipi imwe nzira inoshandiswa naSatani kuedza kutibvisa pana Jehovha?

7 Zvandinosarudza kuvaraidzwa nazvo zvinoratidza kuti ndiri munhu werudzii? (Verenga Jakobho 3:14-18.) Satani anoedza kutibvisa pana Mwari nokuita kuti mwoyo yedu ifarire zvokurwa. Dhiyabhorosi anoziva kuti Jehovha anovenga munhu wose anofarira zvokurwa. (Pis. 11:5) Saka, achida kufadza zvido zvedu zvenyama, Satani anoedza kushandisa mabhuku, mafirimu, nziyo, uye mitambo yemavhidhiyo, mimwe yacho inoita kuti vanhu vade kutevedzera unzenza hwakaipisisa noutsinye zvavanoona. Satani haana basa nazvo kana mwoyo wedu ukada zvakarurama chero bedzi uchimbodawo zvakaipa, zvaanotsigira.—Pis. 97:10.

8, 9. Mibvunzo ipi yatingazvibvunza nezvezvinotivaraidza?

8 Kusiyana nomudzimu wenyika, mudzimu waMwari unoita kuti vanougamuchira vave vakachena, vane rugare, uye vane ngoni. Tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Zvandinosarudza kuvaraidzwa nazvo zvinokurudzira unhu hwakanaka here?’ Uchenjeri hunobva kumusoro “hahunyengeri.” Vaya vanotungamirirwa nomudzimu waMwari havaparidzi nezvokuchena uye rugare kuvavakidzani vavo ivo vachinakidzwa nokuona kurwisana kunotyisa uye unzenza mudzimba dzavo.

9 Jehovha anotarisira kuti tizvipire zvakakwana kwaari. Asi Satani anogona kungogutsikana nokunamatwa kamwe chete, sezvaaida kuti Jesu aite. (Ruka 4:7, 8) Tingazvibvunza kuti: ‘Zvandinosarudza kuvaraidzwa nazvo zvinoita kuti ndikwanise kuzvipira zvakakwana kuna Mwari here? Zvinoita kuti zvindiomere kana kuti zvindiitire nyore kuramba mudzimu wenyika here? Pane pandingagadzirisa here?’

10, 11. (a) Mudzimu wenyika unokurudzirei nezvepfuma? (b) Shoko raMwari rakafuridzirwa nomudzimu wake rinokurudzira chii?

10 Ndinoona sei pfuma? (Verenga Ruka 18:24-30.) Mudzimu wenyika unotsigira “kuchiva kwemaziso” nokukurudzira makaro uye kuda pfuma. (1 Joh. 2:16) Uri kuita kuti vakawanda vave neshungu dzokupfuma. (1 Tim. 6:9, 10) Mudzimu iwoyo unoda kuti tifunge kuti kana tikaunganidza pfuma hapana chichatiwana. (Zvir. 18:11) Zvisinei, kana tikarega kuda mari kuchiita kuti tisada Mwari, Satani anenge akunda. Tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Upenyu hwangu hwangova hwokutsvaka kuti ndigare zvakanaka uye ndifare here?’

11 Kusiyana nezvinoita mudzimu wenyika, Shoko raMwari rakafuridzirwa nomudzimu wake rinotikurudzira kuti tisanyanya kuda mari uye kuti tishande nesimba kuti tizviriritire nemhuri dzedu. (1 Tim. 5:8) Mudzimu waMwari unobatsira vanougamuchira kutevedzera Jehovha pakupa. Vanhu vakadaro vanofarira kupa kwete kupiwa. Vanokoshesa vanhu kupfuura zvinhu uye vanofarira kupawo vamwe pavanokwanisa. (Zvir. 3:27, 28) Uye havamboregi kutsvaka mari kuchikosha kupfuura kushumira Mwari.

12, 13. Kusiyana nomudzimu wenyika, mudzimu waMwari ungatibatsira sei?

12 Unhu hwangu hunoratidza kuti ndiri kutungamirirwa nomudzimu upi? (Verenga VaKorose 3:8-10, 13.) Mudzimu wenyika unotsigira mabasa enyama. (VaG. 5:19-21) Muedzo wokuti mudzimu upi uri kutitungamirira hauwanzouyi zvinhu zvakanaka, asi zvakaipa, zvakadai sokunge imwe hama yaita seisiri kutiona, yatigumbura, kunyange kutotitadzira zvakakura. Uyezve, tiri toga mudzimba dzedu zvinogona kuoneka kuti mudzimu upi uri kutitungamirira. Zvingava zvakanaka kuti tizviongorore. Zvibvunze kuti, ‘Mumwedzi mitanhatu yapfuura, unhu hwangu huri kuramba huchifanana nehwaKristu here kana kuti ndiri kudzokera kututsika twakaipa twematauriro nokuzvibata?’

13 Mudzimu waMwari unogona kutibatsira ‘kupfekenura unhu hwekare nemabasa ahwo’ uye ‘kupfeka unhu hutsva.’ Izvi zvichatibatsira kuti tiwedzere rudo rwedu nomutsa. Zvichatiitira nyore kukanganwira vamwe nemwoyo wose, kunyange paine chatakanganisirwa zvechokwadi. Patinofunga kuti tatadzirwa hatizoratidzi ‘pfini nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka.’ Pane kudaro, tichavavarira ‘kunzwira tsitsi.’—VaEf. 4:31, 32.

14. Vakawanda vari munyika vanoona sei Shoko raMwari?

14 Ndinoremekedza uye ndinoda zvinotaurwa neBhaibheri nezvetsika here? (Verenga Zvirevo 3:5, 6.) Mudzimu wenyika unoratidzwa nokupandukira Shoko raMwari. Vaya vanotungamirirwa nomudzimu iwoyo vane zvimwe zviri muBhaibheri zvavasingadi kunzwa nokuti zvinovatadzisa kuita zvavanoda, vachiona tsika nedzidziso dzevanhu sezviri nani. (2 Tim. 4:3, 4) Vamwe havadi kutombonzwa nezvaro rose zvaro. Vakadaro vanofunga kuti haribatsiri uye haritauri chokwadi, vachizviti vakachenjera. Vanodira mvura mitemo yaro yakachena inotaura nezvoupombwe, ungochani nokurambana. Vanodzidzisa kuti “zvakanaka zvakaipa uye zvakaipa zvakanaka.” (Isa. 5:20) Isuwo takakanganiswa nemafungiro aya here? Patinosangana nematambudziko tinovimba nouchenjeri hwevanhu here, kusanganisira pfungwa dzedu pachedu? Kana kuti tinoedza kutevedzera zano reBhaibheri here?

15. Pane kuti tivimbe neuchenjeri hwedu, tinofanira kuita sei?

15 Mudzimu waMwari unoita kuti tiremekedze Bhaibheri. Tinoona Shoko raMwari serambi retsoka dzedu uye sechiedza panzira yedu sezvaiita munyori wepisarema. (Pis. 119:105) Pane kuvimba nouchenjeri hwedu, tinovimba neShoko raMwari rakanyorwa kuti ritibatsire kusiyanisa chakanaka nechakaipa. Tinodzidza kuremekedza uyewo kuda mutemo waMwari.—Pis. 119:97.

Dzidza Pamuenzaniso waJesu

16. Kuva ne“pfungwa dzaKristu” kunosanganisira chii?

16 Kuti tigamuchire mudzimu waMwari, tinofanira kuva ne“pfungwa dzaKristu.” (1 VaK. 2:16) Kuva “nemafungiro akafanana neaiva naKristu Jesu” kunoda kuti tizive mafungiro aaiita uye maitiro aaiita zvinhu, tomutevedzera. (VaR. 15:5; 1 Pet. 2:21) Ngatikurukurei dzimwe nzira dzatingamutevedzera nadzo.

17, 18. (a) Tinodzidzei kuna Jesu nezvomunyengetero? (b) Sei tichifanira ‘kuramba tichikumbira’?

17 Nyengeterera mudzimu waMwari. Asati asangana nemiedzo, Jesu akanyengeterera mudzimu waMwari kuti umubatsire. (Ruka 22:40, 41) Nesuwo tinofanira kukumbira Mwari mudzimu wake mutsvene. Jehovha haazenguriri kupa mudzimu wake vose vanomukumbira uye anovapa pachena. (Ruka 11:13) Jesu akati: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa. Nokuti munhu wose anokumbira anogamuchira, uye munhu wose anotsvaka anowana, uye munhu wose anogogodza achazarurirwa.”—Mat. 7:7, 8.

18 Kana uchikumbira Jehovha mudzimu wake uye kuti akubatsire, usakurumidza kuneta. Zvingada kuti tinyengetere kakawanda uye kwenguva refu. Dzimwe nguva Jehovha anoita kuti vanhu vanenge vachiteterera kwaari vanyatsoratidza kana vari kurevesa pane zvavanenge vachida uye kana kutenda kwavo kuri kwechokwadi asati avapindura. *

19. Jesu aiita sei nguva dzose, uye nei tichifanira kumutevedzera?

19 Teerera Jehovha zvakakwana. Nguva dzose Jesu aiita zvinhu zvaifadza Baba vake. Pane pamwe pokuti zvaidiwa naJesu zvakanga zvakati siyanei nezvaidiwa naBaba vake. Asi akati kuna Baba vake nechivimbo: “Kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu.” (Ruka 22:42) Zvibvunze kuti, ‘Ndinoteerera Mwari kunyange kana zvakandiomera here?’ Kuteerera Mwari kunokosha kuti tirarame. Sezvo ari iye Muiti wedu, Mupi uye Mutsigiri woupenyu hwedu, akakodzera kuti timuteerere zvakakwana. (Pis. 95:6, 7) Kuteerera kunokosha kudarika zvose. Hazviiti kuti tifarirwe naMwari kana tisingateereri.

20. Chii chainyanya kukosha muupenyu hwaJesu, uye tingamutevedzera sei?

20 Nyatsoziva Bhaibheri. Paaipindura Satani, uyo aiedza kutenda kwake, Jesu akatora mashoko muMagwaro. (Ruka 4:1-13) Paaipikisana nevanhu vechitendero vaimushora, Jesu aitora zvose zvaaitaura muShoko raMwari. (Mat. 15:3-6) Chinhu chainyanya kukosha muupenyu hwaJesu chaiva kuziva uye kuzadzisa mutemo waMwari. (Mat. 5:17) Isuwo tinofanira kuramba tichiisa mupfungwa dzedu Shoko raMwari rinosimbisa kutenda. (VaF. 4:8, 9) Vakawanda vedu hazvitiitiri nyore kuwana nguva yokudzidza tiri toga kana kuti semhuri. Asi panzvimbo pokumirira kuti tiwane nguva yokudzidza, zvingatoda kuti tiitsvake.—VaEf. 5:15-17.

21. Urongwa hupi hungatibatsira kuziva Shoko raMwari zviri nani uye kurishandisa?

21 “Muranda akatendeka, akangwara” akatibatsira kuti tiwane nguva yokudzidza toga uye nemhuri dzedu nokutirongera manheru oKunamata Kwemhuri vhiki imwe neimwe. (Mat. 24:45) Muri kushandisa urongwa uhwu nokuchenjera here? Kuti mubatsirwe kuva nepfungwa dzaKristu, pamunodzidza madii kugara muchikurukurawo zvimwe zvinhu zvakadzidziswa naJesu panyaya chero yamunenge muchida? Mungashandisa Watch Tower Publications Index kuti muwane mashoko anobatsira enyaya dzamunenge muchida kudzidza. Somuenzaniso, kubvira muna 2008 kusvika kuna 2010, Nharireyomurindi yevoruzhinji yabudisa nyaya 12 dzine musoro unoti “Zvatinodzidza Kuna Jesu.” Munogona kushandisa nyaya idzi pamunenge muchidzidza. Kubvira muna 2006, Mukai! iri kubudisa nyaya dzinoti “Ungapindura Sei?” Aka kamutambo kekurodza pfungwa kakagadzirirwa kubatsira kuwedzera kuziva kwamunoita Shoko raMwari. Madii kusanganisira nyaya idzi nguva nenguva pakunamata kwenyu kwemhuri?

Tinogona Kukunda Nyika

22, 23. Tinofanira kuitei kuti tikunde nyika?

22 Kuti titungamirirwe nomudzimu waMwari, tinofanira kuramba mudzimu wenyika. Izvi hazvisi nyore. Ibasa chairo, hondo chaiyo. (Jud. 3) Asi tinogona kukunda! Jesu akati kuvadzidzi vake: “Munyika munotambudzika, asi shingai! Ini ndakunda nyika.”—Joh. 16:33.

23 Isuwo tinogona kukunda nyika tikaramba mudzimu wayo toita zvose zvatinokwanisa kuti tigamuchire mudzimu waMwari. Zvechokwadi, “kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?” (VaR. 8:31) Kana tikagamuchira mudzimu waMwari, tikaita zvaunoda zviri muBhaibheri, tichagutsikana, tichava norugare, mufaro uye tichava nechivimbo chokuti tichawana upenyu husingaperi munyika itsva yava pedyo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Kuti uwane mamwe mashoko, ona mapeji 170-173 ebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

Unoyeuka Here?

• Nei mudzimu wenyika uri kwose kwose?

• Ndeipi mibvunzo mina yatinofanira kuzvibvunza?

• Ndezvipi zvinhu zvitatu zvatinodzidza kuna Jesu panyaya yokugamuchira mudzimu waMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Dzimwe ngirozi dzakava sei madhimoni?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Satani anoshandisa mudzimu wenyika kuti atonge vanhu, asi tinogona kuita kuti mudzimu wacho usatikanganise